Uncategorized

N’anga dzorwisa gukuravhu

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
N’anga dzorwisa gukuravhu Sekuru Friday Chisanyu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira machiremba echivanhu reTraditional Medical Practioners Council (TMPC) rinoti riri kushanda neHurumende nemamwe masangano akazvimirira muchirongwa chekudyara miti senzira yekudzivirira gukuravhu nekuvandudza masango kuitira kuti nhengo dzaro dziwane miti mitsva yekushandisa mumabasa adzo.
Sachigaro wesangano iri, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vari kushanda nebazi rinoona nezvekurima uyewo nebazi rinoona nezveutano nekurerwa zvakanaka kwevana mukudyarwa kwemiti iyi.
“Hurumende yedu yakagarisa vanhu patsva mumapurazi umo tiri kurima tichivaka zvinhu zvakasiyana zvinosanganisa zvikoro, makiriniki, nhandare nezvimwe zvakawanda. Nekudaro miti iri kuparadzwa nguva nenguva kuchisara mimwe mishoma. Mimwe yemiti iyi, inowanikwa munzvimbo dzakasviba dzakaita semunofamba nemasuweji kana munorasirwa tsvina,” vanodaro.
Vanoenderera mberi vachiti, “Miti mishoma yasara iyi mimwe yacho iri kukura munzvimbo dzisingaite dzisina utsanana ndiyo inotorwa nemachiremba edu vachirapisa vanhu.”
Sekuru Chisanyu vanoti kuti dambudziko rekushaikwa kwemiti inokwanirana iri ripere, kunodiwa kuti kurimwe miti sebhizinesi sezvinoitwawo masango emapuranga.
“Tikarima masango emiti yedu yechivanhu yemuno neyekunze munoona kuti dambudziko iri hatiriwane, gukuravhu redu rinoshomeka miti yekuitisa mabasa akasiyana tinoiwana uyewo nekuwana yatinoshandisa isu semachiremba,” vanodaro.
“Miti mimwe chete iyi inoshandiswa semapango uyewo huni dzekupisisa zvirimwa zvedu zvakaita sefodya nezvimwe.”
Vanoti seTMPC vane nzvimbo idzo vakanyorera kare kuti vapihwe neHurumende dzekuti varime miti iyi. Sekuru Chisanyo vanoti kune dzimwe nyika, masangano anomirira machiremba echivanhu ane homwe yemari iyo inoiswa parutivi yekushandisa mabasa akasiyana anosanganisira kudyarwa kwemiti.
Vanoti muchirongwa chavo ichi vari kushanda zvakare nebazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa sezvo masango ari pasi paro.
Vanotiwo ongororo yakaitwa nenyanzvi inotaridza kuti chikamu chinosvika 80% chevarimi vemunyika muno vanoshandisa miti mumabasa akasiyana uyewo chikamu chimwe chete chevanhu ava vanoshandisawo mishonga yechivanhu pakuzvirapa.

Share This:

Sponsored Links