Uncategorized

‘Ndakaponda ndikaripa, ngazvichipera’

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUMWE wevanhu vari kunzi ndivo vari pamwongo penyaya iyi, akabvuma kuti vakaponda Bhaureni Chiimbira aine mukoma wemufi anovawo sahwira wavo, mugore ra1978.

“Nyaya yekuponda murume uyu handiirambe, takazviita ndiine mukoma wemufi. Ini ndakabvisa imbwa dzangu shanu nemombe 16 sezvaidiwa nengozi. Avawo vekwaChiimbira vakaripawo.

“Shungu dzangu dziri pakuti ndinoda kuti nyaya iyi ipere zvachose pachivanhu, ini nemhuri yangu tigare zvakanaka,” akadaro murume uyu (zita tinaro asi ndokungotaura naye panhare).

Anoti mutumbi wemufi uyu panzvimbo yawakanga wafushirwa wakazobviswa nemumwe waakaponda naye uyo akanouviga achishanda nen’anga izvo zvakonzera kuti mapfupa emushakabvu asaonekwe.

“Isu nemhuri yangu takapedza, tamirira vekwaChiimbira kuti iye (sahwira) ataure kuti mutumbi wemufi akazouendesa kupi sezvo mweya wave kurasika nekutsipikwa uko wakaitwa nen’anga.

“Tiri kuda kuviga mapfupa emufi uyu nekuti bhokisi takatenga kare,” akadaro nyakubvuma kuti akaponda uyu.

Ishe Mutumba havana kuonekwa kuti vataure nezvenyaya.

Share This:

Sponsored Links