Ndiko kufumuka kwekupedzisira

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Ndiko kufumuka kwekupedzisira

Kwayedza

MUKURARAMA kwevanhu vatema pane hunhu netsika dzakanaka izvo munhu anotarisirwa kunge achicherechedza zvisinei nekuti kune vamwe vasingachazvikoshese mazuva ano. Tsika idzi ndidzo dzinoumba hunhu hunoyemurika.

Asi kune vamwe vari kutozvirova matundundu nenyaya yekushaya hunhu. Muenzaniso ndewenyaya yatinayo svondo rino yekuMhondoro, nyaya yemurume anova saimba uyo anonzi akadanana nemusikana ndokumupa pamuviri. Murume uyu anonzi akazofurirana nemusikana uyu kuti adanane nemwanakomana wake sezvo aitya bongozozo raizomuka kumba kwake kana akamutora semudzimai wake wechipiri.

Zvinoshamisa kuti musikana uyu akabvuma kurezva mwanakomana wemurume uyu kusvikira vadanana ndokutanga kugara vose.

Nyaya iyi inoratidza kushaya hunhu zvachose kwemusikana uyu zvose nemurume akamupa mimba. Chokwadi baba nemwanakomana wavo vangadzidzane musikana mumwe chete?

Muchidimbu tinoti musikana uyu inzenza yekupedzira nekuti zvaakaita hazviitwe nemunhu ane pfungwa dzakati kwesere. Kuita kwakadai chitadzo chikuru pasi nekudenga. Zviri pachena kuti mushure mekunge murume uyu apa musikana uyu kumwanakomana wake, vaviri ava vakaramba vachidanana muchivande.

Tinorumbidza mutongo wakapihwa kumurume uyu nedare raMambo Chivero wekuti abvise mombe mbiri dzemakunakuna pamwe nekuti muroora wake abvisewo mombe imwe chete. Asi semaonero edu, vaviri ava vakatorerutsirwa pamutongo uyu nekuti vanhu vanorasa hunhu netsika kuburikidza nekuita makunakuna vanofanirwa kupihwa mitongo inorwadza kuitira kuti vamwe vagotya.

Vechidiki vanodzidzei kubva kune zvakaitwa nemurume uyu nemuroora wake? Iye zvino pane makakatanwa aripo ekuti mwana akaberekwa wemakunakuna aya ndewani sezvo iye musikana wacho ari kuti ndewababa vemukomana waakazotizira. Asi nerimwewo divi, mukomana uyu ari kuti mwana uyu ndewake. Ko ukama pakati pemwana akaberekwa uyu nababa ava nemwanakomana wavo hunenge hwakamira sei?

Hunhu hwakadai hwakafumuka uye hunoshoresa zvikuru. Mazuva ano hazvishamise kunzwa kuti ambuya vari kudanana nemukuwasha. Ukama pakati pevanyarikana hauchakosheswe. Vamwe ndivo vanosvikira pakurwisana chaipo, vangave mukuwasha naambuya kana kuti muroora natezvara.

Kujairirana here kana kuti chii chinozoita kuti vanyarikani vasvike pakuita hunhu hwakadai? Seimwe nyaya yatinayo zvakare svondo rino yemukuwasha akaenda kumatare edzimhosva achida gwaro redziviriro achiti aimbove mudzimai wake anomukutsirana naamai vake.

Mukuwasha uyu anoti rimwe zuva ambuya vake vakamuruma pabendekete apo vaimurwisa. Pasi rapinduka chokwadi, ambuya kurova mukuwasha?Zvakakosha kuti veruzhinji vadzoreredze tsika nehunhu hwakanaka. Tinodaro nekuti tsika dzinoyemurika inhaka yemusiiranwa nekudaro dzinofanira kukosheswa zvikuru.

Share This:

Sponsored Links