Nako kukodza mutauro netsumo

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KUDZAMARA mapfupa ati mbombombo kuibva, tinoramba tichikwichidzira matanda. Hatizomiri kana hadyana yedu isati yadavira nokuti vavariro yedu ndeyekuti kana vaya vana mavende mukanwa, vagowanawo chekusvada kana nguva yekudya yasvika.

Hatidi kuti zvisare zvisina kuibva izvo zvinozongogona kudyiwa nevashoma chete. Ndizvo zvatiri kuita nenyaya yekuedza kukodza mutauro wedu netsumo. Takabata zvikamu zviviri zvapfuura, iye zvino tava muchikamu chetatu chetsumo uye tichabata chikamu chechina apo tinenge torova chikwangu mubandiko retsumo. Saka regai timbononga dzimwe dzatakasiya kusvika zvanyatsoti mbombombo.

Tagara hunhu hwedu savanhu vatema tinopanana zvinhu zvakawanda kusanganisira zvimwe zvakatikoshera. Unogona kupa mumwe munhu chinhu chakakukoshera chausingade kuti chiparadzwe uye unotarisira kuti chigodzorwazve kwauri. Zvinomanikidza kuti munhu asafe akakanganisira uya ane hukoshwa hwake nokuti anotya kuzoshaya hukoshwa hwake zvachose. Ndiko kusaka zvichinzi, raita gonzo ragara pamukangesi.

Manakira kure mvura yemubvumbi itsumo inotaura pamusoro pekunaka kwezvinhu kubudikidza nemaziso edu. Chinhu kana chiri kure chinotarisika sechakanaka chose asi dzimwe nguva chikasvika pedyo chinozoonekwa kuti hachina kunaka. Zvinofanana nevanhu vanogona kupiwa mbiri mumatunhu kana munyika asi ukazoenda kune vanhu vavanogara navo vanongoonekwa sevasina kana basa.

Kune vamwe vanhu vanopedza nguva yavo vachiita zvinhu zvisina maturo kana kupambadzira simba nenguva muzvinhu zvidikidiki izvo zvikuru zvichauya. Kana zvinhu zvikuru zviya

zvazouya, wanikwe munhu haachina kana simba rekubatana nazvo nekuti asakarira mune zvinhu zvisina maturo. Ndiko kunonzi kupedzera simba kunhema idzo nzou dzichauya. Nzou imhuka huru huru kwazvo kana zvichifananidzwa nekasema kanenge kapedzerwa nguva nemunhu achimhanyisana nako. Pane tsumo yechirungu inotaura nezvegoridhe kuti hachisi chese chinovaima chiri goridhe. Zvinonoda kubatana netsumo inoti, Chakadapo here kutora zanda kuita nhekwe. Iyi tsumo inotaurwa kune vaye vanoda kumhanyirira kusarudza chinhu chinoyevedza maziso apo chinhu chacho chinenge chisina kana nekumbosimba kwese. Inodzidzisa vanhu kuti vadzikame vatange vaongorora zvinhu kwete kutorwa maziso nekupenya. Nhamo iya inosvikira vanhu vakadekara haina kunyanya kuipa seiya inovirika kana kunyuka paine imwe kare. Pakadekarwa paya nhamo iyoyo inopatanwa patanwa yakapera nyore. Zvakafanana nenyatwa kana pfumvu inosvikira vanhu iwe wabva panzvimbo, unenge watopona pairi. Ndipo panopinda tsumo inoti, Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa.

Mamwe matambudziko anotiwira tigoshaya kuti toita zvokudini dzamara tangogara tangotarisana tapererwa. Matambudziko emhando iyi anotinanika pachena uye toshaya kuti toita zvokudini tichishaiwa zano rokuapedza naro. Vagoni havo vanobva vati, Yava nhamburiko nyama yemusoro hairumikwi.

Matinogara umu mukauya vanhu vatsva hatifanirwi kubva tangovimba navo zvokutovapa mabasa okuita nokutungamira nekuti tinenge tisina ruzivo rwakazara pamusoro pavo. Ndiko kusaka vakuru vachiraira vachiti, Mombe yenzenzi sungira.

Tinoda zvino kuchipedzisira godzamutauro redu muchikamu chiri kutevera tichipendera nyaya yekutsanangudza tsumo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>