Ndine mari yekutenga Jesu

17 Oct, 2014 - 00:10 0 Views
Ndine mari yekutenga Jesu FLORENCE Mabika apo aive akachenuruka kumeso mushure mekukwizwa nemunyu naMadzimai Moleen Magaya apo vaimunamatira

Kwayedza

HANDISHAMISIKE nekushaikwa kwechokwadi nekusanzwirana tsitsi kwatekeshera munyika. Vanhu havasisiri vanhu, asi dzave mhuka. Vazhinji vave kupfeka manyepo sehembe, zvekuti anonyatsovagara kunge vakazvarwa nawo.
Nhema dzakwidibira nyika yedu serima renguva yeZhizha. Hutsinye chaihwo hwakapfunya chisero muhana dzevazhinji vedu zvekuti huri kudya zvibereko zvehunhu hwedu sehwiza dziri kudya zvirimwa mumunda.

MuBhaibheri kuna Hosea 4 vs 1 kwakanzi, “Inzwai shoko raJehovha imi vana vaIsiraeri, nekuti Mwari ari kupa mhosva kunyika. Hakuchisina chokwadi netsitsi, kana ruzivo rwekuti Mwari ndiani munyika ino.”

Svondo rakapera ndakaverenga nyaya dzinosuwisa dzemapurisa akauraiwa muzviitiko zvakasiyana. Mumwe mupurisa akabaiwa nebanga akafa nemunhu waaida kusunga nemhosva yekuba mombe. Mumwe mupurisa kuBhuruwayo akafa nekuda kwemaronda ekuzvuzvurudzwa nemota yaityairwa nemunhu waaida kusunga.

Ndakarwadziwa kwazvo nerufu rwemapurisa aya. Vakafira basa rekuona kuti munyika makagadzikana uye mune runyararo. Asi, nyaya yangu iri pachinhu chinotyisa chekuti vanhu havachisina ruzivo rwekuti Mwari ndiani. Nekuti kana vanhu vachiziva kuti Mwari ndiani, havauraye vamwe vanhu.

Ko vanhu vanogoshaya ruzivo rwekuti Mwari ndiani seiko iwo machechi akazara uye mamwe achiramba achitangwa?

Chokwadi chiripo ndechekuti machechi mazhinji haasi kuziva Mwari. Vanoziva nezvake, asi havamuzive. Vanotenda kuti Mwari ariko, asi havana hukama naye. Havanyatsomuda Mwari wavanotaura kana kumutya nekuti dai vaimutya, dai maporofita emazuva ano asinganyengedze vanhu, kuvabira, kunyepa, kutyisidzira nekuda kunamatwa.

Uyewo, dai maporofita aya asingapomerwe mhosva dzehupombwe nekubhinya. Mwari anoti, “Ivai vatsvene nekuti ini ndiri mutsvene.” Saka vamwe vanhu vamave kuti “varanda vaMwari” havasi varanda vaMwari.

Chiri kushaikwa mumachechi nemuvanhu nhasi uno inyaya yekusadzidza kuti Mwari haawanikwe kubudikidza nekutsvaga minana nekuporofitwa. Mwari anozviratidza kuvanhu vanomuda nekumutsvaga nemwoyo yese kudarika kuzviratidza kwaanoita vamwe vevanhu vamunoti maporofita.

Kusazvibata nekusazvidzora kwatekeshera muZimbabwe zvekuti vashoma vachiri kutya Mwari. Vazhinji vave kungozvifunga ivo pachavo nezvavanoda. Kuvanhu vazhinji, Mwari ave wekungoitira vanhu zvavanoda, nyangwe ivo vanhu vacho vasingamuitire zvaanoda. Mwari anoda kururama, asi nhasi uno kana neari kuda murume wemumwe anoenda kunoitirwa munamato wekuti murume iyeye asiye imba yake agogara naye. Asi Mwari havaparadze chavakaumba. Wanano ndeya Mwari, uye Mwari vanovenga kurambana.

Saka kana munyika musisina ruzivo rwekuti Mwari ndiani, tinozopinda denga ripi racho iye Jesu achiti, “Ndichati ibvai kwandiri vaiti vezviskarurama, handina kutongokuzivai.”

Hatisisina tsitsi nyangwe mumachechi acho chaimo. Tave kutarisa vane mota nemari uye vachipfeka masutu. Kana makwazisiro anoitwa VaNyamari nemukwazisirwo unoitwa ini Kapurasha wakasiyana. Anodiwa namufundisi ndiye ane mari yekutenga Jesu, asi iye Jesu achiti huyai mutore ruponeso pachena, musingabvise mari.

Chechi iri kutsvaga mari nezvinobatika zvekuti yakanganwa kuti pane vanodawo kutendeuka nekugamuchira Jesu.

Chechi haichawanisa vanhu nguva yekuziva Jesu nekuti purogiramu dzevanhu ndidzo dziri kuwana nguva.

Jesu haatengeswe. Jesu haatyise. Jesu haataure namufundisi nemuporofita chete. Jesu anoda chokwadi. Hupenyu hwatiri kutsvaga hwekupihwa zvigaro nekuwana vanotimiririra kuna Jesu ndiko kurasika. Kuna Johani, Jesu anoti: “Hupenyu husingaperi kuti vakuzivei imi Mwari uri woga wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey