Uncategorized

NDINI JESU: MUPOROFITA

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
NDINI JESU: MUPOROFITA

Kwayedza

PANE murume wekuCentenary, kuMashonaland Central ari kuzviti ndiJesu.

Wellington Nyangasa (46), uyo ane barika revakadzi vaviri, achizivikanwa munzvimbo iyi nezita rekuti Jesu kana kuti Emmanuel, ari kugara achinamatira mugomo rinoyera reGato iro riri mupurazi reMatute.

Nyangasa ndewechitatu kudunhu reMashonaland Central pavanhu vanozviti ndivana Jesu – vamwe vacho vari mushakabvu Emmanuel Mudyiwa aibva kwaMusana nemumwe musikana wekuGuruve, uyo anonzi pari zvino ava nemwana.

Verenga zvakare nyaya iyi:

Nyangasa ane chipari chemadzimai maviri uye anoti aimbonamata chechi yeJohane Masowe weChishanu ndokuzobuda ave kunamata inonzi “Chechi yaJesu” kana kuti “yaEmmauel yeMukuru”.

Anoti akabva kuChiweshe akatungamirwa nemweya mutsvene kuti anogara mugomo rinoyera iri.

“Ini ndini baba Emmanuel, Jesu Christ pachake azvarwa kunyika dzevatema. Ndini mumwe chete akazvarwa kunyika dzemhiri. Ndakauya muno kuzopedza matambudziko evanhu vatema. Ndiri muna baba uyewo baba vari mandiri, anopinda nekwandiri anowana upenyu husingagumi.

“Ndakauya kuzopa rugare kurudzi rwevatema muJerusarema idzva,” akadaro Nyangasa achimbotaura nendimi.

Akakurudzira maporofita nen’anga kuti vaende kwaari kunotsvaga masimba nehutsvene.

“Pakati pangu nababa musikavanhu hapana aripo, ndinotaurira baba vangu zvandinoda vachindipindura. Kune vanoda upenyu husingaperi ngavauye kuno kuCentenary kuJerusarema idzva tisunungure nyika. Nyika dzose dzevatema dzakaburutsirwa ini saka hapasisina dambudziko rekuchema,” akadaro Nyangasa, uyo pakuona nemaziso anoratidza seakakwana panjere.

Murume uyu anoti pakashaika mumwe munamati aizviti Jesu, Emmanuel Mudyiwa, mweya wemwanakomana waMwari waiva pavari wakabva waenda paari.

“Handina mushonga wandinoshandisa sezvandaiita kubva pekutanga ndichiri nyika dzemhiri, ndinongonamatira munhu iye nekutenda kwake anoponeswa. Ndakavinga marudzi ose ini Emmanuel. Mwaka wekuti nyika yeZimbabwe ibudirire wasvika, ndiri kunamatira nyika ino.”

Anoti kubva pakafa Emmanuel Mudyiwa mweya uyu wakabva wabata paari.

“Ngoni dzaiva pandiri kubva ndiri mwana mudiki ndaiva neruzivo rwepamusoro zvikuru kubva ndiri Grade 1 kusvika Form 2. Dzinza rangu rose rainzwa zvandaireva nekuti zvaiva nehuchenjeri uye vanhu vemumusha wandaigara wekwaKaguda, kuChiweshe, vaindiunganira nekuda kwehuchenjeri hwangu. Zvazobuda nhasi kuti igwara raikurwa rekuti ndizova mwana waMwari,” akadaro.

Nyangasa anoti baba vake ndiVaEga Nyangasa, avo anotora saJoseph (wemuBhaiberi uyo aive murume waMaria amai vaJesu Kristu). Amai vake VaErida N’andu avo anotora saMaria.

Anoti simba rake rakabuda mugore ra2009 apo akatanga kurwara aisirwa muchetura panhamo akazotorwa nemukoma wake ndokuendwa naye kuCentenary.

