Nac yopa vatori venhau mibairo

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Nac yopa vatori venhau mibairo

Kwayedza

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) richange richipa vatori venhau mibairo yavo yepagore kuBulawayo nomusi weChina, Chikumi 28, senzira yekuvakurudzira kuti vange vachinyora zvakanyanya maringe neHIV neAIDS.

Mibairo iyi yava muchikamu chepiri zvichitevera mamwe makwikwi erudzi urwu ayo akaitirwa muHarare gore rapera.

Nekuda kwebasa guru rinoitwa nevatori venhau mukufambisa mashoko maringe neHIV, zvakaonekwa zvakakosha kuti vange vachikurudzirwa kuburikidza nekuvapa mibairo.

Kubvira pakabuda nyaya yekutanga yeHIV muZimbabwe muna1985, vatori venhau vakabatsira zvikuru mukuwanisa vanhu mashoko maringe neutachiona hweHIV zivo zvakaunza shanduko huru muraramo yevanhu pamwe nekubvisa dzimwe pfungwa dzakashata idzo dzaive muvanhu maringe neHIV.

Nekune rumwe rutivi, sangano reNAC rakanga richiita misangano nevatori venhau uye vapepeti richivapa ruzivo maringe neshanduko uye ruzivo rwutsva rwuri kuburwa pamusoro penyaya dzine chekuita neHIV.

Mibairo iyi iri kupihwa kuvatori venhau avo vakanyora nyaya dzavo kubvira mumwedzi waNdira naZvita 2017. Vatori venhau vakuru ndivo vakaongorora mabasa akaitwa nevatori venhau ava vachitarisa kutsetsenura kwaiitwa nyaya dziri pamusoro peHIV neAIDS.

Vachakunda mumakwikwi aya vachawaniswa mibairo mikuru, kusanganisira mikana yekuenda kumisangano mikuru yeHIV neAIDS inoitwa kunze kwenyika.

Nhengo dzekubazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, dzeNAC nevamwe vatsigiri vari kutarisirwa kunge vari pachiitiko ichi.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana Dr David Parirenyatwa ndivo vachange vari muyenzi mukuru.

Gore rapera, Sharon Kavhu wekuSouthern Times ndiye akahwapura mubairo mukuru uye akawaniswa mukana wekunopinda musangano mukuru weHIV kuFrance uyo waakaitwa kwemazuva mashanu, akawana zvakare chitupa nemukombe. Tinomuda Chakanyuka wekuThe Sunday News akatora mubairo wepiri akawana mukana uzere wekuenda kuCote d’Ivoire uko kwaiva nemusangano mukuru weHIV and STIs (ICASA) apo Mirirai Nsingo wekuH-Metro akawana mukombe ne$850.

NAC yakapa zvakare Zimpapers, Zimbabwe Broadcasting Corporation neZNAC also ZiFM mibairo yekushambadza zvakanyanya maringe neHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey