Uncategorized

n’anga yoshopera iri musvo…Sungisai munhu: zrp l Ichi chipini – Mambo

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
n’anga yoshopera iri musvo…Sungisai munhu: zrp l Ichi chipini – Mambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VASHANDI vepapurazi reArgosy, kuMarondera, nemusi weChishanu wadarika vakaona manenji — bhaisikopo remahara — apo n’anga yainge yadaidzwa nemurungu wepo kuzochenura purazi iri yakabata basa iri musvo — kubva kumusoro kusvika kutsoka.

Kwayedza iripo, n’anga yechirume iyi yakakatanura kubvisa mbatya dzose, ndokusara yava musvo pamberi pechaunga chevanhu — varume nevakadzi.

Sezvinonzi zvekubvisa hembe pajekerere zvaive zvishoma, vanhu vainge vakaungana ava vakazodzvamuka votiza apo musvesvenenga wenyoka yerudzi rwemhungu yakabuda mukati mevanhu.

Zondi Zondayi

N’anga iyi yakabvisa hembe dzose isati yatanga basa rayo ichida kuratidza veruzhinji vaivepo kuti haina zvimwe zvinhu zvayainge yakaviga sezvo vamwe vanatsikamutanda vachipomerwa kunyebera kubvisa zvinhu pamisha asi vari ivo vanenge vatanga vazviisa muchivande.

N’anga iyi, Eddison Mhembere (38) — iyo inozivikanwa nezita rebasa rekuti Sekuru Gorejena ichibva kwaMasembura, kuBindura — yakabvisa hembe dzose, ndokusara iri musvo mushure mekunge yakokwa kunochenura purazi raDavid Worswick zvichitevera matambudziko anosangana nevashandi vepo.

Misheck Bokoramheni

Mushure mekuziviswa neKwayedza nezvemashura aya, mutauririri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Norbert Muzondo, vanokurudzira vakuru vepapurazi iri kuti vamhan’are nyaya iyi, n’anga iyi isungwe. Vanoti imhosva munhu kubvisa hembe dzose paruzhinji.

“Vakuru vepurazi iri ngavamhan’are nyaya iyi kumapurisa ari padyo navo. Nyaya iyi inoferefetwa kana achisungwa osungwa, oendeswa kumatare edzimhosva.

“Imhosva kuita zvaakaita izvi kana chiri chokwadi uye hazvifambirane netsika dzedu vanhu vatema,” vanodaro Insp Muzondo.

Payakatanga kuita basa rayo rekuchenura papurazi iri, n’anga iyi yakati vanhu vose vauye netumadhende tudiki utwo twakakandwa panhandare panzvimbo imwe chete.

George Zomutanhire

Patumadhende twaive twakandwa nevanhu vemukomboni utwu, ndipo pakazoerekana pabuda mukweshwa wenyoka yerudzi rwemhungu, iyo isina kuonekwa kuti yakabva nekupi.

N’anga iyi inoti nyoka iyi inorara nevarume nevakadzi vepapurazi apa ivo vasingazvizive.

Pava pashure, Sekuru Gorejena vakazotanga kushevedzera vachiti kwaiva nevamwe vanhu vanofamba vachitaura kuti aiita zvekukandira vanhu zvinhu zvaanenge abata senzira yekuti agonzi anogona basa.

“Honai ndashevedza chikara ichi, nyoka, kubva kumuridzi wayo. Ndichaiuraya uye muridzi wayo akazongoibata mishonga yakaipa zvakare, anofa.

“Zvino vanotaura kuti ini ndinoita zvemafeki zvekuisa zvinhu muhembe dzangu maona here nyoka iyi ichibuda mumbatya dzangu? Ndikuratidzai, manyatsoona mega kuti mubhurugwa mangu hamuna chirimo, nyoka iyi yauya yoga handiite zvekutamba ini, munoda here?” anodaro Sekuru Gorejena, ipapo achifamba-famba pazere vanhu asi akangopfeka kabhurugwa kemukati bedzi.

Midende inonzi yakabviswa nen’anga – Mifananidzo naInnocent Makawa

Sekuru Gorejena akazongotanga kukarara seasvikirwa, ndokubva adzikisa kabhurugwa kemukati kusvika mumabvi, sikarudzi yake ndokusara yayanikwa pachena apo aitamba-tamba nekumhanya nepakati penhandare yaiva yakakomberedzwa nevanhu.

“Maona here, vanofamba vachitaura kuti ndinoita zvekusungira zvinhu muchiuno kana mumabhurugwa angu? Maona here kuti hamuna chirimo mubhurugwa mangu kunze kwesikarudzi yangu bedzi?

“Nyoka iyi ine muridzi wayo muno. Ndiyo inotorera vanhu mari nekuvaita vakadzi kana varume vayo, madzimai asingagumi kuenda kumakore,” anodaro.

Panguva iyi, mamwe madzimai aivepo akatanga kuchema, vamwe vachitiza panzvimbo iyi apo n’anga iyi yaisamboratidza kunyara kana kuvhunduka nekuda kwezvayaiita izvi.

Sekuru Gorejena akazopfeka kabhurugwa kake apo vanhu vakanga vapedza zvavo kuonerera — inova nyaya yakashorwa nevamwe vaiva pagungano iri.

Vakuru vepapurazi iri, vanosanganisira maneja anova mwana wemuridzi wepurazi, Mark Worswick, Lovemore Mupunga (47) uyo anova general manager naConrad Samuriwo anova maneja kudivi remombe, vainge vasipo pakaitika mashura aya.

