Uncategorized

N’anga, maporofita vakapihwa nyembe

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
N’anga, maporofita  vakapihwa nyembe Chin-Chai Chu achitambidzwa chitupa naSekuru Chisanyu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARAPI vechivanhu nevemakereke, avo vanova nhengo dzesangano reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), svondo rapera vakapihwa zvigaro nezvitupa zvinofambirana nekugona kwavo basa rekurapa.
Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiriri wesangano iri, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vanoita chirongwa ichi mushure memakore mashanu ega-ega apo vanopa nhengo dzavo zvitupa nenyembe zvichifambirana nemabasa avanobata.
“Tapa zvitupa nenyembe kunhengo dzedu gumi dzinosanganisira varapi vanoshandisa mishonga yechivanhu nemaporofita sekucherechedza mabasa makukutu avanobata. Hurumende yeZimbabwe yakadzika mutemo unocherechedza mabasa echivanhu uye mutemo mumwe chete uyu unosunga varapi vemanyepo neavo vanenge vasina kunyoreswa zviri pamutemo kumasangano akasiyana pasi pesangano reTraditional Medical Practioner’s Council (TMPTC),” vanodaro.
Pachiitiko ichi, nhengo dzesangano iri dzakagadzwa pazvigaro zvakasiyana izvo zvinosanganisira vatevedzeri vaVaChisanyu vanoti Bishop Cuthbert Nyaruvenda, Mbuya Agnes Carson, Mbuya Joyce Nhamburo nechimwe chizvarwa chekunyika yeChina chinonzi Chin-Chai Chu. Vamwe vevakawaniswa zvitupa izvi vanotsanangura mufaro wavo.
“Ndinofara zvikuru nekuwaniswa chitupa ichi semutevedzeri wemukuru wesangano reZINPA. Ndinotungamirira zvakare sangano rinodaidzwa kunzi TZUCHI Foundation rinova rakavambwa muna2007 riri kuEpworth iro rinobatsira vakaremara, vakwegura nevane zvirwere zvakasiyana apo tinovaitisa mitambo inosimbisa muviri yavo. Zvose izvi tinozviita pachena.
“Tinovaunzira zvakare chikafu chemupunga kubva kunyika yeTaiwan tichivabikira pamuzinda uyu,” anodaro Chin-Chai Chu.
Bishop Nyaruvenda vanoti basa guru ravanoita nderekunyoresa varapi vechivanhu nevemakereke kuti vange vachishanda zviri pamutemo.

Mbuya Nhamburo

“Tiri kusangana nedambudziko revarapi vemanyepo uye vazhinji vavo ndivo vari kubata vanhu chibharo, kubira vanhu mari nezvipfuyo nekurambidza varwere kunobatsirwa kuzvipatara zvichikonzera kufa kwevakawanda. Kana varapi vachinge vanyoreswa zviri pamutemo, vanowana zvidzidzo nekuziviswa mutemo yavanofanira kutevedza,” vanodaro.
Mbuya Carson vanoti semurapi wechivanhu, donzvo ravo nderekuchengetedza upenyu hwevarwere nokudaro vanokurudzira vamwe vavo kuti vange vachipfuudza varwere kuchipatara kana vachinge vaona kuti vanenge vasingakwanisi kuvabatsira pazvirwere zvavanenge vanazvo.
“Kune zvirwere zvakadai seBp, shuga, HIV, gomarara nezvimwe zvinoda rubatsiro rwechipatara isu tinobatsira bedzi pane zvatinogona kwete kunyepera vanhu kuti tinogona zvose nekuti tinenge tichitokonzera rufu.
“Tine tarisiro yekuti tinge tichivandudza hurapi hwedu kuburikidza nekuvhura makiriniki anenge aine mishonga yechivanhu kuitira kuti varwere vange vachisvikira panzvimbo dziri pachena uye dzakakura,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links