‘ndakaiswa runyoka

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘ndakaiswa runyoka

Kwayedza

— ‘Apa ndichiri kuzvinzwa’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI ane mabhizimisi kuArbennie, muHarare, anoti akaiswa rukawo neaimbova murume wake izvo zvamusiya ava kutya kudanana kana kuroorwa nemumwe murume.

Lucia Chirombo (36) — uyo ane nyaya yakambobuda mubepanhau rino nguva yadarika achiti anonwiwa ropa repanguva yake yekutevera neaimbove murume wake, Leeman Gurupira (31) —anoti haana kumbobvira aziva kuti murume uyu akamusota nerunyoka.

Ukuwo Gurupira ari kuramba kuti akagadzira aimbova mudzimai wake uyu nemushonga werukawo achiti aya anongova mashoko ekuda kumusvibisa.

Chirombo — uyo ari mubhizimisi rekutengesa zvinoshandiswa padzimotokari — anoti akagara naGurupira kwemakore 13 vakaita vana vaviri vose. Mukadzi uyu anoti panguva yaaigara nemurume uyu, aimunwa ropa repanguva yake yekutevera kusvikira rapera rose kuti gwa.

Anoti zvakare pose paaisangana naGurupira pabonde, aitanga kujuja ropa izvo zvinotsinhirwa nemurume uyu. Zvino Chirombo ava kupomera Gurupira kuti akamuisa rukawo zvichitevera kurambana kwavakaita.

“Handina munhu wandichadanana naye, ndakaiswa rukawo naGurupira. Murume uyu akandiitira utsinye hwakaomarara kuti ndisare ndisina munhu wandinodanana naye, kana anondiroora.

“Izvi ndiri kuzviudzwa kwose kwandinoenda, kungava kun’anga kana kumaporofita. Zvinonzi kuyamwa kwaaita ropa rangu ndidzo dzaitova mhiko dzacho.

“Zviri kunzi ndikangodanana nemumwe murume zvinhu izvi zvakadai, anofa ipapo asina kumbobvapo. Saka handidi kuuraya vana vevaridzi asi ndinodawo wekudanana naye nekuzoroorwa zvekare,” anodaro Chirombo.

Anoti anoda kuti abviswe rukawo urwu kuitira kuti afambire mberi neupenyu hwake mune zvakanaka.

“Ndave kudawo murume, veKwayedza itai kuti ndibatsirwe ndiwanewo anondiroora. Ndichiri kuzvinzwa, fungai kuti kubva gore rakapera pandainge ndichiina Gurupira, ndipo pandakapedzesera . . . murume. Kana makanditarisawo, ndiri mukadzi wekuti angagare asina murume here ini nekusvika kwandakaita uku? Ndinosvika kupi ndisina munhu wekudanana naye nhaimi?” anodaro Chirombo achichema-chema.

Muzvinabhizimisi uyu ane dzimba mbiri kuArdbennie nekuMbare uye anoti ave kugara kuchitoro chake nekutya kubirwa.

“Handizive kuti munyama bana nemurume wangu wekutanga wandine vana vaviri naye nekuda kwekuti aisandichengeta. Handina murume anombondivigirawo kana pepabhegi chairo regirosari, kana masiwiti zvawo. Vanotodya ini, pamusoro pazvo ndave kuiswa runyoka nemunhu akandiparadza uyu nekundidya chitoro changu chikapotsa chaparara. Gurupira ndaimuchengeta ini.”

Mukadzi uyu anoti pavana vake vana — vaviri nemurume wekutanga nevamwe vaviri naGurupira — vose vane matambudziko makuru anoda kuti vabatsirwe.

Chirombo anotizve rushambwa rwake rwakatanga achiri mudiki sezvo aigara achingodzingirirwa nenyoka uyewo achiita tsvina yaibuda nenyoka mukati.

Asi Gurupira anoramba zvose zviri kutaurwa naChirombo — zvekuti akamuisa runyoka nekumunwa ropa repanguva yake yekutevera – achiti mashoko ekuda kusvibisa zita rake.

“Ndichimuisa rukawo papi pacho? Kana vanhu mave kurambana unongosiya munhu akadaro . . . nekuwanda kwakaita vakadzi uku! Handina zvandinoziva zvakadaro,” anodaro Gurupira.

Anoti ane fungidziro yekuti Chirombo ndiye akatomushandisira mushonga wakaipa nechinangwa chekuti bhizimisi rake ribudirire.

Share This:

Sponsored Links