Varume vaiva nemadzimai avo pagungano iri vakatsutsumwa vachiti n’anga iyi yakafarisa zvekupinda nemwenje mudziva pamberi pevanhukadzi nevana.

“N’anga iyi inogona chaizvo kubatsira vanhu, asi apa yazodarikidza. Kuratidza zvombo zvake kuvakadzi vedu? Achagumisira odanana nemadzimai edu kana vanasikana vedu, hazvina hunhu izvi,” anodaro mumwe murume uyo akaramba nezita rake achiti anotya kuzokanganiswa.

Varume vakawanda vakanzwikwa vachiita mahon’era nenyaya iyi zvisinei nekuti vaitya kutsiura n’anga iyi.

Madzimai akaratidzawo kugumbuka nekuda kwezvavakaona.

“Kana achida kubvisa zvinhu zvehuroyi nekutirapa, ngaagumire ipapo kwete kutiratidza nhengo dzake dzakavandika. Tinodzidii, isu varume tinavo? Ndiko kurapa here ikoko nekutinongedza nesikarudzi yake? Inyaya inosungisaka iyi,” anodaro mumwe mukadzi uyo asina kuda kudurwa nezita rake.

N’anga iyi iri kunzi yakashevedzwa papurazi apa nevashandi vachitungamirirwa nasachigaro wavo, VaZondi Zvondayi (41), nekomiti yavo.

Zvinonzi zvakare kwakambotanga kwauya imwe n’anga inonzi yakatyorerwa tsvimbo yayo nezvidhoma apo yaida kubvisa zvinhu zvevaroyi mukomboni.

Muhurukuro neKwayedza, Sekuru Gorejena anoti akabvisa hembe dzose ndokusara ari musvo senzira yekuratidza veruzhinji kuti hapana chaainge akaviga mumbatya dzaaive akapfeka.

“Ndavaratidza kuti handina chandinenge ndinacho, vagutsikana kusanganisira newe mutori wenhau wazvinoeraka?” anodaro.

N’anga iyi inoramba kutaura zvakawanda apo inobvunzwa kuti inoziva here kuti kubvise hembe dzose pajekerere imhosva.

Vamwe vemukomiti yevashandi papurazi iri vaivepo apo n’anga iyi yakabvisa mbatya dzose vanosanganisira George Zimutanhire (37), Misheck Bokoramheni (43), Malvern Marimo (22) naChris Zawi (39).

VaZondayi vanoti vakawirirana kuti vashevedze n’anga iyi nekuda kwematambudziko anosanganisira kurwara nekufa kusina tsarukano kwevashandi nemhuri dzavo, kushaya mari nezvimwe.

“Takawirirana tose tikashevedza n’anga iyi, iri kutibatsira zvikuru. Uchibva kutambira mari unongoerekana waishaya. Pane nyoka inonzi inogara pagedhi patinopinda napo tichinotambira mari, hanzi ndiyo ine mabasa ose iwaya.

“Nyoka yabatwa inonzi yanga ichitiita vakadzi tose hazvina mhosva kuti murume kana kuti mukadzi, ndokusaka misana yedu ichigara ichirwadza. Vakadzi vanongogara vari kumakore,” vanodaro.

N’anga iyi papurazi iri yakabata zvinhu zvinosanganisira zvikwambo, nyanga, mheni, mishonga yegondwawaturuka, zvidhoma, dende raiva neropa rinonzi ndere vanhu, dumwa nezvimwewo.

“Tine mumwe foromani akangodonha ndokufa gore rakapera ari pabasa ainzi Tawanda Shayanewako uye tine vakawanda vanofa vasina kurwara,” vanodaro VaZondayi.

Sekuru Gorejena akabatsirwa pabasa rekuchenura purazi iri naInnocent Nyamusara (27) uyo anozivikanwa saSekuru Maguranyanga achibva kwaMutoko.

N’anga idzi dzakabhadharwa $700 naMark Worswick kuti dziite basa.

“Ndakabhadhara mari iyi mushure mekunge vashandi vangu vanokwana 340 vauya kwandiri vachiti vane matambudziko ekuroyiwa nezvimwewo,” anodaro Worswick.

Mambo Svosve, VaKumuziva Sakirai (33), avo vanotonga dunhu rinobatanidzira kupurazi kwakaitwa mashura nen’anga uku, vanoti vanoda kutanga vatuma mapurisa avo kunonzwa chaizvo zvakaitika vozoshevedza Sekuru Gorejena kudare ravo.

“Ichi chipini chaicho mudunhu redu kana pasi rose patsika dzechitema. Munhu kubvisa mbatya pazere vanhu achiita zvakadaro?” vanodaro Mambo Svosve.

Sekuru Gorejena anoti inhengo yesangano reZinatha, zvisinei kuti akatadza kuburitsa magwaro ake ebasa.

Asi mukuru weZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoshora zvakaitwa nen’anga iyi ndokuti mapurisa ngavaite 0basa ravo.

VaFriday Chisanyu, vanova mukuru wesangno reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanotiwo n’anga dzakadai dzinofumura basa remachiremba echivanhu uye dzinofanira kusungwa.

Gore rapera pamberi, Kwayedza yakambofumura nyaya yemumwe muporofita wekuMhondoro uyo anonzi aitanga akurunga muteuro waaizonwisa vanhu nenhengo yake yakavandika.

 

Share This:

Sponsored Links