‘Ndidewo ndide murume wangu!’

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
‘Ndidewo ndide murume wangu!’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VAHOSI vakagunun’una mudare vachiti murume wavo ave kupedzera rudo rwose kuna nyachide uye haasisina basa navo sezvo asisavachengete.

Jessica Mashozhera akadhonzera murume wake Cilas Mashozhera kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumurova nekumutuka zvinyadzi uyewo nekuti aratidze rudo kwaari.

“Murume uyu anondirova nekundituka pose paanenge auyira kumba kwangu zvekuti paanodzokera ndinosara ndichinyara kutsiura vana nekuti vanenge vamboona ndichitukwa nekurohwa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti dambudziko iri rakatanga apo murume wake akatora munin’ina wake uyo wavaigara naye achimuita mukadzi wechipiri vachibva vaenda kunogara kumusha iye vachimusiya nevana.

“Zvose izvi zvakatanga paakatora munin’ina wangu uyo wataigara naye ndokumuita mukadzi wake ini vachibva vanditiza ndikasara kuno kuHarare nevana. Zvino haachandipa mari yekudya nevana, paanouya anenge asina chinhu, kana kuti apewo rudo kwandiri kuratidza kuti andisuwa haadaro.

“Kumuti ndipe gupuro ndisununguke haadi, anongoda kundirova nekundishungurudza pose paanouya kumba,” anodaro Jessica.

Cilas anopikisana nezviri kutaurwa nemudzimai wake achiti haaite zvemhirizhonga naye uye anochengeta mhuri yake.

“Zvose zvaataura manyepo, runyararo rwagara rwuripo kare. Pandinobva kumusha ndinouya nezvekudya zvavo. Nyaya inongonetsa ndeyekuti haadi kugara kumusha kwandiri nemukadzi wangu mudiki,” anodaro Cilas.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaJessica achiti hapana umboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>