N’anga yeZpc Kariba … ‘Kana aripo havadyiwe’

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
N’anga yeZpc Kariba … ‘Kana aripo havadyiwe’

Kwayedza

Given Siakanoka ari kuKARIBA —
MUTSIGIRI mukuru wechikwata chenhabvu cheZPC Kariba svondo rapera akakonzeresa kunhandare yeNyamhunga Stadium, kuKariba apo paitamba chikwata chake necheDynamos apo akapfugama kuseri kwegedhi raive nemubati weDeMbare ndokutanga kunamata akabata tsvimbo yake ine mufananidzo wenyoka yeNyaminyami.

Sekuru More Williams vakapfugama kuseri kwegedhi raive nemubati weDynamos, Tonderai Mateyaunga, ndokutanga kunamata kana kuti kuteketera, mushure ndokunongedzera tsvimbo yake mugedhi.

Izvi zvichingopera, ZPC Kariba yakabva yanwisa, zvikashamisa zviuru zvevatsigiri veDynamos.

Nyaminyami inozivikanwa senyoka yairaramisa madzitateguru erudzi rwevaTonga vaigara pedyo nerwizi Zambezi pasichigare uye inonzi ndiyo mudzimu wedhamu guru iri.

Mushure mekunge ZPC Kariba yanwisa, vamwe vatsigiri veDeMbare vakadzvamuka ndokuenda kwaive naSekuru Williams.

Musharukwa uyu haana kana kumborohwa nehana sezvo angovati, “Vakazvipira batai tsvimbo iyi”, achireva tsvimbo yake yenyoka.

Pakashaikwa kana mumwe chete wevatsigiri veDynamos akabata tsvimbo iyi uye vamwe vevatsigiri veDe- Mbare vakabva vatowana mukana wekutorwa mifananidzo vaina Sekuru Willliams mushure mekuona kuti haazi muporofita kana kuti n’anga, asi kuti anongori mutsigiri weZPC Kariba.

Sekuru Williams mugore ra2016 akahwina mubairo mukuru weZPC Kariba Supporter of the Year uye veruzhinji vanomuziva nezita remadunhurirwa rekuti “Leaks” sezvo achinzi kana achinge aripo, chikwata chake che”Kauya Katuruturu” hachikundwe.

Zvakadai, mumutambo wesvondo rapera, ZPC Kariba neDynamos zvakaita mangange 1-1.

Share This:

Sponsored Links