Uncategorized

Ndapedza vakadzi vemashefu: Pfambi yechirume

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Ndapedza vakadzi vemashefu: Pfambi yechirume

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MURUME wemuHarare — uyo aimbova ngochani yemakoko — anoti ava kurarama nekuita zvechipfambi achibhadharwa nevakadzi uye ndiye ari kupedza nhomba yebonde yemamwe madzimai evanamuzvinabhizimisi nemashefu.

Murume uyu, uyo anonyanyozivikanwa nekuti Mr Booster kana kuti Chairman, anogara panzvimbo ine mukurumbira wekuitirwa mabasa echipfambi inozivikanwa nekuti paBooster, kuOverspill ku- Epworth.

“Ini handikechwe nevanhu vemangamhanga. Ndinoda kusangana nevakadzi vane mari dzavo nekuti ndivo vandajaira. Vose vandasangana navo vanoda kuramba vachidzoka nekuti ndinopa pakuru uye ndinoita ndichiziva kuti vazhinji vanouya kwandiri vanenge vasingagutsikane kudzimba dzavo,” anodaro Mr Booster.

Anoenderera mberi: “Ndiri pfambi yechirume asi handimire mumugwagwa kutsvaga mhene dzangu. Kazhinji ndinopinda mutown, kumabhawa andinoziva kuti madzimai anotsvaga varume ndiko kwaanenge ari. Vakapinda, uye ndikangotarisana naye akanditsonya — ndotoziva kuti ari kuda nezvangu.

“Ndinombomira kusvika atsonya futi kechipiri ndozomutora tobuda tose. Kana ndatorwa nemukadzi, ndinomuti tiende kudzimba dzinobhadharwa kana kuti kumaloji nekuti kuenda kumba kwemunhu hakuite, ndinoramba nekuti ndakaona zvakawanda.

“Kazhinji kacho ndinokechwa nemadzimai eshoroma dzine mabhizimisi nevemashefu. Saka kuenda kumba kwake hazvizoite nekuti ndinogona kusvikirwa ndikaitwa kanyama kanyama nevarume vacho.”

Mr Booster anoti iye ari HIV negative uye pose paanoita mabasa ake, anenge akazvidzivirira. Achibvunzwa neKwayedza kuti anoziva sei kuti vakadzi vaanoshinha navo vachimubhadhara madzimai emashefu, Mr Booster anopindura: “Haa, izvozvo hazvinetsi kuona kana kuziva. Vamwe vacho vanotondiudza kuitira kuti titambe takachenjera. Vamwewo unotoona nemazimari avanobuditsa, kuti uyu ndewamuzvinabhizimisi kana kuti shefu.

“Vamwe vacho vanondiudza voga, kuti ‘ndiri mudzimai wanhingi’ achiitira kuti titambe takangwara mukusangana kwatinenge taita. Zvisinei hazvo, handikwanise kudura kuti ndakashinha newashefu nhingi nanhingi — zvinotyisa,” inodaro pfambi iyi. Mr Booster anoti anoshandisa mapiritsi nemimwe mishonga yekusimbisa musana “izvo zvinodiwa nemadzimai anondikecha”.

“Ndinomboshandisa mapiritsi ekuti ndiite simba. Pazuva ndinowanzobata vakadzi vatatu kana kudarika uye pandinoti ndawana mari shoma, ndinenge ndawana $70 pasvondo. Asi vakadzi vemashefu vanondipa zvekuma$200 zvichienda kumberi.”

Murume uyu anoti ane vana vatatu vaakaita nemukadzi waakasiyana naye mushure mekunge amubata aine chikomba.

Mr Booster anotizve akatanga ari ngochani akazoregera apo akarwara zvekubuda musana.

Zvichakadai, sangano reSpiring of Life Zimbabwe, iro rinoshanda nevanhurume vanoita zvechipfambi mukuona kuti vazvidzivirira pabonde pamwe nekuti vane utachiona hweHIV vawana mishonga, rinoti pfambi dzechirume dziri kuwanda asi vazhinji vacho havasati vave kubuda pachena.

Precious Msindo, uyo anova co-ordinator wesangano iri, anoti kusababuda pachena uku idambudziko guru mukuedza kuderedza kupararira kweutachiona hweHIV.

“Varume vari kuita bonde vachibhadharwa nevakadzi vawanda —vazhinji vacho havasi kubuda pachena nenyaya yekunyara. Muno muEpworth ndinoziva mumwe chete, Chairman, ndiye akabuda pachena asi anondiudza kuti kune vamwe 4 vari kuita izvi,” anodaro

Anoti zvakakosha kuti vanhurume vari kuita zvechipfambi vabude pachena kuitira kurwisa kupararira kweHIV. “SeSpring of Life Zimbabwe, tiri kukurudzira vanhu vakadai kuti vabude pachena kuti vakwanisewo kubatana nemasangano akasiyana-siyana ari mune zvekudzivirirwa kwezvirwere zvepabonde, kunyanya zvinozoita kuti vanhu vabate utachiona hweHIV. Izvi zvinoita kuti vave neruzivo kuti vanozvidzivirira sei uye kuti vawane mishonga yakakwana kana vachinge vabata utachiona,” anodaro Msindo.

Anoti sangano ravo riri kushandawo rakabatana nemamwe masangano akaita seNational AIDS Council mukuedza kuderedza kupararira kweutachiona hweHIV nechirwere cheAIDS.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey