Uncategorized

‘Ndapedzwa mazamu nenyoka nezvidhoma’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Ndapedzwa mazamu nenyoka nezvidhoma’ Shylet Susan Chimanga achitaridza mazamu ake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI anogara mumusha weStoneridge, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwekuti arapwe mazamu ake ayo aanoti apera nekurumwa, kudyiwa nekuchekwa-chekwa nezvinhu zvaasingaone. Mai Shylet Susan Chimanga (47) havasisina kana nyatso dzemazamu avo ose.

Vanoti kwese kwavanofamba vanonzi vari kuyamwiwa nenyoka vachirumwa nezvidhoma.

Mudzimai uyu — uyo akaroorwa uye ane vana 4 — anoti akamboenda kuchipatara asi hapana chakafamba nekuda kwekushaya mari inodiwa kuti arapwe.

“Ndava nemakore 7 ndichingorumwa mazamu, nyama ichikwachurwa nezvinhu zvandisingaone. Kwandinofamba kuchivanhu nekumaporofita ndinonzi inyoka inondiyamwa mazamu, vamwewo vachiti ndinorumwa nezvidhoma.

“Ndikarota ndichirumwa nezvinhu zvandisinganzwisise izvi, ndinofuma ndakakwachurwa nyama, nyatso dzose dzapera. Ndinokumbira veruzhinji kuti vandibatsirewo, ndapera kudyiwa ndiri mupenyu,” vanodaro.

Vanoti kwavanofamba vanonzi nyoka nezvidhoma zviri kubva kudzimwe hama dzavo dzepadyo idzo dziri kuita shaisano sezvo vachinzi vakanyanya kuchenjeresa.

Mumwe wevanakomana wavo, Shadreck Magwenzi (25), anoti vafamba kwakawanda — kubvira kuzvipatara uko vakatanga vachibatsirwa pachena asi dambudziko harisi kupera.

“Tave kuzvisiira kuna Mwari nekuti isu sevanhu venyama tagumirwa. Mari yekuti tirambe tichifamba hatisisina, kumaporofita nekudzin’anga tafamba taneta. Vanhu ava vanoda mari asi hapana chinosanduka,” anodaro mwanakomana uyu.

Shadreck anoti dambudziko raamai vake ranyanya nekuda kwekuti baba vake, VaDenford Magwenzi, havashande uyewo hapana wemumhuri yavo anoenda kubasa.

Charity Chimanga (36), uyo anove munin’ina waMai Chimanga anotiwo vashaya zano nekuda kwedambudziko iri.

“Takafamba kumaporofita nekudzin’anga dzinoshura mare avo vanozivikanwa munyika muno asi hapana chakabatsira,” anodaro.

Anoti mukoma wake akatanga achinanairwa mukanwa nechinhu chaaisaona icho chaimudhonza mazino neshaya pashure ndokuzodzidziuka maronda aya. “Kana paine vanogona kudzosera kune vavengi vari kuita izvi, tinozvida kuti munhu wacho anzwewo kurwadza kwazvo. Sisi vanonyobvorwa nyama dzichibviswa nezvinhu zvatisingaone, makuseni tinozongoona nyama dzakadzurwa,” anodaro.

Shylet anoti mukoma wake anopiswa muviri wake zvekuita sekunge akaiswa marasha.

“Zvose izvi tinonzi vakaiswa mhiko dzekuti vasawane anovabatsira nechinangwa chekuti vafe,” anodaro.

Prisca Chigwada Chiputire (35), anova muvakidzani wemhuri iyi anoti, “Nyaya iyi yave kuda vanobatsira nekuti isu takundikana. Mazamu avo ave kugara akaiswa machira kuitira kuti hurwa hunobuda husasvibise mbatya dzavo.”

Anoenderera mberi achiti, “Fungai kuchivanhu nekumaporofita vari kuchaja mari inotangira pa$1 000 kusvika $1 500 iyo isingawanikwe.”

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuvabata panhamba dzinoti 0771 386 736 kana 0736 976 734.

Share This:

Sponsored Links