Uncategorized

‘Ndine vana Zim yose’

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
‘Ndine vana Zim yose’

Kwayedza

Memory Mangombe
PANE murume wemuHarare anoti nechikonzero chekusada kudarikwa nemarokwe, “akadyara” vana Zimbabwe yose asi ava kudemba kuti akachepeswa nevakadzi pfuma yose yaaive nayo ikapera zvekusara iye ava rombe rekupedzisira.

Vakadzi ava anoti aivashandisira mishonga. Asi vakamudya zvekusara iye odya nhoko dzezvironda.

Sekuru Whiskey Mupedzanhamo (92), avo vanogara panhamba 689 Magada, KuEpworth, uye vari chizvarwa chekuMalawi, vanoti vane gurumwandira revana zvekuti vamwe vacho havachavatondera kunze kwe37 bedzi.

Havana nhamo yavakapedza sezvinoreva zita ravo sezvo ivo vari kushupika. Zvichida vakapedza nhamo yevakadzi vavaipa vana nemari.

Musharukwa uyu, uyo ave bofu uye ari kugara mukamba kanotibuka huruva, anoti akaita vana ava panguva yaaitenderera nenyika achiita zvehun’anga. Akazoita bofu makore matatu adarika.

Asi vasati vawirwa nedambudziko iri upenyu hweharahwa iyi hunoita kunge firimu chairo. Vanoti mari yaiva mavhu nemarara, motokari vachiita dzekuchinjanisa kunge mbatya. Pari zvino havana chinoratidza kuti vaimbova shoroma, kana nemukadzi mumwe chete zvake havachisina.

“Ndaiva nemari yaityisa, zvichibva muhun’anga uye vakadzi handizive kuti ndakaita vangani. Zimbabwe yese izere nevana vangu, handitombozive kuti vangani.

“KuKaroi, Mt Darwin, Bindura, Hurungwe, Magunje, Kwekwe, Gweru, Bulawayo, Masvingo ha-a kupiko zvako?

Hhakuna kusina mwana wangu, nyika yose izere,” vakadaro Sekuru Mupedzanhamo.

“Handairambwa nevakadzi nekuti ndaivashandisira mishonga. Asi nhasi uno handina kana mukadzi wandinaye kana achandida, vamwe vakafa asi vakawanda ndivo vakandisvipa mushure mekundipedza upfumi hwangu. Ndava rombe rekupedzisira.

“Ndaiva munhu akanga asina kuomera pakuburitsa chikwama, madzimai akawanda andakadanana nawo ndakavavakira dzimba dzakawanda uye dzakanaka asi ini ndave kugara mukamba kanenge nhandare yenhabvu.”

Pari zvino harahwa iyi iri kugara nevana vayo avo vose vanokodzera kuva vazukuru kana zvizukurubvi vanoti Aaron (18), Bhabhi (21), Joan (8), Pika (6) naPanganai (4).

Pakashanyirwa mhuri iyi, vamwe vevana ava vakawanikwa vakakomba choto vachibika sadza ravaida kuzodya nemuriwo wemujachu wainge usina mafuta kana matomatisi.

“Vamwe vana vandakasiya mese mandaifamba handichazive kuti vangani kana nemadzimai acho handizivi kuti aripi. Vandakabvisira mari vaiva vatatu chete, vamwe vose ndaingopa vana sekuvapa kwandaiita mari,” vakadaro Sekuru Mupedzanhamo.

Murume n’anga uyu anoti anoita zvekurotswa mishonga yekushandisa iyo inobva kuMalawi. “Mubasa rangu rehun’anga ndinoita zvekurotswa uye ndichizivikanwa nekuita zvakasiyana sekusunga varume nemadzimai vanoita gumbo-mumba gumbo-panze, kuuchika vasina mbereko nekusota mbavha.

“Mukusunga kwandinoita varume ndine mushonga wandinopa mukadzi ozora nhengo yesikarudzi yake kuti kana murume abuda kunze haanzwe kuda mukadzi. Asi ndinoyambira kune anenge asunga mumwe wake kuti amusunungure asati afa nenzira yekunyika chipfeko chake chemukati mumvura iyo yaanopa mumwe wake kuti ageze kuti asazosare aine dambudziko,” vakadaro.

Kunyangwe zvazvo vachiti vane mukurumbira wekubatsira vanhu, Sekuru Mupedzanhamo vanoti hun’anga hwavo huri kuvapa hurombo sezvo mudzimu unosvika pavari uchibhadharisa mari shoma-shoma kune vanoshandirwa.

“Mudzimu wangu unonditaurira zvekuita, unoti ndisatema mari inopfuura madhora maviri uye kutambira kutendwa kubva kuvarapwa. Asi kare waindibvumidza kutema muripo wandaida – ndipo pandakaita mari. Handizivi kana paine mhiko dzandakatyora nekuti pari zvino zvandiomera, ndatambura. Kwave kungomirira kufa chete nekuti hujaya takatamba kare uye hurombo nehurombe hwandibaya, kunditsika konzi chaiko.”

Vanoti vari kupa chenjedzo kuvanakomana vavo kuti vasapedzera pfuma yavo kuvakadzi nekuti vakazvionera pamhuno nefodya – kuti hazvina pundutso. Vobvunzwa kuti pavana vavo vose vavachiri kutondera ava sei vasingavabatsirewo, vakati pamutemo wavo wekuMalawi mukadzi akasiyana nemurume vana vanoenda naamai vavo.

Pamusoro pezvo, vanasikana vakaroorwa havabvisirwe pfuma yeroora – vanongoenda kuvarume pachena. Sekuru Mupedzanhamo vakaramba mashoko anonzi ari kutenderera munharaunda mavo ekuti vanoshungurudza mumwe wevanasikana vavanogara navo.

“Aiwa, marokwe ndaiada hangu asi zvino kana ndikapihwa mukadzi handichina shungu naye.”
Sekuru Mupedzanhano vakazokumbira rubatsiro kune vanokwanisa vachiti vanogona kuvayamura nechero zvinhu zvavanazvo.

Muvakadzani wavo, Mai Anna Maere (50), vakatsinhira kuti Sekuru Mupedzanhamo vanogara nevana vavo asi harahwa iyi iri kutambura.

 

Share This:

Sponsored Links