Uncategorized

‘Ndakasandurwa kuitwa mukadzi’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

PANE nyaya yemumwe murume yakabuda mubepanhau reThe Sunday Mail svondo rino, uyo anoti akashandisa mazakwatira emari kuti azvisandura kuva mukadzi kuburikidza nekuvhiiwa nemachiremba.

Tatelicious, rinova zita rake idzva, uyo akazvarwa achinzi Tatenda Zenzo Karigambe, anoti akanovhiiwa kunze kwenyika uko akasandurwa kuitwa mukadzi sezvo ainzwa mumuviri wake kuti munhukadzi kubva paakaberekwa.

Anoti akashandisa mari inodarika US$80 000 mubasa rekusandurwa iri apo anoti zvaiitwa nemachiremba emberi uyewo nemagweta kuchitevedzwa mutemo.

Sekutaura kwake, anoti iye zvino ava mudzimai zviri pamutemo zvichitevera kuvhiiwa uko akaitwa mugore ra2013.

Ava kupfeka mbatya dzechikadzi uyewo nemaitiro ake ose anotodza kumunhukadzi.

Anoti akatoroorwa nemurume uyo anogara naye zvakanaka zvikuru. – The Sunday Mail.

Share This:

Sponsored Links