Uncategorized

‘Ndakaitirwa tsvina nenyoka’

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Ndakaitirwa tsvina nenyoka’ Mai Rosemary Mukuruwenhowe

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Mukadzi wekwaChihota, kudunhu reMashonaland East, ari kuti akashurwa mare apo akaitirwa tsvina nezinyoka ari pamba pavo — zvekuposhongedzwa mbatya dzose — munhu ndokusara mitezo yemuviri wake yaoma ipapo ipapo. Tsvina yaakaitirwa nenyoka iyi inofungidzira kuti yaiva yemanyoka sezvo yainge yakawanda uye iri “mvura mvura”.

Mukadzi uyu anoti aka ndekechitatu kukanganiswa nenyoka sezvo achiti akambotasvwa kaviri nenyoka dzakasiyana dzichida kumuruma asi dzichizodzingwa nevana vavo vari pamusha. Pamashura ose ari kuitika aya, mudzimai uyu anoti anotevera “kuiswa runyoka kana kuti rukawo kwandakaitwa nemurume wangu achishandisa mishonga yechivanhu nebanga idzva reOkapi”.

Mai Rosemary Makurudzo Mukuruwenhohwe (54) vemubhuku raNyika, kwaManyaira, kwaMambo Nenguwo ndivo vari kuti “vakagezeswa” netsvina yenyoka yaive mumuti zvichitevera kuiswa kwavakaitwa runyoka nemurume wavo, VaHazvinei Amon Mukuruwenhohwe (70).

Nekuda kwerunyoka kana kuti rukawo urwu, mukadzi uyu anoti ndizvo zvave kukonzera kuti agare achirwara. Mai Mukuruwenhohwe vanoti vakaitirwa tsvina mumusoro nemuviri wose nezinyoka raive mumuti wemumango pamusha pavo.

Vachirondedzera nyaya iyi, vanoti murume wavo akaenda kun’anga nekumaporofofita uko akanonzi adzoke netsvina yemumwe mukadzi waanonzi anodanana naye, iyo akanotora kusango kunozvibatsirira mudzimai uyu, ikanogadzirwa. Ndipo panonzi pakabva patanga hurwere hwemukadzi wekumba uyu.

Mai Mukuruwenhohwe vanoti ivo vakabva vamera “chinhu” kusikarudzi yavo, icho chavanoti chinovatadzisa kusangana nemurume wavo kwemakore mana adarika. Sekunge izvi zvishoma, mudzimai uyu anotiwo anotambura pakuita tsvina neweti. Murume nemudzimai ava vanoti vakaroorana mugore ra1979 uye vane vana vasere.

VaAmon Mukuruwenhowe

“Ini ndinobva kuMalawi, vabereki vangu vakashaika zvekuti handina wekutaurira dambudziko rangu. Vamwene vangu navatezvara vakashaika zvakare. Munhu wandingatoudza kuti ndakaiswa runyoka nemurume wangu munin’ina waamai vangu ari kuChivhu. Dambudziko rangu rakavepo apo murume wangu akatanga kudanana nemumwe mukadzi akafirwa nemurume kwedu kwakare kwaChihota,” anodaro mukadzi uyu.

VaMukuruwenhowe vanotsinhira nyaya yekuti vakaisa mudzimai wavo runyoka, vachiti: “Zvinogona kunge zvakaitika ndisingazive pamhiko dzandakaiswa.

“Ndakaenda kumporofita akanditi ndinotora tsvina yemudzimai wemumusha medu uyo aindishungurudza achindiita zvemubobobo. Ndakanoitora tsvina iyi musango ndokuzonzi nditsvage banga, izvo zvakanopiswa nemuporofita uyu pamwe chete, banga ndokubairira pakati. Ini handizive, pamwe ndizvo zvakazodzoka kumudzimai wangu.”

Mai Mukuruwenhohwe vanoti rimwe zuva apo vaitandara nemurume wavo vagere pasi pemumango pamusha pavo, vakazongoerekana voitirwa tsvina yakawanda nenyoka iyo yaive neruvara rwegreen asi ichiita seyemunhu.

“Pandakazotarisa mudenga, ndakaona ichiitwa nezinyoka zvikandishamisa zvikuru. Nyoka yacho yaiva hombe zvikuru iyo murume wangu nemwana vakazoedza kuirova asi vakaishaya sezvo yakangonyangarika.

“Kubva ipapo, ndakabva ndatanga kurwadziwa nemudumbu ndikamera chinhu chinenge bhonzo kusikarudzi yangu. Makumbo angu akatanga kuzvimba, tikazotanga kufamba tose nemurume wangu kumaporofita akwana 45 ose pamwe chete. Vari kungoti ndakaiswa runyoka nemurume wangu. Vari kuti akanotenga banga idzva reOkapi iro akanogadzirisa kun’anga, izvo iye akabvuma achiti akanga asisazive mugomo umo akanobairira banga iri,” vanodaro.

