Uncategorized

N’anga inogara netsoko, kamba 8

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
N’anga inogara netsoko, kamba 8 Kamba dziri mukeji

Kwayedza

Tandayi Motsi
N’ANGA yechikadzi, pamwe chete nemurume wayo, vakamiswa mudare ndokubatwa nemhosva yekugara netsoko nekamba sere vasina mvumo yekuzvichengeta.

Zvinhu izvi vange vachizvishandisa mumabasa avo ehun’anga.

Pauline Tukula (64) nemurume wake, Tshidiso Sidwell Tukula, vakamiswa pamberi pemutongi Johani Gouws, kuBloemfontein Magistrate’s Court, kuSouth Africa, ndokutongerwa kubviswa faindi uye kukundikana kwavo vachanodya refovhoro.

Bloemfontein imwe yenzvimbo dziri kugara zvizvarwa zvemuZimbabwe izvo zvakawanda kuSouth Africa uye kune vanhu vane chitsama vanoita zvemishonga.

Muchuchusi munyaya iyi aiva Dolf Nel.

Pakumira kwavakaita mudare iri, Pauline nemurume wake havana kupedzera mutongi nguva sezvo vakabvuma mhosva yavo pasina kundandama.

Mukadzi wechikuru uyu akatongerwa kubvisa faindi yeR6 000 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemakore mashanu.

Tshidiso akatemerwawo chirango chekubvisa faindi yeR6 000 uye kukundikana kwake achagara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Tsoko iri mukeji

Mutongi akabvisa mwedzi mina kana kuti R4 000 pachirango ichi paine chitsidzo chekuti Tshidiso haapare mhosva yerudzi urwu zvakare mukati memakore mashanu.

Pauline anobvuma mudare kuti aive asina mvumo yekuchengeta tsoko nekamba idzi uye anoti aizvishandisa pakuita mhiko dzake dzehun’anga.

Reinet Meyer, anove senior inspector kusangano rinoona nezvekuchengetwa kwemhuka, reSociety for the Prevention of the Cruelity to Animals (SPCA) kuBloemfontein, anoti pavakashanyira Pauline nemurume wake, vakawana tsoko iyi nekamba zvave kuziya nenzara uye nenyota.

“Patakashanyira Pauline Tukula, akambozama kuda kuti pfungwa dzedu dzisiyane nezvemhuka idzi apo aitiratidza magwaro ake ehun’anga. Izvi hazvina kubudirira kuti zvinge zvichitibvisa pfungwa dzedu pane zvataiva tafambira uye takatanga kuongorora tsoko nekamba sere idzi,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Tsoko iyi yaive mukeji yewaya. Takawana pasina chikafu kana mvura yekupa mhuka idzi. Maive netsoko iyi hamuite zvachose kuti inge ichigaramo.

“Keji yacho yaive diki zvikuru. Waya dzaive dzisina kusungwa dzaive mukeji umu idzo dzaigona kukuvadza tsoko iyi. Zvakare makange musina nzvimbo yekuti tsoko iyi ikwanise kusununguka.

“Mukeji imwe chete iyi ndimowo maive nekamba sere. Imwe yekamba idzi yaive yakarara nemusana iri muchidhishi uye yaitadza kumuka. Kudai taive tisina kusvika, kamba iyi yaigona kufa.

“Pakange pasina chikafu kana mvura yekuti dzinwe. Paakabvunzwa, Pauline anoti aishandisa mhuka idzi pakuita mhiko dzako dzehun’anga.”

Kamba idzi netsoko zvakatorwa neveSPCA kuti zvinochengetwa zvakanaka.Zvakaonekwawo kuti tsoko iyi yakabviswa zino rimwe chete.

Meyer anoti kunyangwe zvazvo munhu ari n’anga, haana mvumo yekuitira hutsinye mhuka uye izvi hazvinei nekuti munhu ane magwaro ehun’anga.

Zvichakadai, mamwe magodobori navanatsikamutanda vemuZimbabwe vanozivikanwa nekushandisa zvinhu zvakasiyana sematehwe eshato kana nyoka mhenyu pakuita mabasa avo izvo zvisingatenderwe nemutemo.

Pasi pemutemo wemuZimbabwe, hakuna munhu anofanirwa kuchengeta mhuka yesango ipi zvayo asina mvumo yekuita izvi kubva kubazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey