Ndezvemhepo chokwadi here?

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

TINE mhuri dzakawanda muZimbabwe matinoona vanhu vachidzungaidzwa, asi vanoziva zvapasi kana zvomumweya unozonzwa vave kuti, “Ngavagadzirise zvomumusha mavo, vanozviziva. Kana vakasadaro inoramba iri ndambirire, kunge munhu ari pamudzuwerere.”Kune vari kudarowo pamusoro penyika yeZimbabwe. Tinodada tichiti inyika yakauya neropa ramagamba akarwira rusununguko, haisi nyika yakauya nepenzura.

Asi, kakutaura-taura kave kuwanda kokuti kunyangwe zvakadaro, pakwakaendwa kuhondo takasuma, varwi vakachangetedzwa; vakadzoka, vakadzoka; kune vazhinji vasina kudzoka.

Vamwe vanotiwo, varwi pavakadzoka kubva kuhondo tichiwana kuzvitonga kuzere, takazotaurawo here kuti nyika iya yavakati tindotora mumaoko amabhunu, yave mumaoko edu vanhu mbune?

Ndechipi chiKaranga kana chivanhu chakaitwa? Kana muri maKristu, ndezvipiwo zvamakaita kutenda Jehovha kuti vakatungamirira vana, vakauya vabata nyika mumaoko? Pane zuva rakatarwa here rokungotenda chere? Vamwe voti, kunyarara kwatakaita ikoku ndiko kwaunza makonzo mumba nhasi uno. Vanobata chiShona vari kunzwisisa zviri kurehwa naMukwende.

Varwi vorusununguko vakawanda, vakakwanisa kukurukura nomunyori uno, vakaburitsa pachena kuti pane nyaya dzinoda kupedziswa, basa guru kwazvo rinoda kuzvipira, sokuzvipira kwakaita vanhu vakarwa hondo yeChimurenga.

Cde Maodza Murenga Mukomawashe, havana kurwa hondo, asi ndiye mumwe wavanhu vashoma-shoma vakagara naMbuya Nehanda kuDande pakatanga hondo yeChimurenga muna 1972. Ndakambonyora nezvavo pavaiti musanyeperwe nevanhu vanozviita vanaMbuya Nehanda, nokuti pari zvino hapana ati ave svikiro raNehanda.

Kana vanhu vakaverenga pepanhau reSunday Mail masvondo apfuura, vakaverenga nezvavo vachiti pane zvisina kuitwa zvakataurwa naMbuya Nehanda, zvaifanirwa kuitwa vanhu vabva kuhondo.

Zvakashamisa Mukwende svondo rapfuura Bishop T.O. Chipunza veApostolic Flame Ministries of Zimbabwe vachitaurawo zvimwe chete. Bishop Chipunza vakati ukaona chinhu chichiramba chichidzokora pasina kugadzirisika, zvoreva kuti chave kusundwa nemweya, kana kuti mhepo.

Bishop Chipunza vakati zvimwe zvinhu zviri kuramba zvichiitika munyika, kusanganisira kuratidzira, zvave kuda kuti titarise kumashure tione kuti takabva nokupi.

Pane zvinhu zviviri zvavanoti ndipo pane mhepo dzakasunga nyika. Bishop Chipunza vakati, chokutangisa pane yavanoti “political prophecy” yakaitwa naMbuya Nehanda (Charwe Nyakasikana) vasati vaurawa navapambepfumi. Mbuya Nehanda vakati, “Mapfupa angu achamuka.” Munhu akange ari kufa aiti mapfupa ake achamuka sei?

Asi zvakazadzikiswa. Mukufamba kwenguva, vadzvanyiriri vagara vanhu pamatumba, zvakaita kunge pane vanhu vakayeuchidzwa kuti, ndimi mapafupa aitaurwa, saka mukai murwise mabhunu. Zvakaita sokuseka, asi pane mweya wakangosimudza vanhu kuti varwise vaRungu.

Kwakaendwa kuZambia, Botswana, Mozambique nedzimwe nyika, Chimurenga chechipiri chikarohwa. Kana vemakereke vazhinji vakabatsirawo, nokuti zvaive zvinhu zvemweya izvi.

SaCde Murenga, Bishop Chipunza vanobvunzawo kuti mushure mokutora nyika, takazoendawo here kumweya yakatungamirira tichitenda?

Vaya vakati “mapfupa angu achamuka”, hongu vanoziva kuti vakabata pavo mumhepo, asi vari kuziva kuti takapedza hondo here? Vese vakaenda kuhondo vakadzoka here? Vapenyu navakafa vakasumwa here kuti hondo yakapera, chizororai, vanhu vashandire nyika?

Vakadaro, nokuti vanoti pari zvino, pane vanobudirwa uchinzwa mweya yavakafa kuhondo ichibvunza kuti hondo yakapera here, kana kuti endai mundoudza hama dzangu kuti ndakapararira kuhondo.

Rimwe shoko repiri rakauya naBishop Chipunza nderokuti mashoko ane simba. AMbuya Nehanda akave nesimba rokusimudza vanhu kuti varwire nyika.

Asiwo, kunyange vachena vaitaura zvakasiyana-siyana, vachinyomba utongi hwavanhu vatema, asi pane mashoko akataurwa nevaimbove mutungamiri weRhodesia (yava Zimbabwe), muchakabvu VaIan Douglas Smith achiti: “Let me say it again. I don’t believe in black majority rule ever in Rhodesia — not in a thousand years. I repeat that I believe in blacks and whites working together. If one day it is white and the next day it is black, I believe we have failed and it will be a disaster for Rhodesia.”

Kwaive kupika nedenga napasi kwomunhu aive mutungamiri, kuti haabvumi kuti munhu mutema anogona kutonga. Vanonzvera zvomumweya, vanoti ichi chaive chituko (“curse” pachiRungu).

Kunyange zvazvo President (vachiri Prime Minister) Mugabe vakatambanudza ruwoko rwesungano nokuwadzana (reconciliation), Smith akaramba ari muno munyika achitorima kupurazi kwake kuShurugwi, akafa asina kudzora mashoko ake achiti ndabvuma kuti munhu mutema anokwanisa kutonga. Vanomuziva, akatoramba achiwedzera mashoko okutuka.

Saka toringepi namashokoko aya? Zvatiri kusangana nazvo ndezvemhepo chokwadi here?

Share This:

Sponsored Links