‘Ndakatiza murume wangu ava kurwara’

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Ndakatiza murume wangu ava kurwara’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUDZIMAI wekuti aigara achioneswa ndondo neaimbova murume wake anoti akazofara zvikuru murume uyu paakazorwara apo akawana mukana wekumutiza. Nomatter Machingura akaendesa Richard Mandondo kudare reHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Ngaasandityisidzire achiti anokwanisa kundiroya, ondiuraya kana kundipa hurwere uye ngaasauye kumba kwandava kugara achiputsa midziyo kana achinge andishaya kana kuti asina kuudzwa kwandinenge ndaenda,” anodaro Machingura.

Anoenderera mberi achiti Mandondo aigara achimushungurudza zvekuti paakarwara ndipo paakawana mukana wekumutiza.
“Akangogara achindishungurudza saka paakarwara ndakafara ndikati mukana wangu wekutiza waita, rega ndiushandise.
‘‘Ndakamutiza ndichiti ndawana basa nekuti aisada kuti ndishande.

“Ndakatonyepa kuti ndariwana kwaMutare kwandaiziva kuti haaimbokwanisa kunditsvaga. Hameno akazomuudza kwandava kugara, izvo zvave kuita kuti auye achiita ruzha,” anodaro Machingura.
Anoti haazive kuti Mandondo achiri kudei kwaari sezvo akamupa gupuro.

“Handizive kuti achiri kudei kwandiri nekuti takasangana akandipa gupuro kuratidza kuti haachada nezvangu,” anodaro. Mandondo anopikisa zvinotaurwa nemukadzi wake achiti manyepo.

“Anonyepa zvose zvaataura, chiripo ndechekuti ava kunyara kuti akasiya andinyepera ndikazoziva chokwadi,” anodaro.
Anoti haazive kunogara Machingura uye kunyangwe akakuziva, haasati asimba zvekusvika pakuita mhirizhonga naye sezvaari kutaura.

“Kwaanogara handikuzive uye kana ndikakuziva hapana pandingaite ruzha rwaari kutaura nekuti handisati ndasimba zvekuputsa midziyo,” anodaro. Mutongi Manasse Musiiwa akapa Machingura gwaro redziviro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey