Uncategorized

‘Mweya wechigure unoraurwa sehove’

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
‘Mweya wechigure unoraurwa sehove’ MBUYA Meja (vakagara pamberi) vaine chikwata chavo chezvigure cheYellow-yellow Dance Group. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Nyasha Mutena
VANHU vakawanda vanovhunduka kana kunzwa kusagadzikana apo vanoona zvigure nekuda kwemashoko anotaurwa pamusoro pazvo sekuti zvinonzi zvinopfekera nhumbi dzazvo kumakuva, kana kuti zvinoshandisa mishonga inokuvadza. Kwayedza yakaita hurukuro nezvimwe zvigure, zvechikwata cheYellow-yellow Nyau Dance Club, kuMufakose, muHarare.

Mukuru wechikwata ichi, Mbuya Efrida Meja, vanoti mweya wezvigure unoraurwa pasi pemvura nechirauro chakangofanana nechinoredzeswa hove apo vanenge vachigadzirira bira guru.

Mbuya Meja vanoti vanomwaya hupfu hwakasanganiswa nebute apo mweya unonzi “gure” unobuda pasi pemvura asi uine mutumbi wemunhu. Mweya uyu, vanodaro, mudzimu wechigure chakafa kare-kare uye vanochimutsa kuburikidza nekutamba nekumwaya hupfu nebute murwizi.

Vanoti pese pavanoonekwa neveruzhinji vachiimba pamwe nekutamba, chigure ichi, icho chine mweya unenge wakaraurwa mumvura, chinenge chiripo chichitambawo pamwe navo.

Mbuya Meja vanoti zvigure zvinoraurwa mumvura izvi zvine simba rakakomba uye zvine mazita anosanganisira Masamba – icho chinobuda nemashizha pasi pemvura – Kamupini, Maria, Chadzunda naSimoni.

“Mweya unonzi gure ndiwo watinonoteketera tichikumbira midzimu yedu kuti ibatane neyegure uye ubude pasi pemvura. Tinoita izvi tichimwaya hupfu hwakasanganiswa nebute zvakare tinenge tichiimba pamwe nekutamba. Kana wabuda mweya wacho, anenge achiita kunge munhu chaiye akangoitawo sesu pachimiro tofamba nacho kwese kwamunotiona tichitamba,” vakadaro Mbuya Meja.

Vanoti zvigure hazvinei nechekuita nemabasa ehuroyi kana hutsinye uye mutambo uyu chikamu chetsika nemagariro evanhu vekuMalawi, ndosaka vachikokwawo kumadopiro makuru akaita seHarare International Festival of the Arts (Hifa).

“Kuva chigure hazvireve kuti munhu ava bhinya asi kungopemberera tsika nemagariro edu isu verudzi rwekuMalawi. Tsika, runyararo, magariro pamwe nerudo zvose zvinodzidziswa zvakanyanya kuchitendero chedu,” vakadaro.

Nguva pfupi yadarika kune mumwe murume anonzi akafa mushure mekuzvindikitwa nevamwe vake vainzi zvigure vachiti kurohwa uku inzira yekumufundisa kuva chigure.

Vachitaura nezvechiitiko ichi, Mbuya Meja vanoti vanhu ava havasi zvigure zvechokwadi asi kuti vanogona kunge vachibatira mutambo uyu pamusoro kana kuti imbavha dzaida kubira murume uyu.

Allan Mapfuvise (25), uyo anove nhengo yechikwata ichi, akatsinhira mashoko aMbuya Meja ekuti mweya wezvigure unoraurwa murwizi.
“Tinoenda kurwizi uye apo vamwe pavanenge vachiwokera vari pedyo nerwizi, mumwe wedu kana mutungamiri weboka anotora chirauro ipapo mweya wezvigure zvinogara pasi pemvura unobva wabuda uchiita semunhu uyo anozotanga kutamba,” akadaro.

“Munhu anenge araura chigure ndiye anotungamirira pazvose zvachinoita kusanganisira zvitaera zvachinenge chichiita nezvimwe zvose zvachinoreva.

“Zvigure zvakangofanana nevanhu vanoenda kuchechi, tinodzidzisawo zvakawanda maererano nemararamiro akatwasuka, tsika pamwe nemagariro edu sevanhu zviri kungoitwawo kumachechi,” akadaro.

Imwe nhengo yechikwata ichi zvekare, Collen Bhito (23), anotiwo pfungwa dzine vanhu vazhinji dzekuti munhu akatandaniswa nechigure akadonha akakuvara ronda racho haripore zvaive zvekare-kare apo chitendero ichi chainge chichiri kuyera asi mazuva ano zvakadaro hazvichaitika.

Lawrence Tsengalamwezi (23) anoti kutamba zvigure chitendero uye hapana chekumbonyara sezvo iri nhaka yavo yavakabva nayo kuMalawi.
VaBanda Madzudzo vanogara kuDzivaresekwa vanoti mutambo wezvigure wechokwadi waiitwa nevanhu vakare uye mazuva ano zvangove zvechitsotsi.

“Ini ndinoona kuti zvigure zvangove zvekunyepa chete, vaizvigona vakuru vekare uye mazuva ano vanenge vachida kukandirwa mari kana kutendeutsa vanhu kuti vapinde muchinamato chavo,” vakadaro VaMadzudzo.

Mutizwa Chikukutu (33), uyo anobva kuMalawi, anoti haafarire mutambo wezvigure kunyangwe zvazvo zviri chikamu chetsika dzekumusha kwavo.

Mashoko ake akatsinhirwa naBibi Namuzukli (37), uyo anoti anobva kuMalawi zvakare achiti vanhu havafanire kumanikidzwa kupinda mumutambo wezvigure.

Asi Mai Linda Mushayavanhu, avo vanogara kuChitungwiza, vakatsigira mutambo uyu vachiti unoita kuti veruzhinji vave neruzivo pamusoro petsika nemagariro ezvizvarwa zvekuMalawi.

Share This:

Sponsored Links