Ndakatiza murume asi ndava kumuda

28 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Makadii Sekuru? Ndiri muzukuru wenyu akaroorwa zvakanakisa chaizvo, tikaita mwana wedu nemurume wangu. Hapana chandaishaya, chese chandaida ndaitaira ndichichiwana. Mashamwari angu aiyemura magariro andaiita nemurume wangu. Zvino mumwe musi shamwari yangu yandaitaurira kapi nekapi zvako akauya mumba mangu achigeza mazino ake achishandise chimuti. Ndakamuseka ndichiti, “Hwabvepi hurombo ihwohwo kugeze mazino ako nechimuti.”  Akabva atsveta kamuti kaya pakitchen unit yangu achibve aridze tsamwa ndokubuda.  Ndakada kumuteera asi akapinda mumotokari yeke ndokuenda. Ave manheru, murume wangu akauya kumba ndikamuudza zvakange zvaitwa neshamwari yangu ndichimupangidzire chimuti chiya chainge chasiiwa mumba. Murume wangu akabva abvute chimuti chiya ndokuchirasa kunze.

Ini ndakaita fanike ndabatwa ngedzungu, asi ndakatange kuvenga murume wangu nekumusema.

Musi uyu ndakabva ndarara muroom yangu ndega. Mangwana acho ndakangobuda nehembe dzandaingova nadzo pamuviri ndikaenda kumba kwedu.

Vabereki wangu wakashamisika kuti sei ndafamba ndega, asi ndakangovati handaizodzokera kumurume.

Ndakangonzwa kumuzvonda asi chandatadzirwa nemurume wangu ndisingachizive. Murume akateera asi ndakamudzinga.

Kwapera mazuva, ndakanzwa kuti shamwari yangu iye yaigeza mazino ikasiya chimuti pakitchen unit yangu yave kudanana nemurume wangu, asi handina kuita basa nazvo.

Ndakazobengenuka ndarapiswa nevabereki vangu.

Zvino ndava kuda murume wangu zvose nemmwana.

Ndatove nemakore maviri ndabva mumba mangu. Ndodini sekuru?

MHINDURO:

Muzukuru nevamwe vazukuru vangava nedambudziko rakadai, uku ndiko kushandisirwa mushonga unonzi “nyamumharadzi” kana kuti “nyamuparadzi”.Uyu mushonga unoshandiswa kuparadza vanodanana uye vari mudzimba nevarume vavo asi vobvongonyorwa. Mushonga uyu unoshandiswa kunyanya nevari pedzyo nemi. Hazvina basa kuti ihama kana kuti ishamwari, ava vanhu vanenge vapfekwa nemweya wasatani kana kuti huroyi.

Mishonga iyi inoita kuti iwe upate kana kuramwa chese chakanaka semurume wako, kana nemwana unoramba zvachose. Unokuitisa hupenzi, kana kutoikuita kuti ubatwe uine chikomba. Asi havazi vakadzi chete vanoshandisirwa nyamuparadzi, kumabhizimisi ukashandisirwa mushonga uyu zvese zvinoparara. Ukanonoka kapatika zvakanaka zvose zvinoparara wosara wava rombe.

Zvino vazukuru kana mave kuona mumba menyu mave kungogara muine bopoto, kusemana nekuparara kweupfumi zvisina tsarukano, kasikai kutsvaga rubatsiro kuchivanhu. Rubatsiro urwu pihwai nevanhu vane magwaro ebasa seeZinatha nokuti kune vamwe vanoita zvechitsotsi. Iwewe muzukuru wanyora, famba nevabereki vako mubatsirwe, murume wako anobengenuka.

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga pa: 0714 200 007 kana 0775 241 949 kana 0715 942 183.

 

Share This:

Sponsored Links