Nyangasa anoti ari kuCentenary ikoko, ainzwa izwi richitaura richimuti amuke afambe.

“Ndakamuka ipapo apo ndaitambura nekurwara ndichibva ndafamba ndokunosimudza imwe simbi isina kana varume gumi vanogona kuisimudza pamwe chete. Izvi chete zvaida kududzira upenyu hutsva hwemweya wakanga wandigara. Nhasi uno ndini Jesu wacho wemhiri akazomukira kuno kuAfrica munyika yevatema.

“Zvimwe chete zvakaitwa pakuberekwa kwangu mhiri, ndakaberekerwa mudanga remadhongi nekunowo kuAfrica muZimbabwe ndakaberekerwa kumhuri inoshorwa zvikuru yekwaNyangasa yehurombo. Asi ndinoti vanhu ngavachiuya kwandiri tinamate Mwari mupenyu.”

Murume uyu akashora musikana anozviti Jesu wekuGuruve achiti handiye Jesu chaiye.

“Mwari vakasika munhu nemufananidzo wavo ndokuzotsvagira shamwari anova mukadzi (Evha) kuburikidza nerumbabvu rwakabviswa pamunhurume. Saka simba rababa rinoendeswa pamunhurume kwete mudzimai. Ini ndini mwanakomana waMwari,” akadaro Nyangasa.

Anoti kuberekwa kwemusikana wekuGuruve anozviti Jesu kwaiva kwakaporofitwa kare asi yaive gadziriro yekuzouya kwake iyi.

Murume uyu anoti anotaura nemarudzi ose epasi rino.

“Vanhu vanouya kwandiri vachida kubatsirwa vachitaura ndimi dzakasiyana ndinodzitaura, kwete kuti ndakadzifunda asi isimba rababa vari kudenga.”

Obvunzwa nyaya yekuti mwanakomana waMwari akanzi anouya kamwe chete, akati ndiye Jesu wacho akauya.

Nyangasa paakabvunzwa neKwayedza kuti Jesu Kristu haana kumbobvira aroora ko sei iye aine chipari chevakadzi akati: “Kana munhu ari mutungamiriri anoita zvaanenge achida”.

Nyangasa ari kuvaka musha waanodaidza kuti “Jerusarema idzva” mugomo reGato.

Musha uyu uri kuvakwa pamupata wemakomo panzvimbo yaanoti akapihwa nevakuru vekuCentenary.

Madzimai aNyangasa anoti Peticians Phylis Zinyoni (43) nemudiki wacho, Eminice Tecla Tayengwa (47), vanorumbidza zvikuru murume wavo uyo wavanoshevedza vachiti “Madzibaba Jesu”.

“Ndinonzwa kufara zvikuru nekuzviremekedza kuti ndakaita rombo rakanaka rekunzi mudzimai waJesu. Nguva yavo zhinji kunamata uye zvizhinji zvavanoita vanotaurirwa nababa vari kudenga. Kana mbatya chaidzo dzavanopfeka vanoitwa dzekuziviswa nemweya kuburikidza nekurotswa kana kunzwa izwi. Vanogona kunzi nhasi pfeka tirauzi rakati kana kuti sikipa yered,” akadaro Zinyoni.

Mashoko ake akatsinhirwa naTayengwa achiti: “Tine zvishamiso zvizhinji zvatinoona pana baba Jesu, vanoporesa vanorwara nekumutsa vafi. Vakamutsa vanhu vaviri vainge vafa vanoti mumwe wekuChiweshe newekuMuzarabani.”

Pane mashoko anoti mamwe maporofita emachechi akasiyana ari kuenda achinosiya tsvimbo dzawo kuna Nyangasa senzira yekuzvipira kwaari nekumuremekedza kuti vawaniswe masimba.

“Hazvina mhosva kuti vanhu vanonamata kupi, ngavauye nekuti Jesu ndewe munhu wose,” akadaro Nyangasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey