Uncategorized

‘Ndakatizwa nemurume ndaremara’

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Ndakatizwa nemurume ndaremara’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI wemubhuku raMagohoto, kwaMambo Mukota, kuMudzi, asara ave shirikadzi zvichitevera kutizwa kwaakaitwa nemurume wake mushure mekunge aremara gumbo apo akaputikirwa nechimbambaira.

Mai Mahwinei Chareka (58) vane gumbo rimwe chete rekurudyi sezvo rekuruboshwe rakadamburwa apo vakatsika chimbambaira vachifamba musango reko.

“Ndakadamburwa gumbo rekuruboshwe nechimbambaira apo ndakachitsika ndichifamba musango kunzvimbo inonzi Nyahuku iri mubhuku rekwaChitima. Dambudziko iri rauya, murume wangu — Peter Jongwe — akatanga kundisema achiti haachakwanisa kugara nechirema ndokubva anditiza pano pamusha achindisiya nemhuri apo ndisisagone kuzvishandira,” vanodaro Mai Chareka.

Mudzimai uyu anoti paakaputikirwa nechimbambaira, gumbo rake rakasara ramvungunjika ndokuendeswa kuchipatara uko rakazonodamburwa nepabvi.

“Izvi zvakaitika kare ikako, kuma1980 ndichibva ndaiswa gumbo repuranga. Iye zvino gumbo rekuisira iri rapera, rava pfupi pane gumbo chairo izvo zvava kunditadzisa kufamba zvakanaka uye rinogara richirwadza nekuzvimba,” vanodaro.

Mai Chareka vanoti pakatanga dambudziko iri, murume wavo akamboramba ainavo asi achiratidza kuti rudo rwakanga rwashomeka sezvo achinzi aigara achituka mudzimai wake achiti anonyadzisa kufamba naye nekuda kwehurema.

“Ndakasiirwa vana vashanu nemurume uyu. Murume wangu uyu, Peter Jongwe, akwanisa makore 13 asipo pano, handizive kwaari. Nhamo iri kunditamba tsvina, hatina chekudya kana chekupfeka uye magumbeze chaiwo tine matatu mhuri yose sezvo zvimwe zvakatsvira mumba gore rakapera,” vanodaro Mai Chareka.

Mudzimai uyu anoti rudo pakati pevakawanana rwunofanirwa kuramba rwuripo kunyangwe vanhu vakasangana nematambudziko akaita sekuremara.

“Ndine mumwe mwana chirema zvakare anodawo kubatsirwa neni, vamwe vanoenda kuchikoro asi mari yekuvabhadharira handina. Kurima handikwanise sezvinoita vamwe, saka mumba medu inogara iri nzara uyewo hatina zvipfuyo kunze kwembudzi imwe chete chaiyo.”

Mai Chareka vanoti vari kupihwa $50 pamwedzi nebazi reSocial Welfare, iyo yavanoti haisi kuvakwanira.

“Vamwe vana havana matsamba ekuzvarwa sezvo murume wangu akangotiza. Hama dzake ndikadzibvunza dzinoti hadzizive kwaari saka ndinokumbira rubatsiro kuruzhinji,” vanodaro.

Vanoti vari kutsvagawo vangavabatsire negumbo rekuisira sezvo ravainaro rava kuwedzera matambudziko.

Mauto eZimbabwe Defence Forces achiri mushishi kubvisa zvimbambaira izvi sezvo zviine njodzi kuupenyu hwevanhu nezvipfuyo.

Kune vanoda kubatsira mudzimai uyu vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0777 785 402.

Share This:

Sponsored Links