Uncategorized

‘Ndini jesu’

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Ndini jesu’ Meki Janga-Emmanuel

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKURU weimwe chechi iri muHarare ari kuzvifananidza nemwanakomana waMwari — Jesu Kirisitu — achizviti akasandurwa zita naMusiki ndokutumidzwa rekuti Emmanuel.

Meki Janga (43), wepanhamba 842 kuNew Marimba, anoti inyaya yaasati oda hake kushambadza kuti iye ndiye Jesu mbune sezvo achiti ane vavengi vakawanda vari kuedza kumurwisa nekutsikirira shoko raMwari.

Janga — uyo asina zita rehukuru sezvinoitwa nevakuru vemamwe machechi sekuzviti prophet, apostle kana kuti bishop — anoti zita rechechi yake rekuti Temple of God rakatumidzwa naMwari, kwete naiye.

Zvisinei, Bhaibheri rinoti Jesu Kirisitu akafa akamuka uye rinoyambira kuti nemazuva ekupedzisira kuchauya maporofita enhema apo vakawanda vacho vanenge vachizviti ndivo Jesu.

Janga kana kuti Emmanuel anoti Mwari vakauya kwaari ndokutaura naye mugore ra2013 apo ainge asati onamata vachibva vamusandura zita rake vachimuti Emmanuel iro rinoreva mununuri.

“Ichokwadi, vazhinji vanonditi ndini Jesu Emmanuel. Handisati ndoda kunyatsobuda pachena nekuti nguva haisati yakwana yekuti ndizvidure kuti ndini (Jesu).

“Vari kuti ndini Jesu vanoona zviri pandiri nekuda kwesimba racho riripo. Ndakaita gore ndichitaura naMwari apo vakandichinja zita nekuzotumidza chechi zvakare. Vakanditi simba ravakandipa ndichatungamirira sangano guru zvichaita kuti nyika dzepasi rose dziuye kwandiri izvo vakati hapana mumwe wemadzibaba angu akamboita izvi,” anodaro.

Anoti pane imwe nguva achinamata, vanhu vakaona muzvanza zvemaoko ake makaboorwa uye muchiyerera ropa izvo zvaanoti zvinoratidza pachena kuti iye mutumbi waJesu akarovererwa pamuchinjikwa.

VHIDHIYO:

Murume uyu anoti anonamata achishandisa Bhaibheri uyewo munhu akaroora izvo zvisina kumbobvira zvakaitwa naJesu Kirisitu mukurarama kwake.

“Hongu vanhu vemuchechi mangu nevamwe vakakomberedza nzvimbo ino vanonditi Jesu Emmanuel, kureva kuti zvavari kuona ndizvo zviripo handizvirambe. Nguva ichakwana yekuti zvibude pachena, ndakamirira kuudzwa naMwari.

“Kunyangwe panguva yaJesu inga wani madhimoni aitaura kuti tinokuziva une simba rakanyanya saka izvi ndizvo zvimwe chete neni. Vanhu vanoona nemavanga emumaoko ropa richiyerera zvinoratidza chipiyaniso chakaroverwa mwanakomana waMwari,” anodaro.

Janga anoti akaudzwa naMwari kuti acharambwa neruzhinji nekurwiswa nevanhu nekuda kwekudzika kwemutumwa kwaari.

“Handitye kurwiswa nekuti iye Jesu akarwiswa nekushungurudzwa, saka ndizvo zvandichasangana nazvo.”

Anotizve haasi kutsvaga mukurumbira uye njere dzake “hadzinyimane moto” kureva kuti haasi murwere wepfungwa.

“Handisi kutsvaga mbiri asi izwi raMwari rakaburuka. Vamwe vangafunge kuti ndinorwara nepfungwa, mafungiro avo asi chokwadi chinobuda choga,” anodaro.

Vamwe vemuchechi yaJanga vanotsinhira vachiti murume uyu ndiye Jesu.

Abigail Sendamayi Janga (35), anova mudzimai wemurume uyu, anoti zvakamushamisa apo akaona murume wake panguva yehusiku mugore ra2013 ave kutaura nendimi asi asati ave kunamata.

“Mweya uchitaura pamurume wangu wakati uyu ndiye Emmanuel atumwa naMwari baba vake. Wakati vanhu vachazoziva chokwadi kuti ndiyani chaiye (Jesu) nekufamba kwenguva. Mweya uyu wakati muchafamba naye kwenguva kusvikira mazomuziva,” anodaro.

Abigail anoti haana chaanopokana nacho kuti murume wake ndiye Jesu nekuda kwezvishamiso zvaanoti anoona.

Jawet Diza (41) mumwe wevanamati vemuchechi iyi uye anotsinhirawo achiti, “Takatanga kufamba nemurume uyu kubva mugore ra2014 achiti munondiziva here? Mweya uchiti ndinoda kuti munamate zvakasimba kuti mugoziva kuti ndini ani.

“Nyaya iyi yazobuda kuti ndiye Jesu mushure memakore matatu. Ini ndakazvionera vachinamata mumaoko avo muine maburi aibuda ropa chaizvo sezvatinonzwa zvakaitika kuna Jesu mwana waMwari,” anodaro Diza.

Zvichakadai, makore adarika mumwe musikana wekuGuruve aimbozviti ndiye Jesu zvakare.

Kunze kwaizvozvo, mumwewo murume wemuHarare, Talent Madungwe, akamboti akaenda kudenga kanokwana katatu akanoita hurukuro naMwari – mashoko akasiya vanhu vakawanda voti, “uyu anorwara uyu”.

Mumakore mashoma adarika, muZimbabwe mamuka maporofita, maprophets nemachechi akawandisa, vamwe vacho vachizoguma vonzi havanamate asi kuti vanongotsvaga mbiri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>