Uncategorized

‘n’anga yakanditi uraya’

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
‘n’anga yakanditi uraya’

Kwayedza

Tendai Gukutikwa
MWANA kasvava achangobva kuzvarwa akapona neburi retsono kwaZimunya, kwaMutare, mushure mekunge amai vake avo vanorarama nehurema vakamuzvuzvurudza kwechinhambwe chinosvika mamita 200 ndokuzochera guva risina kudzika, umo vakamuviga ari mupenyu.

Mukadzi uyu anoti pane n’anga yechikadzi yakamuti kuita izvi kuti mishonga yayo ishande.

Zvisinei, mukadzi uyu akabva awanikidzwa natete vake zvikaita kuti mwana uyu afukunurwe ari mupenyu.

Nyaya yekuda kuuraya mwana kasvava iyi yakaitika svondo rapera pamberi ikakonzera mitauro yakawanda-wanda apo vagari veko vanoti chiitiko ichi chinoera, hazvisati zvamboonekwa, uye hutsitye hukuru.

Mwana uyu akasara asvuuka-svuka muviri wake wose nekuda kwekuzvuzvurudzwa kwaakaitwa.

Amai vake, Ruth Kazibone (25), vemubhuku raChitora vanonzi vainge vavanza pamuviri pemwana uyu, ndokusununguka vari voga apo vakazoedza kumuviga ari mupenyu.

Kazibone akaremara gumbo, nekudaro hushingi hwake pakuda kuuraya mwana wake huri kushamisa veruzhinji vemunzvimbo iyi.

Muhurukuro nevatori venhau, Kazibone anobvuma zvose kuti akavanza pamuviri paaiva napo uye nekuzoedza kuviga mwana wake muguva ari mupenyu.

Anoti akasunga mwana uyu netambo ndokumuzvuva kwemamita 200 apo akazochera guva risina kunyanya kudzika achibva amufushiramo.

Kazibone anoti akamboedza kakawanda kubvisa pamuviri apa asi zvakaramba.

Anoti pane imwe n’anga inonzi Mbuya Kwembeya yakamupa mushonga wekuti anwe ndokuzomuudza kuti auraye mwana uyu kuitira kuti mushonga waakange apihwa usashaye simba.

Zvisinei, Mbuya Kwembeya vari kurambisisa nyaya iyi.

Sekai Buwerimwe achinongedzera guva risina kudzika rakacherwa neKazibone netambo yaakashandisa kuzvuzvurudza mwana wake kwechinhambwe chemamita 200

Kazibone anoti akabhadhara n’anga iyi $5 apo akanobvunzira pane zvaaida kubatsirwa.

“Ichokwadi kuti ndakazama kuuraya mwana. Ndakapihwa zano iri naMbuya Kwembeya. Ndivo vakanditi ndivige mwana uyu muguva, akafa kana kuti ari mupenyu, uye vakanditi ndisawane wandinotaurira nyaya iyi kuitira kuti mushonga wavo usazoshaya simba.

“Ndakaita sezvandakaudzwa naMbuya Kwembeya. Ndakachera guva risina kudzika ndokukanda mwana uyu imomo.

“Ndakange ndatofushira guva iri ndave kuvhara pamusoro paro nemashizha apo Sekai Buwerimwe akandiwanikidza.

“Chandaida bedzi kuuraya mwana uyu nekuti handikwanise kumuriritira. Tarisai zvandakaita, ndine ruwoko rumwe negumbo rimwe, ndinochengeta mwana uyu sei?

“Ndabata pamuviri kaviri nemurume mumwe chete uyo akandimitisa ndichigara nevabereki vangu, saka ndakanzwa kunyara zvikuru nazvo,” anodaro Kazibone.

Buwerimwe nditete vaKazibone.

Zvisinei, Kazibone ari kukumbira ruregero kuvagari vekwaZimunya pamwe nemwana wake nekuda kwemweya hwehutsinye uyo wakamugara paaida kuuraya kasvava aka.

Vachibvunzwa nezvenyaya iyi, Mbuya Kwembeya vanorambisisa kuti vakaudza Kazibone kuti auraye mwana wake.

“Akauya pano achitsvaga rubatsiro ndikamubatsira. Ruth aitova nemimba yemwana wake uye ndakamubatsira pane zvaaida asi zvino ava kunongedza munwe kwandiri?

“Aida mushonga wandinowanzopa kumadzimai anenge akazvitakura kuitira kuti vasununguke zvakanaka uye ndiwo wandakamupa.

“Zvakabva zvaperera ipapo, hapana pandakamuti auraye mwana wake. Ari kungotsvaga nzira dzekuhwanda nadzo. Kwete,” vanodaro Mbuya Kwembeya.

Buwerimwe anoti akashamiswa nekuzvipira kwaive kwakaita Kazibone kuviga mwana wake muguva ari mupenyu.

“Hapana aimbofungira kuti Ruth aive nepamuviri. Anogara nehanzvadzi yake iyo yakandiudza kuti akange asinganzwe zvakanaka, zvikaita kuti ndimhanye kumba kwaanogara ndichida kunoona kuti ainzwei.

Mbuya Kwembeya

“Pandakasvika, ndakaona mativi eropa aive panzvimbo dzakasiyana pachivanze. Ndakatevedza muhwezvwa weropa iri ndokuwana Ruth achiviga mwana wake ari mupenyu.

“Pakutanga ndakafunga kuti ainge aba mwana uyu, asi ndakazoshamisika kuti aive asununguka mwana uye kuti aida kumuuraya kuburikidza nekumuviga ari mupenyu muguva rakange risina kudzika. Rukuvhute rwemwana uyu rwaive rwachekwa pachishandiswa shanga rechibage, kushaya tsitsi zvakadaro,” anodaro Buwerimwe.

Mudikani waKazibone, Happy Zengeya, anoti haana kumbobvira amuudza kuti ane pamuviri uye haadi kunzwa kana chimwe chinhu nezvemwana uyu.

Zengeya anonzi akaita mhirizhonga apo mwana uyu naKazibone vakamboendeswa kumba kwake.

Anoti akabvisira Kazibone roora kunyangwe zvazvo baba vemukadzi uyu vachiti akangobvisa dhemeji chete apo akamitisa mwanasikana wavo makore matatu adarika.

“Haana kumbobvira andiudza kuti ane pamuviri asi ndakamubvisira roora. Akaedza kubvisa pamuviri zvandisingazive. Ndakashatirwa zvikuru saka nekuda kwaizvozvo ndakamudzinga apo vakauya nemwana naamai vake kumba kwangu.

“Vava kuda kundipa chitunha mhanje, munhu ambobva kumakuva? Handimude, vanofanirwa kunge vakatevera gwara chairo,” anodaro.

Zvisinei, anoti anonzwa kurerukirwa kuti mwana uyu haana kuzofa uye kudai vanatezvara vake vakatevedza gwara chairo rechivanhu, angadai akatambira Kazibone.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey