Uncategorized

N’anga inorapa neropa revanhu

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
N’anga inorapa  neropa revanhu

Kwayedza

N’ANGA yekuMbungu, kuGokwe, iri kupomerwa nevagari veko kuti inorapa vanhu ichishandisa mishonga inenge yakasanganiswa neropa revanhu vakafa.

N’anga Amos Mawere inonzi iri kushandisa ropa revanhu vakafa kuti iwane masimba pamwe nekurapa varwere.

Mumwe munhu wepedyo ari kuziva nezvenyaya iyi — uyo asiri kuda kuti zita rake ridurwe — anoti n’anga iyi inoshandisa ropa rinenge ratorwa kubva kuvanhu vakafa kuti iwane simba rekuita basa rayo.

“N’anga iyi chipuka chinotyisa uye pamba painogara panonzwikwa mazizi achichema husiku, ngoma dzichiridzwa kusvikira panoedza kunze. Vanhu vanoshanyira n’anga iyi vanopupura kuti inoshandisa ropa pakurapwa kwavo kuti varwere vapore.

“Vamwe vari kutoti n’anga iyi inoroya vanhu kuitira kuti vaende kwairi kunotsvaga rubatsiro sezvo ichizivikanwa munzvimbo ino,” anodaro.

Vatori venhau vakaitawo hurukuro naFungai Machipisa, uyo anoti akabatsirwa zvikuru naMawere apo airwara.

“Ndairwara ndichigara ndakarara kwemwedzi mina yadarika ndikamboenda kuchipatara asi hapana zvakabatsira kudakara ndakazoshanyira Mawere ndichitsvaga rubatsiro.

“Kubva musi wandakaenda kwaMawere, utano hwangu huri kuita zvakanaka. Paaindirapa akasanganisa ropa nemumwe mushonga ndokubva anditi ndinwe izvo ndakaita.

Pandakaona ropa richisanganiswa nemushonga, handina kubvunza kuti ropa iri rakange rabvepi nekuti ndakanga ndaenda kunorapwa chete,” anodaro Machipisa.

Vatori venhau vakaitawo hurukuro nevamwe vanhu vanoti vakamborapwa naMawere achishandisa ropa revanhu zvisinei nekuti havana kuda kuburitswa mazita avo.

“Mushure mekunge ndarapwa naMawere, ndakatanga kurota hope dzakaipa apo ndaiona vanhu vandisingazive vachiuya kwandiri. Izvi zvakaita kuti ndishanyire imwe chechi ye’pentecostal church’ uko ndakaudzwa kuti ndainge ndanwa ropa remunhu nekudaro ndizvo zvakange zvave kundikanganisa.”

Asi Mawere anoti haana basa nezvinotaurwa nevanhu kuti anoshandisa ropa revanhu kana kuti rehuku nekuti basa rake nderekushandira vanenge vaine matambudziko.

“Vanhu nguva dzose vanogara vachingotaura-taura, ndicho chikonzero ndisina hany’a pamusoro pezvavanotaura. Vari kuti ndinoshandisa ropa mukurapa varwere.

“Chandinoziva ndechekuti pane zviri kuitika apo imwe n’anga yemunharaunda muno iri kuda kuti ndiburitse pachena mishonga yandinoshandisa kuitira kuti igoiba nekuishandisawo,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links