Uncategorized

mwari anonditi shandisa mishonga: muporofita…‘Apa ndakasimudzwa nekutengesa kachasu’

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
mwari anonditi shandisa mishonga: muporofita…‘Apa ndakasimudzwa nekutengesa kachasu’ Madzibaba Forget Damiso vaine bhaibheri vachitaridza mishonga yavanoshandisa. — Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wekuMadziva, kudunhu reMashonaland Central, anoti ari kushandisa mishonga yechivanhu kurapa varwere, zvisinei nekuti chechi yake haitendere kuita izvi.

Madzibaba Forget Damiso (43) vechechi yeHamandishe Apostolic Mission — avo vanobva mubhuku raMunava, kwaMambo Mutumba, asi vachigara kuRiverside, muHarare — vanoti vakatanga kurapa vachishandisa mishonga yechivanhu mugore ra2004.

Pamusoro pezvo, Madzibaba Damiso anoti akasimudzwa nemari yaakawana kubva mukubika nekutengesa kachasu — iyo yakaita kuti adzidze makosi akasiyana achizvibhadharira.

“Ndinopinda chechi iyi, iyo inotungamirirwa naBishop Dhende. Tinoshandisa Bhaibheri kuchechi kwedu.

Madzibaba Forget Damiso nemudzimai wavo

“Chechi yedu haibvumidze kushandisa mishonga yechivanhu, asi kana ndiri ini zvakauya kwandiri ndichinamata, ndokuratidzwa mishonga mitatu iyo ndinorapisa denda regomarara chete, kwete zvimwe zvirwere,” anodaro Madzibaba Damiso.

“Izwi rakauya kwandiri ndichinamata nekutsanya mugomo reHaradza, apo ndaitova neBhaibheri rikanditi, ‘Ona kune chirwere chatambudza vanhu chegomarara’.

“Ndipo pandakaratidzwa magwenzi matatu aiva munzvimbo iyi. Ndakanzi vanhu vose vauchabatsira hauna muripo waunoda kwavari, unozviita pachena nekuti mhuri yangu iri kuparara,” anodaro Madzibaba Damiso.

Muporofita uyu anoti akambopinda chechi yeJohane Masowe neyeVadzidzi VaJesu.

“Ndinoomesa mashizha emiti yandakaratidzwa iyi, ayo andinozokuya ndichirapisa vanhu vane denda regomarara. Varwere vanoita mumwe wekunwa kana kubikisa bota rezviyo, remhunga kana remapfunde.

“Kunyangwe tichizoshandisa zvedu hupfu hwechibage, ndakanzi hunonyanya kudiwa hupfu hwechivanhu,” anodaro Madzibaba Damiso.

Anoti anoita zvekurota vamwe varwere vane gomarara, iye ozoenda kwavari achinovarapa pachena.

“Midzi ndeyaMwari zvose nemvura nematombo nezvimwe zvinoshandiswa kurapisa vanhu. Handione chakaipa pakushandisa mishonga yechivanhu sezvo izwi rakabva kuna Nyadenga rakandipa simba rekuita izvi.

“Varwere vari kupora, ndinoda (kureva munyori uno) kuti mundivigire varwere vashanu vegomarara vandinorapa pachena, ndiko kuti mugutsikane. Chiripo ndechekuti denda iri haridi kupiswa chete.”

Madzibaba Damiso anoti vamwe vanoenda kwaari vachida kurapwa gomarara, asi mweya wobva waona mamwe matambudziko pavanhu ivava.

“Pane zvirwere zvinoitwa kugadzirwa nemweya yetsvina kana nevaroyi asi munhu onzi ane Aids kana kuti gomarara. Zvinhu izvozvo hazviendwe nazvo kuzvipatara, zvinodawo mweya mutsvene.

“Ini kunyangwe ndichishandisa mishonga yechivanhu, handisvikirwe nemudzimu kana mashavi. Asi handishore zvemashavi nemidzimu yemadzitateguru. Mweya unobva kuna Mwari wandinoshandisa ndichinamata nemuzita raJesu Kirisitu mwanakomana waMwari,” anodaro.

Muporofita uyu anoti paanorapa vanhu nemishonga yechivanhu, anotanga averenga Bhaibheri nekunamata kuti mishonga iyi ikwanise kubatsira varwere.

Mimwe yemishonga yake akairatidza kuKwayedza apo yainge iri mumabhodhoro.

“Ndakaratidzwa pamweya mhando dzose dzegomarara nekurapwa kwadzo nemishonga yechivanhu.”

Madzibaba Damiso anoti anoenda kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira Bindura, Mberengwa, Hurungwe, Mt Darwin, Mutare neBuhera achinotora mishonga.

Anotizve akaita zvidzidzo zvinosanganisira Engineering uye akadzidza achiwana mari kubva mukubika nekutengesa kachasu.

“Ndichitori muporofita, ndakatanga kuita zvidzidzo zveFit and Turning ndikaitawo Engineering apo ndaitambura kuwana mari. Ndipo pandakaita zvekubika nekusurudza kachasu ndichitengesa panguva imwe chete ndichinorara kumasowe kuti Mwari vandiitire zvakanaka,” anodaro.

Muporofita uyu anoti mukuru wechechi yake haazive kuti iye ari kurapa achishandisa mishonga yechivanhu. Madzibaba Damiso anoti nyaya dzakadai dzinonetsa kunzwisisa uye kunyangwe hama dzake chaidzo, dzave kumuti muroyi nekuda kwemishonga yaanobata pakurapa varwere. Kana n’anga dzinozivikanwa nekushandisa mishonga yechivanhu pakurapa kana kukanganisa vanhu.

Mudzimai wemuporofita uyu — Madzimai Beauty Chiringa Damiso (38), avo vanovawo muporofita —vanoti vanobatsira kutsvaga mishonga iyi nekuitawo mamwe mabasa anodiwa pakurapa varwere.

“Ini ndinonamatawo chechi imwe chete iyi, haibvumidzwe kushandisa mishonga yechivanhu asi hapana zvavaigona kuita nekuti vakapihwa simba rekuita izvi nemweya mutsvene,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links