Mwana wose anoda dzidzo

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MWANA wose ane kodzero yekuwana dzidzo pasina rusarura kuti anobva kumhuri yakabudirira here kana kuti kwete.

Hurumende iri kushingairira zvikuru nepainogona mukuona kuti vana vose vawana mukana wekudzidza zvisinei nematambudziko ari kusanganikwa nawo mukuzadzikisa chishuwo ichi.

Asi zvakadaro, kune dzimwe nzvimbo dziri kumativi mana enyika uko zvikoro zvichiri zvishoma izvo zviri kuita kuti vamwe vana vafambe nzendo refu kuenda nekudzoka kuchikoro. Nzvimbo idzi dzinosanganisira nharaunda yeMariga, kuKanyemba, kudunhu reMashonaland Central uko vabereki vari kuchema-chema nekuda kwekushomeka kwezvikoro. Munzvimbo iyi mune zvikoro zvishoma zvekuti pane dzimwe nguva vana vanofamba nzendo refu kuenda kuzvikoro zviri chinanhambwe chemakiromita gumi. Vana ava vari munjodzi zvakare yekuuraiwa nemhuka dzesango idzo dzinonzi dzinorura samare munzvimbo iyi. Mumwe murume wemunharaunda iyi akatozvipira kudzidzisa oga vana 235 pachena, zvisinei nekuti iye akafoira O-Level yake. Pari zvino pane chikoro chiri kuvakwa munzvimbo iyi icho chinotarisirwa kuti chichabatsira zvikuru vana veko.

Dambudziko rekushomeka kwakanyanya kwezvikoro munzvimbo iyi rakabata-bata mudzimai wemutungamiriri wenyika — First Lady Amai Auxillia Mnangagwa —  avo vakashanyira dunhu iri nguva pfupi yadarika.

Vanoti zvakakosha kuti vana vose vawane mukana wekudzidza.

First Lady Amai Mnangagwa vanokurudzira vabereki kuti vaendese vana vavo kuchikoro kuti vave neramangwana rakajeka.

Vanoti Hurumende ichatora matanho ekuona kuti nharaunda iyi yawana zvikoro zvakaringana. Zvakakoshawo kuti makambani akazvimirira nemamwe mapoka abatsirane neHurumende mukusimudzira nyaya dzedzidzo munyika. Nguva pfupi yadarika, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vakazivisa kuti munyika munoda zvikoro zvitsva zvinosvika 2 000 kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana. Zviri pachena kuti zvikoro zvitsva zviri kudiwa zvakawanda zvikuru.  Naizvozvo tinogamuchira nemawoko maviri zviri kuitwa nemakambani anosanganisira Delta Corporation, iyo iri kuvaka zvikoro kumativi mana enyika pamwe nekupa mabhezari kune vadzidzi vanotambura.

Kambani iyi iri kuvaka makamuri ekudzidzira pazvikoro zvakasiyana pasi pehomwe yayo ye$160 000 pagore.

Pamusoro pezvo, Delta Corporation iri kubatsira vadzidzi vanoshaya veA-Level kusvika padanho rekuyunivhesiti nemabhezari nemari inosvika $200 000 pagore. Basa riri kuitwa neDelta Corporation rinofanira kurumbidzwa zvikuru uye mamwe makambani anofanira kutevera matsimba ayo.

Kunze kweDelta Corporation kune mamwe mapoka zvakare ari kubatsira mukusimudzira dzidzo munyika nenzira dzakasiyana.

Bhanga reEcobank nguva pfupi yadarika rakapa miti inokosha $20 000 — kusanganisira yemichero —  yekudyara kuchimwe chikoro chekwaZvimba.

Bhanga iri rine hurongwa hwekupa miti inosvika 25 000 yekudyara kuzvikoro zviri kumatunhu akasiyana enyika. Miti yemichero iri kudyarwa iyi, michero yacho inokwanisa kuzotengeswa, mari inenge yawanikwa yoshandiswa mubudiriro yezvikoro. Semaonero edu, kana mapoka akasiyana akabatana neHurumende mukusimudzira dzidzo munyika, Zimbabwe inoramba iri pamusoro pedzimwe nyika muAfrica pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora.

Share This:

Sponsored Links