Uncategorized

‘Ndichakurova dakara wafa’

17 Jul, 2014 - 16:07 0 Views

Kwayedza

VAHOSI nanyachide vakasvitsana kumatare vachirwira murume apo mukadzi mudiki aiti anogara achitukwa uye kuvimbiswa rufu.
Florence Mashuwa akaendesa Rachel Chirwa kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Amai ava ndivo mukadzi wemurume wangu wekutanga asi iko zvino nekuda kwekuti ndava panyanga ndini, murume anoda ini, zviri kuvabhowa. Vanouya kumba kwangu vachindirova. Kana vakasangana neni munzira vanotukirira vachindiudza kuti vanoda kundiuraira kudiwa nemururme. Ini handisini ndakatuma murume kuti andidewo.

“Murume ava wangu, handimuregi kwangu kumba haachabva,” akadaro Mashuwa
Akati Chirwa anomuti muroyi kana kuti ipfambi.

Chirwa haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMashuwa achiti:
“Mukadzi uyu ipfambi, ndiye nyakupfimba murume wangu kubhawa. Asi nhasi ave kuti murume ndewake, hapana mari yaakabvisirwa.

“Ishe wangu, handingasiye murume wangu achienda ndakatarisa. Murume ndewangu, anotorambira nemurume wangu omukiira gonhi. Ndiko kusaka ndichizoenda ndonomuvhiringidza, handiregi kusvika asiyana nemurume wangu. Ndinoda kukurova kusvika wafa, watamba nemadhaka pasina mvura.”

Mutongi Babra Masinire akati Chirwa arege kushungurudza Mashuwa nenzira ipi zvayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey