Uncategorized

‘ndadya vanhu 10’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘ndadya vanhu 10’

Kwayedza

‘. . . vamwe vari kurwara’

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI wekuWestlea, muguta reHarare, ari kubuda pachena kuti ane shavi rehuroyi achiti kusvika pari zvino, iye nechikwata chake vadya nyama dzevanhu vanosvika 10 uye vari kurwarisa vamwe gumi izvozvi.

Mudzimai watichangodana nezita rake rekuti Clara (37) uyu kumusha anobva kuBeitbridge uye anotsvaga vanogona kumubatsira kuti asiyane nekuroya.

Mukadzi ane vana vashanu nemurume uyu, anokumbirisa kuti asambodurwa nezita rake rizere sezvo achityira kuparara kweimba yake, uye anoti afamba kumaporofita akawanda achitsvaga kubatsirwa asi zvichiramba uye murume wake asina chaanoziva.

Paakawanikwa neKwayedza ari kumumwe muporofita, anoti ainge aenda uku apo murume wake ainge achangobuda kuenda kubasa, vana vasati vadya kana kugeza mabori kumeso.

“Ndine dambudziko asi handidi zvekuzotorwa mifananidzo nemavhidhiyo sezvamave kundiita izvo. Ndikazobuda munhau kana pamwe panhu ndinoguma ndaenda kuremand (kujeri) ndaita zvimwe zvinhu, kana kuzviuraya chaiko vana ava vosara zvavo vachitambura,” anodaro Clara apo aive kumba kwemumwe muporofita ari kuedza kumubatsira.

Anoenderera mberi achiti: “Ndashevedzwa namadzibaba ava makuseni murume wangu achangobuda mumba uye kusvika nazvino vana vangu havasati vadya.”

Clara anoti shavi rekuroya akakura naro.

“Mugore ra2012 mweya uyu wakazonyatsokura, uchiita zvekubuda pandiri. Ndakaenda kwamadzibaba ava ndichishandirwa asi ndakazotadza kuziva zvandaiva ndokuzoudzwa zvakawanda izvo ndinonzi ndaitaura,” anodaro Clara. Anoti baba vake (zita tinaro), avo vari kumusha kwavo kuBeitbridge, vanoziva dambudziko rake.

Kwayedza ine vhidhiyo rinoratidza Clara ari pasowe remuporofita ari kumushandira uyu apo aive akabatwa nemweya waitaura kuti iye nechikwata chake vakauraya vanhu gumi uye vari kurwarisa vamwe gumi.

“Ndakaiswa pano handibve! Ndinoshanda nevamwe vangu vakawanda husiku tichinoroya.

“Ndadii, imi ndimi vanaani? Ini ndini ndinotungamidzwa apo tinonovhura makuva,” anodaro Clara muvhidhiyo iri achiita zvekukararadza nezwi riri pamusoro. Muvhidhiyo iri anonzwika zvakare achiti mumwe wavanoroya naye akaita kuti nyoka nerusero zvavaishandisa mukuroya zvibatwe nemumwe muporofita wekuShamva, kuMashonaland Central, saka zvave kukanganisa basa ravo.

Mweya uyu unoti haubve kusvikira Clara aenda kune munhu akauisa paari uyo anonzi achiri mupenyu.

Clara anotsinhira kuti mweya uri kumutambudza uyu haukwanise kubviswa nemumwe munhu kunze kweakamupa shavi rekuroya iri.

“Mweya uri pandiri unonzi unoda kudzoserwa kumunhu akauisa pandiri uye achiri mupenyu. Pasina izvozvo, unonzi haukwanisike kubviswa izvo zvandipa dambudziko rekudai.

“Zvino imi (kureva veKwayedza) kana mave kudawo kundifumura zviri nani ndife zvangu,” anodaro.

Anoenderera mberi vachiti: “Vatori venhau kana mafunga kundiburitsa mumba mandifumura kuti ndirambwe nemurume ndizvozvo, nekuti kumba chaiko ndinoita zvekutiza ndichiuya kuno.

“Izvozvi ndasiya ndisina kuwaridza mubhedha, vana havana kugeza, ndinorambwa veduwe! Hamunzwewo tsitsi here, ndine vana vashanu nemurume uyu?”

Clara anoti zvakare ane chipotswa chaakaiswa muchipfuva icho chinonzi chinomukonzera kugara achirwadziwa nemwoyo.

Share This:

Sponsored Links