‘Ndakagara nenjuzu’

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
‘Ndakagara nenjuzu’

Kwayedza

MAMBO Masawi achitaridza kuti anobika sei munhu anenge aine zvinomunetsa. - Mifananidzo: William Mafunga

MAMBO Masawi achitaridza kuti anobika sei munhu anenge aine zvinomunetsa. – Mifananidzo: William Mafunga

PANE murume wekuEpworth anoti akagara pasi pemvura achidya ivhu nemadhaka kwemakore matatu mushure mekunge atorwa nenjuzu ndokuzobuda mudziva ava kuita zvehun’anga hwakasangana nechiporofita.
Murume uyu anoti vamwe vevarwere vake anovashandisira mbanje “sezvo iine simba guru”.

VaMambo Masawi (44), avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Mukono, vachigara panhamba 3647 kuOverspill, vanoti vakapihwa simba rekurapa nenjuzu yechikadzi iyo yakavatora vaine makore matatu ekuberekwa. Vanoti njuzu iyi yakavatora apo vakange vaenda kunorapwa kurwizi rweDoran’anga, kuMhondoro natete vavo.

Apa murume uyu aitaura mushure mekushanyirwa nevatori venhau pamusoro pemashoko anoti ndiye anotengesera kana kupa maporofita nen’anga dzenhema nyoka dzavanoshandisa mumabasa avo echikiribidi.

Murume uyu anoti chimiro chenjuzu chakangoita sechemunhu kumusoro asi iine vhudzi refu nebesu rinenge rehove.

Zvisinei, Sekuru Mukono vanoti havacharangarira zvakawanda pamusoro peupenyu hwavakararama vari pasi pemvura asi vanoti vakabatwa zvakanaka zvikuru nenjuzu dzavaigara nadzo.

Vanoti njuzu yechirume haidi zvekudheererwa sezvo ichikasika kutsamwa uye inouraya munhu nekutswinya, kunyanya pahuro kana ikatsamwiswa nezvinhu zvakadai sekugeza nhumbi parwizi nesipo dzinonhuwirira.

“Ndakagara pasi pemvura nenjuzu tichidya dhaka rakaita kunge matope, raitapira zvikuru. Ipapo ndakadzidza kuti njuzu ine moyo wakachena uye ine tsitsi asi yechirume ndiyo ine hasha zvekuti haitane kutsamwa, inongotswinya munhu otofa,” vakadaro Sekuru Mukono.

Vanoti hama dzavo dzainge dzataurirwa natete vavo (VaMakandipei) kuti vasachema nokuti vaiziva zvinofanira kuitwa kana munhu achinge atorwa nenjuzu, nokudaro vakaita sezvainge zvarehwa, murume uyu akazodzoka ava nesimba rekurapa.

Sekuru Mukono vanoti kana vanhu vakachema apo munhu anenge atorwa nenjuzu, haadzoke ari mupenyu sezvo achibva auraiwa.

Vanotizve ivo munamati wechechi yeMulti-Racial Organisation of Faith Apostle, iyo inozivikanwa nekuti Jeriro, uye vanobatanidza chinamato chavo nehun’anga.

Vanotizve dzimwe nguva vanopedzisira vorapa varwere nembanje sezvo iine simba guru rekurapa uye vanokwanisa kurapa munhu kuburikidza nekutaura naye panhare.

“Hazvina basa kuti munhu ari kupi, ndinokwanisa kumurapa panharembozha. Anogona kundinyorera tsamba panhare ndomuudza zvekuita nekuti basa rangu rinongofambiranawo netechnology, nekudaro ndinogona kurapa munhu ari mhiri kwemakungwa ini ndiri kuno.”

Sekuru Mukono vakaramba nyaya inotaurwa, iyo yakaita kuti Kwayedza ivatsvage, yekuti ndivo vanoita basa rekutengesera vanatsikamutanda nemaporofita emanyepo nyoka idzo vanozonyepera kuti vabvisa mudzimba dzavavanenge vachiti vari kuchenura.

Izvi zvinotevera nyaya yakabuda paimwe kamba yemapurisa muHarare nguva yadarika, apo vamwe varume vaviri vanove maporofita enhema vakabatwa vaine nyoka ndokuudza mapurisa kuti vakange vaitengeserwa naSekuru Mukono.

Varume ava, Golden Ganga (30) naObert Chimoyo, avo vanova vagari vekuEpworth zvakare, vanonzi vakaenda pamusha waTawanda Tafirei kunzvimbo yeUshewekunze, kuWaterfalls, ndokunonyepera kuti vainge vabata nyoka yerudzi rwemhungu ndokuti vaida kubhadharwa neUS$500.

Mari yavaida inonzi yakaramba kukwana sezvo yakasvika US$270 izvo zvakaita kuti Tafirei akumbire kunokwereta kuna tsano vake avo vasina kutaurwa zita ravo zvakare vanonzi vanoita zvechiporofita.

Vanonzi pavakasvika kumba kwatsano vaTafirei kuGlen View, muHarare, ndiko kwakazoputika dhiri rose mushure mekuonekwa kuti nyoka iyi yainge isina mazino.

Nekutya kufira mujeri, Ganga naChimoyo vakazodura kuti vainge vatengeserwa nyoka iyi naSekuru Mukono mushure mekunge vaenda kunokumbira mushonga wekuti vapfume. Vanonzi pavakapihwa nyoka iyi, vakanzi vaisafanira kushandisa mari yavanenge vabhadharwa asi kuti vadzoke nayo yose kuna Sekuru Mukono sezvo paiva nemhiko dzavaitarisirwa kutevedza.

“Pavakabata” nyoka mumba maTafirei, vanonzi vakanyepera kumutuma kunotsvaga dhaka repachuru apo ivo vakazosara vachikanda nyoka iya mumba make zvekuti paakadzoka akatenda kuti vaviri ava vaiva maporofita echokwadi, zvikuru achiona mukweshwa wezinyoka.

Vanonzi vakapihwa kamuti kavaibaisa nyoka iyi kuti ipere simba kuti vakwanise kuitakura vasingatye.

Zvisinei, Sekuru Mukono vakaramba nyaya iyi vachiti mabasa evanhu vanoita zvechitsotsi, ivo vaitoita zvekudzinzwa kune vamwe sezvo varapwa vavo vose vachigutsikana nekubata kwavo basa.

Vanoti pane imwe nguva vakapihwa mari inokwana US$12 000 pamwe chete nekutengerwa motokari nemunhu wavakabatsira uyo akange aine dambudziko rembereko asi akazopona vana mapatya.

“Chokwadi nyaya yamunotaura yandikatyamadza zvikuru. Nyaya dzakadai ndinotonzwa kwevamwe otherwise vose vandakabatsira vanopa kutenda.”

Vanoti zvakare havazive Ganga naChimoyo sekutaura kwavaita kumapurisa uye vanhu vanoda kungosvibisa zita ravo bedzi. Sekuru Mukono vanoti pakuita basa ravo vanobhadharisa uye muripo wacho unosiyana zvichienderana nedambudziko rinenge riine munhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey