‘Ndinenge ndakakoriwa’

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views

Kwayedza

MUDZIMAI wekugarooneswa pfumvu nemurume wake akateterera mudare achiti anodawo zororo kubva mukuzvindikitwa uko pavakaroorana.
Carltas Mazhindu akaendesa murume wake, Steven Chamakura, kuHarare Civil Court achiti apfidza nekurohwa, kunyanya paanenge akashapira doro.

“Ndanzwa nekugara ndichirohwa nababa ava kubva pandakaroorwa. Handizivi chinonzi runyararo kana mufaro mumba nekuti vanongondirova pese-pese. Ndoda kana vanwa havo doro, igaroziva kuti chimoto, ndinotorohwa chete,” akadaro Mazhindu.

“Ndatojaira kutukwa mashoko anorwadza nekuti ndihwo hunhu hwavo asi pakurohwa ndaneta veduwe-e. Hongu ndibaba mumba ndinozvikudza izvozvo, asiwo vane chinzvimbo chavanofanirwa kundiisawo semudzimai mumba kwete kuzivikanwa neraini rese, kunyangwe nepwere, kuti ndinoshungurudzwa,” akadaro Mazhindu.

Achipawo divi rake, Chamakura akati anoda kuti mudzimai wake amuregerere pamwe nekubvisa nyaya iyi mudare.
“Changamire, ndinokumbirawo ruregerero kumudzimai wangu nezvandakaita. Ichokwadi ndinomurova kana ndatsamwa uye kazhinji kacho ndinenge ndisiri kunyatsoziva zvandiri kuita nekuti ndinenge ndakadhakwa iye anozviziva uyu. Handina kumboziva kuti nyaya iyi ingatosvika kuno kudare, ndiregererewo mukadzi wangu handichakurove zvakare,” akadaro Chamakura.

Mutongi Barbra Masinire akapa gwaro redziviriro kuna Mazhindu akati kuna Chamakura vagarisane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>