Uncategorized

Ndaiti imimba yevana 9: Josphine

09 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

MADZIMAI Mensista Josphine Chavhunduka (38) vekuMarshlands, kuNorton, avo nguva yapera vakavhiiwa dumbu raive rakazvimba zvakanyanyisa kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndokuburitswa chinhu chairema 45,5 kgs vanoti vakapona neburi retsono.

Madzimai Mensista vanoti nemakuriro ainge akaita “mimb” yavo, pakutanga vaifunga kuti vaive nepamuviri painge paine vana vapfumbamwe kana kudarika.

“Ndakabatsirwa ndikapona apo ndakanga ndangomirira zuva chete rekufa. Pamakauya imi (veKwayedza) muchida kuburitsa nyaya yangu, ndaisada nekunyara vanhu. Asi makandibatsira nemachiremba ekuChitungwiza.

“Ndakayambutswa, izvozvi ndave kukwanisa kuzvishandira,” akadaro mukadzi uyu, uyo kusvika gore rapera ainge asisakwanise kana kuzvigeza. Vanoti vanotenda vagari venharaunda yeNorton, zvikuru vavanonamata navo kuchechi yavo yeJohane Masowe, avo vavanoti vakamira navo vachirwara kusvika nhasi uno.

“Ndine vakuru venzvimbo ino vanoda kundibatsira sezvo kunyange ndakapora, hondo yava yekushaya zvekudya nezvimwe muraramo yangu. Ndinoda kuti dai kwaiwanawo vanogona kundibatsira kuti nditangise takishopu kana chirongwa chekupfuya huku nekuti ndinoda kuriritira mwana wangu.

“Murume wangu akafa, hakuna hama inondishanyira, handina hanzvadzi uye amai vangu vakafa kare.

“Hama dzangu ndimi veKwayedza, vekuchechi nevakandivhiya Dr Tadrous vekuchipatara cheChitungwiza. Ndinotendawo mukuru wavo, Dr Obediah Moyo,” vakadaro.

Kune vanoda kubatsira Madzimai Mensista vanogona kuvaridzira nhare pa0718 177 950 kana 0773 034 954.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>