Mai Mukuruwenhohwe vanoti murume wavo anochengetawo shamhu ine tsarapu pasi pemubhedha iyo isingaome achiti imhiko dzake.

“Tsarapu idzi dzinogara dzakanyorova dzichitova nemashizha manyoro, kunyange dzikapedza gore dziri mumba. Ini handizive kuti sei dzisingaome,” vanodaro.

Sekuru Bhaureni

Vanoti vanorwadziwawo nemusana zvekutadza kufamba. Mukadzi uyu anoti murume wake akabvuma kuti aiva neshamwarikadzi iyo anonzi akataura kuti akatora tsvina yayo akaenda kunoigadzira kun’anga senzira yekuti akwanise kurambana naye.

“Pakufamba kwatinoita, murume wangu anobvuma kuti akatora tsvina yemudzimai uyo aidanana naye achiti akanga anzi nen’anga iyi inoda kumugadzira kuti hura hwemudzimai uyu huzomonana, atadze kuita tsvina, izvo zvinonzi zvakazouya kwandiri pane kuenda kumukadzi uyu.”

Zvinonzi murume uyu akabudirira kutora tsvina yeshamwarikadzi yake apo akanomuhwandira kusango remapuranga uko anozvibatsira sezvo kumba kwemukadzi uyu kusina chimbuzi.

“Murume wangu ari kubvuma kuti akandiisa runyoka asi dambudziko ravapo anoti haachaziva kuti banga iri akanosiya kupi chaiko. Saka handikwanise kubviswa runyoka urwu kunze kwekunge banga iri rawanikwa.

“Anongoti akaenda mugomo rekuMacheke aine n’anga kana kuti muporofita achibva anobatidza moto, banga richibva rabairirwa pasi mumoto. N’anga iyi anoti akaiudzwa nemumwe mupurisa wekuMahusekwa,” vanodaro Mai Mukuruwenhohwe.

Vanotizve vakamboita nguva yakareba vachiita tsvina yainge yemhuka.

“Izvozvi ndinonzwa kurumwa nekurwadziwa zvikuru mudumbu, sikarudzi yangu ichitorumwa nemazino zvandinotonzwa. Zvinonzi chinondiruma inyoka iya yakandiitira tsvina.”

Mudzimai uyu anoti kwese kwaanofamba anonzi dai asina kubvisa tsvina yenyoka iyi nemawoko ake, asi kuti akatanga afamba nayo kumachiremba echivanhu kana kumaporofita.  Vanoenderera mberi vachiti: “Chikumbiro changu ndechekuti murume wangu andibvise runyoka rwaakandiisa. Vanasikana havagare zvakanaka kuvarume avawo vakomana havana rugare, zvichinzi zvinokonzerwa nemishonga yakabatwa nababa vavo.” Mwaanasikana wavo, Patience, anoti chikumbiro chavo ndechekuti baba vavo varapise amai vavo.

“Isu sevana tinoda kuti baba varapise amai vavanonzi vakaisa runyoka vachiitirana shanje. Isuwo vana hatina rugare, tinoda kubatsirwa. Varume vanotiti tiri madzimai ezvikwambo, hakuna chatinoita chinobudirira,” anodaro Patience. Mumwe wevana vaPatience anonziwo anombosanduka kuita kachembere achitofamba netsvimbo.

Vopa divi ravo kuKwayedza, VaMukuruwenhohwe vanoti vari kutotsvagawo kubatsirwa kuti mudzimai wavo abude mudambudziko iri.

“Ichokwadi, mudzimai wangu ane dambudziko. Anoti ndini ndakamuisa runyoka asi kana zviri izvo, ini handina kuzviita ndichida,” vanodaro.

“Mukadzi wangu ndinomuda, kungoti maporofita ndiwo aparadza musha wedu. Ini wacho ndiri kutoitwa mubobobo nemumwe mukadzi, kwete zvekuti ndinodanana nemukadzi anotaurwa uyu, ndiye wacho ane tsvina yandakatora musango ikanogadzirwa kumuporofita. Handizive kuti zvakazoenda sei kumukadzi wangu,” vanodaro VaMukuruwenhohwe.

Mukadzi nemurume ava vakatombosvitsana kunhepfenyuro yeStar FM uko vakabuda paTilder Live Show vachitsvaga rubatsiro. Vachitaura nezvenyaya iyi, VaPatrick Kapfunde avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni vekuMt Darwin, vanoti Mai Mukuruwenhohwe nemurume wavo vanoda kubatsirwa muchivanhu.

Share This:

Sponsored Links