Ndakada kuzviuraya: Mosquito

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Ndakada kuzviuraya: Mosquito Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munyaya dzetsiva, Alfonso ‘Mosquito’ Zvenyika anoti ane nguva yaakambopindwa nepfungwa dzekuda kuzviuraya kanokwana kaviri kose apo hupenyu hwaive hwamuomera asi akazopa tariro yake kunaMwari.

Mosquito akambonetsa mutsiva izvo zvakamuona achihwina bhande reCommonwealth Light Flyweight Championship mugore ra1998 apo akakunda Paul Weir wekuScotland.

Muchinda uyu mwedzi mitanhatu yakazotevera akazvambura zvakare Kath Knox kuti achengetedze bhande rake.

Svondo rino, Kwayedza yaita hurukuro naMosquito pamusoro penyaya dzakasiyana apo anobuda pachena kuti akambofunga kuzviuraya mushure mekunge hupenyu hwamuomera.

Mosquito – uyo akambopika jeri mushure mekubatwa nemhosva yekuba – anoti ambofunga kuzviuraya apo akaita stroke ari mutirongo.

“Munoziva zvinhu zvinombooma chaizvo asi kana zvikaoma sei usarase tariro. Ini Mwari vakataura neni nenzira yakasiyana nekuti ndakamboita stroke ndiri muchizarira ndikafunga kuzviuraya asi vanhu havana kuzviziva, ndakatopora ndikatomboenderera netsiva. Kozoti ndakamboda kutora hupenyu hwangu zvakare apo hupenyu hwakange hwandiomera asi Mwari vakandibatsira kuti haisiriyo nzira, kubva ipapo ndipo pandakatanga kunamata,” anodaro.

Muchinda uyu anoti pakutanga haaifarira kudaidzwa nezita rake remadunhurirwa rekuti Mosquito nekuti aifunga kuti vanhu vanenge vachimunyomba.

Anoti ane vanhu vakawanda chaizvo avo akarovera zita rake remadunhurirwa iri mushure mekunge vamushevedza naro.

“Munoziva, zita rekuti Mosquito ndakarirovera vanhu vakawanda nekuti vanhu vaindipa zita iri pavakanzwa kunzi ndiri kugona tsiva uye vamwe vaitouya vachida kundirwisa. Miyedzo yega yaiuya asi mukoma wangu Norman ndiye akazondidzikamisa akaita kuti ndigamuchire zita iri anditsanangurira kuti vanhu vaitoyemura basa rangu.

“Kubva ipapo nanhasi ndikanzi nemunhu Mosquito handina kana daka nazvo, ndinongozvigamuchira nekuti Mosquito ndini uye ndakasvika kure nezita iri,” anodaro.

Mosquito mumwe wevatambi vemitambo yakasiyana vakasimudzira mureza weZimbabwe.

Asi parizvino shasha iyi haisi kurarama hupenyu hunoenderana naye izvo anoti zvakakonzerwa nekusarongeka uye nevanhu vakamushandisa muhupenyu hwake vachimufadza nenhema dzega.

Makore adarika, akavamba chikwata cheMosquito Boxing School of Excellence icho ari kuedza kusimudzira vatambi vechidiki kuti vasvike padanho raakasvika iye.

Mosquito anoti zvaakadzidza kubva mumutambo uyu ndizvo ari kupakurira kune vechidiki ava.

“Chishuwo changu kuti vechidiki vandiri kurairidza tsiva ava vave neramangwana rakajeka kwete kuti varasike nekuda kwezvinhu zvisina basa. Ini ndiri kuedza kuvabvisa munzvimbo yekuswera vachiputa mbanje, kunwa doro uye kuita zvemadzimai nekuti vakaregererwa vachizviita hupenyu hwavo hunoenda mudondo.

“Takabva neko isu uye tinoziva kuti zvinokanganisa saka ini ndiri kuvavaka kuti hapana kwazvinovasvitsa asi kungovawisira pasi chete. Chandinotovakurudzira kuti musi weSvondo wega vaende kukereke kunotenda Musiki nechipo chavainacho kuti vagobudirira,” anodaro Mosquito.

Kutaura naMosquito, anorakidzika semunhu ane chigumbu chekusaremekedzwa nekuda kwekusimudzira kwaakamboita mureza wenyika mumutambo wetsiva.

Asi, muchinda uyu anoti haana basa kana akasarangarirwa achiti achazvisimudzira ega.

“Ndakabika vatambi vetsiva vakauya nemumaoko vangu vazhinji vane mukurumbira asi vashoma chaizvo vanondirangarira basa randakaita kuti vasvike pavari. Handina hangu daka nazvo ndinoziva kuti vakasanditenda ini ndichazvitenda hangu ndega uye basa rangu richakomborerwa chete rimwe zuva.

“Asi chikumbiro changu chete kuti tibatane, nditsigirei pabasa randiri kuita iri ndisimudzire vana vandinavo ava. Hapana mwana wandakabereka ipapa asi vana vangu uye vana veZimbabwe yese. Kubudirira kwavo kubudirira kwenyika yedu tose, kwete kuzoti ave shasha mangwana ndipo pamunoda kutanga kusvika pedyo naye iye zvino musingavacheuke,” anodaro.

Muchinda uyu ane vana vanomwe uye vese vanotamba tsiva kutevera mumatsimba ababa vavo.

Mosquito anoti anoda kutendwa achiri mupenyu kwete afa sezvaanoti zvakaitwa kuna mushakabvu Langton ‘Schoolboy’ Tinago.

“Schoolboy akarwara kwenguva refu asi hapana aida kumubatsira, moda kuzomubatsira iye ashaika? Ndikafa nhasi ndivigei negumbeze rangu kwete kuzonditengera zikofini (coffin) uye nemaruva, nditendei ndichiri mupenyu kudai kwete ndafa,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links