Uncategorized

Mwedzi miviri vachidya pamwe nemanyinyn’inya

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Mwedzi miviri vachidya pamwe nemanyinyn’inya

Kwayedza

22012015KWA-MAI-HAR-05PANE murume anogara kuGlen View 7, muHarare, uyo anorarama nekuita mabasa emawoko ari kuti akaona mashura pane chimwe churu paaikanyira zvidhinha apo akashanda nenyinyn’inya kana kuti dzimudzangara kwechipo chemwedzi miviri, vachitosvika pakudya mundiro imwe chete.

Isaac Samhembere (38), uyo anonyanyodaidzwa nekuti “Dread” nevanomuziva, anoti akaita nguva yakareba achishanda ne“chimunhu” ichi asi ndokuzobengenuka pava pashure kuti inyiny’inya.

Nyiny’inya zvinhu zvemasaramusi sezvipoko kana madzangaradzimu izvo zvine chekuita nemweya yevakafa.

Pane fungidziro yekuti nyiny’inya iri nderemunhukadzi anonzi akangotsakatika muHarare makore adarika asi mapfupa ake ndokuzofukunurwa netsaona naDread apo aikanya zvidhinha pachuru.

Dread anoti asati asangana nechishamiso chemapfupa aya, apo aikanya zvidhinha nemudzimai wake, kune “chimunhu” chinenge murume chaiuya chichikumbira kuti vashande vose asi chichingopota chichitsakatika zvisinganzwisisike.

“Munhu uyu akauya achiti aida kukanya nesu zvidhinha, ini navadzimai vangu ndokubvuma. Taiti dzimwe nguva takagara naye kudai taiona kumeso kwake kuine makomba akabooka kusvika pabhonzo. Ini ndaitya kutaurira mudzimai wangu ukuwo iyewo achitya kundiudza.

“Munhu uyu akambonditi ndiende kumba kwavo kuChitubu, kuGlen Norah A, kunotora zvekudya apo ndakasvika ndichitaurirwa kuti pamba apa paisagara munhu akadaro,” akadaro Dread.

Dread anoti chimunhu ichi chakazongotsakatika apo chakabva pachuru apa chichiridza tsamwa.

Murume uyu ane fungidziro yekuti chimunhu chavaikanya nacho zvidhinha ichi raiva nyiny’inya ane mweya uri kubuda paari.

Mukadzi wekunzi akafa nekupondwa uyu anofungidzirwa kuti aishanda kupurazi reChuru murimwe bhawa.

Mudzimai waDread, Redah Simiyoni Makumbe (37), akatsinhira kuti vakashanda nekudya pamwe chete nenyin’inya.

Anoti chimiro chechinhu ichi chaigara chichisanduka nguva nenguva apo vaitaura nacho.

“Ini nemurume wangu taigara tichiitisana nharo kuti murume uyu sei aisanduka chiso chake nechimiro. Dzimwe nguva waigona kumuona semunhu akagadzirwa newaya, aine makomba kumeso maziso ake akany’ura mukati. Izvi zvaiita sefirimu, taizosara tichitaura naye iye asisipo,” akadaro.

Anoti dzimwe nguva vaingoerekana voona munhu uyu agara pavari vasina kuona mafambiro aaita kusvika pavari kana kungonyangarika.

“Kunyange kudya kwake chaiko, kwaitityisa nekuda kwamashamiro aaita muromo. Akanga asingade kutariswa kumeso, aibva atarisa kudivi kana kusimuka otanga kufamba-famba. Taiti tikasvika kumba taimurota tarara achiita seaitimhanyisa,” akadaro.

Dread akambobuda muKwayedza pakupera gwegore radarika achiti ari kutambudzwa nemweya wemukadzi anonzi mutumbi wake wakavigwa pachuru ichi nevanhu vakamuponda makore adarika apo aibva kubasa kwake kuCrest Breeders. Mweya uyu unonzi wakatanga kubuda pamurume uyu apo akachera ivhu rekukanya zvidhinha pachimwe churu ndokufukunura mapfupa emunhu nekusaziva.

Chava kunetsa murume uyu ndechokuti vanhu vangangoita hama dzemunhu ane mapfupa aakafukunura apo aikanya zvidhinha nenyiny’ina hadzisi kuzotambira nyaya iyi nyore.

Pakaitika nyaya iyi mapurisa emuHarare anonzi akaenda naDread kwaBushu, uko vanhu vaitaurwa nemweya waibuda paari vakasvikoramba kuti ihama dzemukadzi ane mapfupa akafukunurwa.

Iye Dread anobva kwaNyatsanga, kwaSaunyama kuNyanga, uye zvinonzi ave nemwedzi miviri achisvikirwa nemweya wemunhukadzi mutorwa.

