Ndazvipira: Chigova

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Ndazvipira: Chigova George Chigova

Kwayedza

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wemaWarriors – George Chigova – anoti akazvipira kubatsira chikwata chake panguva iyo mutambo unenge waoma uye ari mudenga rechinonwe zvichitevera kubata kwaakaita mapena matatu apo Zimbabwe yakasangana neBotswana mumutambo weCosafa Cup quarter-final svondo rapera kuPolokwane, kuSouth Africa.

Mutambo wezvikwata zviviri izvi wakange wakapera uri mangange 1-1 ndokuenda kumapena apo Chigova akaita zvinorova ndokubata mapena matatu akatevedzana zvakaita kuti maWarriors akwanise kufambira mberi mumutambo uyu.

Achitaura ari kuPolokwane apo vakange vagadzirira kutamba neLesotho mumutambo wesemi-final neChitatu svondo rino, Chigova anoti akangozviudza mumwoyo make kuti nguva yasvika basa ngaribatwe kuti chikwata chienderere mberi.

“Zvamunoziva mapena anotarisirwa saka ndakangozviudza kuti ngandishande nesimba kuti ndibatsire chikwata kuenda kumberi mumutambo uyu.

“Tange tave panguva yakaoma nekuti takatadza kushandisa mikana yatakawana mumutambo wedu saka pakazosvika kumapena hauzive zvinoitika. Asi ndinofara kuti tichiri mumutambo uyu takakwanisa kusarohwa nehana tasvika kumapena,” anodaro.

Panguva iyo Chigova ari kurumbidzwa nemunhu wese munyika nehunyanzvi hwaakataridza musi weSvondo, mutambi uyu anoti chakakosha ndechekuti chikwata chavo chakabudirira kuenderera mberi mumutambo uyu.

“Chikuru ndechekuti tiri kufambira mberi mumutambo uyu uye chishuvo chedu kuti tirwire kuchengetedza mukombe wedu,” anodaro Chigova.

Hunyazvi hwakarakidzwa naChigova svondo rapera hwakamuona achipinda mumabhuku enhoroondo evatambi vepagedhi, shasha pakubata mapena sekatsi.

Aka hakasi kekutanga mutambi uyu achitaridza hunyanzvi hwake sezvo mugore ra2014 akabata mamwe mapena apo maWarriors akasvika kusemi-fainari yemutambo weCHAN neLybia uyo wakatambirwa kuSouth Africa zvakare.

Panguva iyi, Chigova akaedza nepaanogona kubatsira chikwata chemaWarriors nekubata mapena asi akazorasiswa nevamwe vatambi vanosanganisira Peter “Rio” Moyo, Simba Nhivi, Milton Ncube naAli Sadiki avo vakatadza kunwisawo avo mapena.

Dzimwe shasha pakubata mapena dzinosanganisira Japhet “Shortcat” Mparutsa uyo aitambira Dynamos FC nemaWarriors.
Mugore ra1985 mufainari yeNetbrew Zifa Cup apo ainge ave kutambira Black Rhinos, Shortcat akabatira Henry “Beef” Chari pena mutambo uyu ndokupera uri mangange 1-1.

Kozoti Tapiwa Kapini – uyo akambotambira Highlanders – akanetsa zvikuru achibata mapena kuchikwata ichi uye nepaaitambira maYoung Warriors.

Tafadzwa Dube vazhinji vachiri kumurangarira iri katsi chaiyo panyaya dzekubata mapena apo aitambira CAPS United uye neFC Platinum.

Share This:

Sponsored Links