Uncategorized

‘Ndakatiza hama dzemukadzi’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
VANHU vaiva mudare vakashamiswa kunzwa mumwe murume, uyo akanga amhan’arirwa nemudzimai wake, akati akadzingwa pamba pake nehama dzemukadzi uyu uye iye semunhu asina hama, haana kupikisa danho iri.

Tongai Kasawaya akataura izvi mudare reHarare Civil Court uko akaendeswa nemudzimai wake, Martha Dune, achiti anomushungurudza nekumurova pose pavanosangana.

Achitaura pamberi pemutongi Trevor Nyatsanza, Dune akati:

“Murume uyu akatiza pamba, zvino anoita basa rekuuya achindirova nekundituka. Musi uno akandirova pamberi pevana vechikoro sezvo ndaidzidzisa pachikoro pake nekuda kwekuti ndakanga ndatambira mari yechikoro kubva kune mumwe mwana. Akauya kumba akatuta zvinhu zvangu zvandinoshandisa kuchikoro ndikasara ndisina chekushandisa.”

Kasawaya akati akadzingwa pamba pake nehama dzemukadzi wake.

“Kuti ndibve pamusha pangu ihama dzemudzimai iyeyu dzakandidzinga ini ndikashaya akanditsigira sezvo ndisinawo hama. Zvekuchikoro zvaanoti ndakamutorera ndezvangu izvo taingoshandisa tose.

“Iye ndiye akatanga kudenha paakapwanya ndiro pamberi pevana vechikoro. Zvaanoti ndakamurova inhema, takangosundidzirana chete pasina arova mumwe. Kumba ndichadzokera kana baba vake vanditendera kuti ndichidzoke, kusanganisira naiye nekuti akanga andiudza kuti ndikadzoka ndinorara nevanasikana vangu muimba yavo yekurara,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Kasawaya asatuka kana kurova Dune asi akasununguka kusvika pamba pake chero nguva.

Share This:

Sponsored Links