Paunobuda pamurume uyu, mweya uyu unotaura kuti ndewaEsterry kana kuti Lizzy uyo unoti mufi uyu aigara kuCrest Breeders muHarare uye akapondwa mugore ra1988.

Pakatanga kubuda mweya uyu, Dread anoti akaendwa naye kuvagari vekuCrest Breeders vanhu vakanopupura kuti kwaiva nemunhukadzi akadaro uyo vakashaya mugore ra1988. Mapurisa ekuGlen Norah vanonzi vakambofamba naDread vachida kutsvaga hama dzemunhu ane mweya uri kubata murume uyu vakaguma vakanda mapfumo pasi apo vakanosvika kwaBushu kuvanhu vari kunzi vakaramba kuti ihama dzemunhu ane mweya iwoyu.

Kwayedza yakakwanisa kunosvika mumusha weTsungubvi, kuGlendale, kuMashonaland Central, uko kunogara vanonzi ihama dzemufi uko yakaudzwa kuti zita chairo remukadzi akatsakatika ndiRisa Mutsvunguma. Mwana wemukoma wemukadzi anonzi akapondwa uyu, Janet Chigodora (56), akabvuma kuti vakashaya amainini vavo mugore ra1988.

“Amainini Risa Mutsvunguma ndaigara navo ndini kuCrest Breeders apo takavashaya. Vainzi Amai Obert kana kuti amai Venencia. Vakabva kumba vachienda kwaSithole (kuChuru Farm) uko vaishanda apo aiva manheru. Vakangoshaika ipapo vakatsvagwa nevashandi vekuCrest nevekuChuru asi zvikashaya basa.

“Izvo zvekuti kune munhu ave kusvikirwa nemweya wavo zvimwe. Mweya wacho ngaunange kumusha kwemufi kuChivhu unotaura nanasekuru variko kwete isu nekuti tinoguma taviga munhu asiri amai vedu ikava ngozi,” vakadaro Mai Chigodora.

Mumwe mwana wemukoma wemudzimai wekutsakatika, Mai Joice Mutsvunguma (61), vakati:

“Amainini vangu takavashaya zvechokwadi tiriko kuCrest Breeders. Chakangowanikwa chete chitupa chavo icho chakanhongwa pedyo nerwizi Mukuvisi chakatyorwa. Uyu munhu anoti ari kusvikirwa nemweya wavo anogona kunge riri tsotsi rinoda kuti tizoripa nemari kana kuti mombe kuti akawana amai vedu.”

VaReuben Chokanga (50), avo vanove mwana wemukoma wemufi, vanoti Dread anofanirwa kutungamirirwa nemweya wacho kunosvika kumusha kwemufi kuChivhu kwete kuti ivo vaende naye.

“Mweya uyu ngautungamirire vanhu kunosvika kumusha kwemufi, wonotaura zvose kwete izvo zvekuti wakambotungamirira mapurisa kunhu kusiri iko, kwaBushu. Hatina hama dzekwaBushu isu kana sekuru vainzi John Mutsvunguma hatina,” vakadaro VaChokanga.

Vobvunzwa kuti sei zita rekuti Mutsvunguma rakafanana neraitaurwa nemweya unonzi uri kusvika pana Dread, vakati dzimwe nguva murume uyu anenge akawana ruzivo pamusoro pemhuri yavo kuburikidza nehukopokopo.

Hanzvadzi yasara mumba memunhu wekutsakatika ndiVaGideon Chihota, avo vari kuGokomere, kwaMutsvunguma kuChivhu.

“Vana amai vedu vakaberekwa vachiti Celia Mutsvunguma, Rossy Mutsvunguma naivo Risa Mutsvunguma avo vaiva gotwe. Isu tiri vana,” vakadaro VaChokanga.

Mhuri yose iyi, kusanganisira Risa, inonzi vana vaVaChihota Mutsvunguma.

Vamwe vanasikana vose vanonzi vakashaika ndokusara mukomana, Gideon.

Vamwe vanhu vaishanda naRisa kuChuru nevaaigara navo kuCrest Breeders vanoti mukadzi uyu akangonyangarika mugore ra1988 kusvika nanhasi.

Sekuru Tigere vekuCrest Breeders vanoti vaishanda vose nemukadzi uyu uye vachibva kumusha kumwe chete.

“VaRungu vaiva pano vakambotimisa kushanda tikapinda musango nemunzizi kutsvaga amai Obert, ukuwo kuChuru zvaiva zvimwe chete vanhu vakatsvagawo asi hazvina kubatsira. Zvinoreva kuti akapondwa,” vakadaro Sekuru Tigere.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Memory Pamire, vanoti vachiri kuferefeta kuti nyaya iyi yakamira sei.

“Regai ndigotaura nemapurisa ekuGlen Norah kuti tinzwe mamiriro enyaya iyi,” vakadaro Insp Pamire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>