Ndava kutyira vana

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MAKADII tete? Ini ndiri mukadzi ane makore 42 ekuzvarwa, ndine murume nevana vashanu. Dambudziko rangu nderekuti takaenda kunoongororwa ropa murume wangu ndokubatwa aine hutachiona ini ndisina. Saka handiziviwo kuti munhu ane hutachiona akarara nemwana asati aziva varume hunobva hwapera here? Tiri kunetsana nababa ava vachiti ndipe mwana ndirare naye chirwere chipere. Hanzi ukaudza vanhu ndinozviuraya.

Saka ndinokumbirawo mazano hama vadiwa, ndava kutotya kufamba rwendo ndichisiya vana pamba nekuti vanogona kuitwa zvimwe vakazara hosha.

Grace Kuondo.

Bindura.

MHINDURO:

Dambudziko rako muzukuru rakaoma. Chava kudiwa apa kuti mudzokere kwachiremba munopangwa mazano zvakare nekuti zvichida zvamakaudzwa pakutanga hazvina kupinda mupfungwa kubudikidza nekuvhunduka nekusazvibvuma. Chekutanga amai munogona kuenda imimi kwachiremba uya movaudza dambudziko iri muri moga, pozotsvagwa zuva ramunozoenda mose kuti mutaurwe nemi nababa nenzira yekuti havazofungi zvimwe.

Chirwere ichi chinobatira nenzira dzakasiyana, asi kunyanya pabonde. Zvino kungadai kusina chirwere ichi dai vana vaingoitwa sezviri kuda kuitwa nemurume wenyu, hazviitwe izvozvo.

Ndinodavira kuti makatsanangurirwa zvakare kuti mushandise zvekudzivirira kuti imi amai murege kuzobatirawo chirwere ichi.

Pfungwa dzapinda baba ava dzava kutoda kuti mutogare makavhura maziso, musasiye vana vari voga nababa nekuti zvinozoenda nepamwe vana vakabhinywa.

Ndinokukurudzirai kuti murambe muchida murume wenyu, musamuseme uye mongoramba muchiita mararamire amanga muchiita.

Changosanduka apa kushandisa dziviriro pabonde kuitira kuti mose muve neupenyu hurefu mugokwanisa kuchengeta mhuri yenyu muri pamwe chete.

Mungwarirewo n’anga nemaporofita venhema, vaya vanozviti vanorapa chirwere ichi nekuti ndivo vanopa mhiko dzakaita sekunzi baba vashinhe nemwana.

Unonzwa munhu mudare oti akanzi unopora kana akashinha nemwana asati aziva murume. Inhema idzo!

Ini ndinongokukurudzirai kuti mudzokere kwachiremba kana kukiriniki iri pedyo munopangwa mazano zvakare. Murume wenyu anongoda dzidziso yakakwana pamusoro pechirwere chavainacho.

Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>