Nadal akabuda muCincinnati Masters

16 Aug, 2018 - 12:08 0 Views
Nadal akabuda muCincinnati Masters Rafael Nadal

Kwayedza

SHASHA yemutambo wetenesi pasi rese, Rafael Nadal (32), akabuda mumutambo weCincinnati Masters sezvo ari kuedza kutanga gadziriro dzake dzekuchengetedza mukombe weUS Open.
Nadal – uyo anove chizvarwa chekuSpain – akaumburudza Stefano Tsitsipas wekuGreece achibva ahwina mukombe wake wechi80 ndokubva atora zvakare Rodgers Cup kuToronto musi weSvondo.
“Ndine hurombo kukuzivisai kuti handisi kuzotamba kuCincinnati gore rino,” Nadal akanyora padandemutande rake reTwitter musi weSvondo.
“Hapana chimwe chikonzero kunze kwekuchengetedza hupenyu hwangu uye nekuedza kuramba ndiri mutano sezvandiri kunzwa iye zvino.
“Ndine kutenda kukuru kune shamwari yangu Andre Silva, tournament director weCinciannati Tournament, uyo wandakataura naye panharembozha akanzwisisa zvikuru nyaya iripo yandakamutsanangurira.”
Kubuda kwaNadal mumutambo uyu kwave kusiya Roger Federer, uyo aive asiko kuToronto, ariye mutambi ari kutarisirwa kuhwina makwishu aya eCincinnati.
Makwikwi eUS Open achatanga musi wa27 Nyamavhuvhu, kuFlushing Meadows. — Sportsmail Tennis

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>