Uncategorized

Ndafurwa nemhepo: Joyline

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Ndafurwa nemhepo: Joyline

Kwayedza

JOYLINE Chapfika —musikana uya wechidiki wekujuja misodzi yeropa, achinzwa seanorohwa nekuchekwa nezvinhu zvisingaonekwi, uye achibuda zvipikiri newaya mumuviri wake — anonzi dambudziko rake rakapera.
Izvi zvinotevera kubatsirwa kwaanonzi akaitwa neimwe n’anga yekuChitungwiza.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakaudzwa nen’anga iyi, Sekuru Thomas Mukunguta, vekuUnit M kuti yaizobatsira musikana uyu pachena kuti mashiripiti aiitika paari apere.

Joyline (21), uyo akanoonekwa nevatori venhau kumba kwen’anga iyi, anoti ave nemufaro mukuru sezvo marwadzo ose akapera uye zvironda zvakange zviri muviri wake wose nekuda kwekudzurwa zvipikiri newaya zvakapora.

“Ndava kufurwa nemhepo, matambudziko angu ose akapera. Ndava kutoita mabasa ose epamba pasina kana pai panondirwadza uye maronda angu akapora,” akadaro Joyline achinyemwerera.

Anoti achambotora nguva achizorora ari pamba paSekuru Mukunguta asati adzokera kumba kwavo.

Sekuru Mukunguta vanoti zvainetsa pana Joyline zvakapera uye vane chokwadi chekuti musikana uyu haasangane nedambudziko iri zvakare.

Vanoti matambudziko ake aikonzerwa nemhepo dzakaipa, dzekumhuri yaJoyline asi havakwanise kuzvidura sezvo zvichizokonzera kusawirirana. Vanotizve pamusha panaJoyline panoda kugadzirwa sezvo pachitenderera mhepo dzakaipa.

“Joyline akapora uye mhepo dziye dzose dzakapera. Kana dzikazodzoka dzichauya nemumwe mutowo izvo zvandisingaone zvichiitika, akatobatsirwa zvekuti anotoroorwa achizvara vana pasina dambudziko,” vakadaro Sekuru Mukunguta.

N’anga iyi yakatotengera Joyline nharembozha yekuti akwanise kutaura nehama neshamwari dzake.

Dambudziko raJoyline rinonzi akatanga ari Grade 4 paMuzvezve Primary School, kuKadoma apo anoti akatanga achibuda semututu. Ropa iri rakaguma rojuja mumaziso uye achichekwa-chekwa muviri wose izvo zvakaita kuti nhengo dzakaita semazamhu dzisare angova maronda bedzi.

Musikana uyu akambobviswa chipikiri pagumbo chaive chakareba 6 inches pachipatara cheChitungwiza Central Hospital. Izvi zvakasiya varapi vepachipatara ichi vasina neremuromo apo vamwe vakaita bararamhanya kutiza nekutya sezvo Joyline aisaratidza kurwadziwa nazvo. Ipapo akajuja ropa mumaziso akarigama nemawoko ake achiri muchipatara makare.

Vashandi veutsanana pavakatora mabhurumu kuti vapukute ropa iri muchipatara umu, vakashaya kana donhwe zvaro, chinova chiitiko chakavakatyamadza zvikuru.

Joyline akazopihwa chipikiri icho ainge adzurwa kuti aende nacho kumba sezvo vepachipatara vakatya kuchirasa asi zvinonzi chakadzokera zvakare mumuviri wake apo akasvika kumba.

Muviri wemusikana uyu angove mavanga kubvira kumeso, mumawoko, makumbo uye mazamu ake ose haasisina minyatso nekuchekwa nezvisingaonekwi.

Share This:

Sponsored Links