Uncategorized

‘ndapfidza kurumwa nemazizi’

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘ndapfidza kurumwa nemazizi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKOMANA anogara mumusha weDzivaresekwa Extension, muHarare, anoti aoneswa chitsvuku nekurumwa nemazizi ayo anomuitira madororo siku nesikati uye anogara achiteverwa nemazinyoka.

Russel Muringayi (21) akapotera kumahofisi eKwayedza neMuvhuro svondo rino achitsvaga rubatsiro pamusoro pedambudziko raanoti rave nemakore gumi ratanga.

“Ndatambura, ndinoona mazizi chero nguva, pangava pamba, mumugwagwa ndichifamba kana muno mudhorobha. Mazizi aya makuru nemadiki ayo anenge aine dzimwe shiri nhema nemiremwaremwa.

“Mazizi aya anondimhara mumusoro achindiruma nekundimara nenzara zvekutokuvara. Ndinotoguma ndave kubuda mututu neropa muviri wose,” anodaro Russel.

Anoti kana dai ari mumba, anongoerekana oona mazizi ayo anozobuda nepamusiwo kana nemumahwindo asiya amuruma nekumuposhongedza madororo.

Mukomana uyu naamai vake naambuya vanogara imba yekuroja. Baba naamai vake vakasiyana.

“Nyoka dzakasiyana — hombe dzoga — dzinonditevera, dzimwe nguva kusvika neni mumba chaimo. Pamwe pacho dzinouraiwa nevamwe ini ndatiza.

“Ndinogona kungoti ndichifamba ndotanga kuona mazizi pamberi pangu, ndongofamba chinhambwe chidiki ndobva ndasangana nemazinyoka,” anodaro.

Russel Muringayi

Anoti nyoka idzi hadzisati dzamuruma asi dzinongomutyisa.

Anoenderera mberi achiti: “Nyaya iyi inozivikanwa naamai vangu, Patricia Muringayi, zvose naambuya amai vavo, Violet Mupandenyama (60). Kumusha kwangu kuChiweshe uko kuna baba vangu (Felix Muchengeto) avo vanondiramba,” anodaro.

Anoti nekuda kwekurumwa nemazizi aya, akatombosvika pakuendeswa kuchipatara apo akakuvadzwa ndokusara obude mututu kwenguva yakareba.

“Mazizi nenyoka zvinouya mazuva ose, angava masikati kana husiku. Chinowanzotanga mazizi kozotevera nyoka.

Russel anoti dambudziko iri rakatanga ari mudiki ari kuchikoro apo aiona mhute pamberi pemudzidzisi, black board richivharika zvose nemabhuku uye achishaya zvinyoreso.

“Ndakatanga ndichiona shiri tsvuku yaingonditungamirira munzendo dzangu, ndikangodakumira iyowo yomira. Ndakura kudai, ndakapinda basa kupurazi reChirubi riri kwaGweshe, kuChiweshe, ndikaburitswa nekuda kwenyaya yekurwiswa nemazizi iyi.”

Russel anoti dambudziko rekurumwa nemazizi rakazowedzera apedza Fomu 4.

“Kwandinofamba ndinobata hama dzepedyo dzichinzi vanondishereketera. Uku baba vangu vanondiramba, ndakarerwa naambuya asi chinondinetsa havadiwo kufamba neni. Ndatenderera chipo chenyika yose asi hapana chiri kugadzirika,” anodaro Russel.

Ambuya vemukomana uyu — Mbuya Mupandenyama — vakamboedza kuvanza dambudziko remuzukuru wavo kuvatori venhau zvikazokonzera kuti vapotse varwisana mumahofisi eKwayedza.

“Russel zvekuti anoteverwa nemazizi nenyoka haasati ambonditaurira, anozvivanza. Ane dambudziko rekurwara zvekuti takatombomuendesa kunogara nemaporofita.

“Kwatinofamba tinonzi anosundirwa mhepo nevehukama,” vanodaro.

Zvisinei, Mbuya Mupandenyama vakazobvuma kuti muzukuru wavo anorumwa nemazizi mushure mekunge Russel adya marasha achiti vanoziva dambudziko rake.

“Ambuya munoda kuvanza dambudziko rangu sei? Asi mune zvamunoziva? Hamudi kuti ndibatsirwe saka regai ndifambe ndoga,” anodaro Russel achipupa furo nehasha.

Mbuya Mupandenyama vanoramba mashoko emuzukuru wavo ekuti vanogona kunge vaine zvavanoziva padambudziko rake.

“Pamwe mwana uyu anosundirwa mhepo nehama dzake, kwete neni,” vanodaro.

Russel anoti dambudziko iri harisi rekurota asi zvinoitika akasvinura. “Handina mari yekubhadhara kune vanoda kundibatsira saka chikumbiro kunyika, vanokwanisa ndibatsireiwo.”  Vanoda kubatsira vanoridza nhare dzinoti 0777 601 573 kana 0783 398 174.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa pamwe naamai vaRussel kuti vapewo maonero avo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links