‘N’anga, maporofita itai utsanana’

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘N’anga, maporofita itai utsanana’ Sipo inogadzirwa nemishonga yechivanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reTraditional Medical Practitioners Council (TMPC) riri kukurudzira machiremba echivanhu kuti vavandudze mashandiro avo nekupa varwere mishonga isingazoita kuti vatapurirwe chirwere chemanyoka checholera.

Rinoti izvi zvinogoneka kuburikidza nekuita utsanana sekupa varwere mishonga iri mumhando yemapiritsi.

Sachigaro weTMPC, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzivandudze mishonga yechivanhu yavanoshandisa pakurapa varwere.

Sekuru Chisanyu ndivo zvakare mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA).

“Tichibatanidza masangano maviri anoti TMPC neZINPA, tiri mubishi kuita magungano ekudzidzisa n’anga nemaporofita kushandisa mishonga yedu yechivanhu iri mumapiritsi.

“Hazvirevi kuti mishonga iyi inenge yasanduka kuita yeChiRungu asi kuisa mukati memapiritsi atinoti macapsules, capsule idemhe chete iro rinochengeta mishonga,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

“Nenzira iyi, zvinoreva kuti hakuna chiremba achaisa mishonga mumabhodoro iri mumvura kana kuita zvekudyisa varwere mishonga nezvipunu kana kuisa mubota nedzimwewo nzira dzinokwanisa kuparadzira chirwere checholera,” vanodaro.

Vanoti nzira dzekugadzira mapiritsi aya dzinoitwa nehutsanana vachishanda pamwe chete nechikamu chinoona nezvemishonga kuUniversity of Zimbabwe, cheSchool of Medicine.

Sekuru Chisanyu vanoti zvakare masangano avo ari kushanda nenyanzvi mukugadzira sipo nemishonga yechivanhu.

“Pane mishonga yekugezesa vanhu vane matambudziko akasiyana inobvisa minyama neyemaraki. Tave kushanda nenyanzvi kugadzira sipo dzinoiswa mishonga iyi apo varwere tinongovapa sipo vogeza sezvavanongoita nedzimwe sipo,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Sipo idzi dzinotonyorwa mazita ezvadzinobatsira zvakaita sekuti mudiwa diwa, ndorani, jambwa nezvimwe.

“Sipo idzodzi tiri                             kuisawo mishonga inochenesa mawoko, apo vanhu vanouya vachirapwa nesu tinovagezesa vachipinda nepavanobuda mumatare edu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey