Ndakanyara zvikuru: Sibanda

11 Jul, 2014 - 14:07 0 Views

Kwayedza

SACHIGARO wesangano reZimbabwe Women’s Football, Miriam Sibanda, anoti komiti yavo inotarisirwa kugara pasi munguva inotevera kuti itange kuongorora nyaya yemhirizhonga yakaitika svondo radarika apo muridzi wepembe Mercy Maimbo akarikitwa nevatambi veBlack Rhinos.

Muhurukuro naSibanda svondo rino akati achiri kushaya kuti vatambi ava vainge vapindwa nemweya upi zvakazokonzera mhirizhonga iyi apo Black Rhinos yainge yakundwa neInline Academy mufainari yeNetOne Women’s Soccer Tournament.

Vatambi veBlack Rhinos vanoti Rufaro Machingura  naTariro Makumbe vakarova Maimbo pakapera mutambo uyu vachimupomera kuti akange abiridzira chikwata chavo kuti chikundwe.

Zvikwata zviviri izvi zvakange zvaita mangange, 2-2, pakapera nguva yakange yakatarwa yemutambo uyu apo Black Rhinos yakazokundwa kumapena.

Vatambi vaviri ava vakazosungwa nemapurisa nekuda kwebongozozo iri.
Sibanda anoti mhirizhonga haitarisirwe kumitambo ipi zvayo, zvikuru  kubva kuvanhukadzi sezvo vanofanirwa kunge vachiyanana pasina mhere-mhere.

Anoti zvakaitika svondo rapera zvave kudzorera nhabvu yavo kumashure uye hazvipe chimiro chakanaka kumutambo uyu.
Sibanda anoti haachazive kuti vakotsveri vavo veNetOne avo vakakotsvera mutambo wesvondo radarika vari kufungei nezvavakaona zvichiitika kunhandare yeRufaro Stadium.

“Ini hangu ndakanyara zvikuru kusvika pakushaya neremuromo kuona vanhukadzi vachiita mhirizhonga yakadaro.
“Isu sevanhukadzi tinotarisirwa kuve tichiyananisa panenge paitika mhere-mhere kwete kuti toonekwa isu tichiita mhere-mhere yakadaro.
“Iye zvino nhabvu yedu yasviba zvikuru, haisisina chimiro chakanaka uye hameno kuti vakotsveri vedu vari kufungei nenyaya iyi.

“Sekuziva kwevazhinji gore radarika kwaive kusina nhabvu yemadzimai sezvo pakange pasina vakotsveri vaida kutikotsvera, gore rino tikaita rombo rakanaka rekuwana NetOne iyo yakazvipira kushanda nesu.

“Zvino kana vachiona zvinhu zvakadai zvichiitika vanofungei nhai? Ini hangu ndiri kukumbira ruregerero kuNetOne pamwe nemasangano atinoshanda nawo, ndozokumbira ruregerero kumhuri yese yeZimbabwe nezvakaitika izvi.

“Ndakanyara zvikuru apa ndaive nemumiriri weNetOne tichiona hunubu hwakadai huchiitika,” akadaro Sibanda.
Nyaya yevatambi ava inonzi yakapinda mumatare edzimhosva svondo rino apo iri kutongwa.

Sibanda anoti komiti yavo yeZim Woman Football ichagara pasi voongorora nyaya iyi uye kana vapedza vozonyorera kuZifa vachivazivisa zvakaitika svondo radarika.

Anoti vachatemera zvirango zvakasiyana kuvatambi ava pamwe nechikwata chavo cheBlack Rhinos.
“Basa renhabvu kufadza veruzhinji, munhabvu hamuna ruzha tinongotarisira runyararo bedzi.

“Naizvozvo isu tichaongorora nyaya iyi zvakasimba tozivisa Zifa zvatinenge tawana. Zifa ndiyo ichazoziva zvekuita asi isu tichatorawo matanho edu kuvatambi ava pamwe nechikwata chavo.

“Tinoda kuti nyaya iyi iyendeswe kudisciplinary committee yeZifa vatambi ava varangwe chaizvo nekuti hatidi, taramba mhirizhonga munhabvu.

“Tinotarisira kuti zvikwata zvese zvenhabvu zvinge zvichidzidzisa vatambi vazvo hunhu hwakanaka kwete zvemhere-mhere,” akadaro Sibanda.

Share This:

Sponsored Links