Uncategorized

Ndakakanganisa: Madzibaba. . . kupengesa mwana wangu

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
MUPOROFITA wekwaMurehwa — wekumbobuda muKwayedza achiti mbiri yake ndeye hupombwe uhwo hunomuita kuti amitise kana vakadzi vevanhu, humbavha uye kuti ndiye akashandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere — ava kudemba zvaakaita izvi sezvo mwana uyu ave kungomberereka nenyika. Muporofita uyu anoti mwanasikana wake uyo abva zera akamupengesa “nekuti ainge oita zveSatanism achida kundiuraya ini baba vake kuitira kuti iye aite mari”.

Nicholas Mapfumo (45), uyo anozivikanwa saMadzibaba Paurosi, wechechi yeRuchengeto rwaJehovah achigara mubhuku rekwaMuza, kwaMambo Mangwende, anoti pari zvino mwanasikana wake uyu (zita rake tinaro) ari kurasika njere mushure mekunge amushandisira mhiko “dzakasimba”.

Kwayedza haina humboo huzere hwekuti musikana uyu ari kurasika njere asi ndizvo zviri kutaurwa nababa vake vekumubereka.

Madzibaba Paurosi akambobuda muKwayedza gore rapera achiti mumazuva ake achazvinzwa, aiva mbavha gororo remakoko uye ari mhombwe inotyisa apo akamitisa vanhukadzi vakawanda.

Zvino Madzibaba Paurosi anoti ari kudemba danho raakaita rekuita kuti mwanasikana wake arasike njere.

“Ndakadzidza kuti zvimwe zvinhu hazvisi zvekungotevedzera, ndinodemba chaizvo zuva iro randakaita ‘Go back to sender’ kumwanasikana wangu. Handina kuziva kuti ndizvo zvaachazoita muupenyu hwake.

“Iye zvino anongomberereka nenyika achifamba achingonyeperwa kwese kwaanoenda achinzi ari kubatsirwa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoti pari zvino mwanasikana wake ari kubatsirwa neimwe n’anga yekuMbare, muHarare, “achinyeperwa kuti ane mudzimu wehanzvadzi yangu aive pfambi yemakoko iyo yakashaika kare”.

“Ari kunyeperwa kuMbare kwaari kwaMbuya Madhuve uko ari kunzi ane mudzimu uri paari wemweya wahanzvadzi yangu yakashaika kare iyo yaive pfambi. Ini ndiri kuzviramba nekuti havana kundishevedza kuti vandiudze ini sababa wake kuti vanoda kubvisa mudzimu uri pamwana wangu. Sisi vangu vakashaya ava hatina kurova guva ravo saka mudzimu unobudira munhu asina kuroverwa guva here?” anodaro.

Madzibaba Paurosi anoti haafe akawadzana nemwanasikana wake kusvikira asiya zvekuenda kun’anga.

“Kana akasafamba nenzira yandiri kufamba nayo chete, hatife takaonana. Ini ndave kuita zvekunamata uye iye ndinoda kuti anamate azive Mwari.

“Achikura, ndaimudisisa asi iye zvino handichamuoni sechinhu muupenyu hwangu, hunge akaramba achigara asina kururama,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kukurukura nemwanasikana waMadzibaba Paurosi uyu kuti inzwe divi rake sezvo muporofita uyu akange avimbisa mutori wenhau uno kuti aizodzoka voenda vose kune mwana wake izvo asina kuzoita.

Madzibaba Paurosi akaudza Kwayedza nguva yadarika kuti akaronga zvekushandisira mwanasikana wake mhiko dzekuti arasike njere kuitira kuti mabasa eSatanism aaida kuita – ayo aizomuita kuti agume auraya baba vake – “ashaye basa sezvo pfungwa dzake dzisisashande zvakanaka”.

“Ndakaita minamato nemumwe muporofita anonamatira paRufaro Stadium, kuMbare – kuti mwana uyu amborasa njere. Izvi ndakazviita mushure mekunge ndatora micheka yake yaakanga atsvaga kuti ashandise nemishonga asingabatwe kun’anga kana kumaporofita.

“Pandakatora micheka iyi, akandiudza kuti muchafa munguva pfupi iri kutevera, izvo zvakazoita kuti ndimupengese kuti zvekuda kundiurara zvishaye basa,” anodaro Madzibaba Paurosi.

Anoenderera mberi: “Mishonga iyi akaitora kuti aite zveSatanism izvo zvaanonzi akatoendera kuninga kuti mishonga yake isimbe. Mukutora mishonga iyi, anonzi akaita mhiko dzekuti panofanira kufa hama yake yepedyo uye yaanodisisa. Saka mukumubvunza iye anoti inini ndini ndinofanira kufa.”

Share This:

Sponsored Links