‘Ndini ndiri kugara nevana’

09 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MUDZIMAI wekuChitungwiza wekumhan’arira kudare aimbove murume wake chikwereti chemendenenzi cheUS$1 200 chevana vaasiri kugara navo akashaya pekupinda apo akanzi hazviite kuti apihwe mari iyi sezvo asiri iye ari kugara nevana.

Protea Pfundirwa (36), wepanhamba 18260 Zengeza 3, akaendesa Magodhi Chakwizira (39), anogara panhamba 326 Bramble Lane, kuWaterfalls muHarare, kuChitungwiza Magistrates’ Court achida kuti apihwe mari iyi. Vaviri ava vakambenge vakaroorana uye vane vana vatatu vasati vabva zera.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa2 Zvita 2013, dare iri rakati Chakwizira abvise mendenenzi iyo yave nechikwereti cheUS$1 200 musi wa17 Zvita 2014 usati wasvika.

Zvisinei, Chakwizira haana kubvisa mari iyi achipa zvikonzero zvekuti mumhan’ari akange asina akaundi nhamba yekubhanga nekudaro akange achimupa mari iyi mumawoko.

Mumwedzi waChivabvu 2014, Chakwizira akabva atora vana vaye ndokuenda kunogara navo kumba kwake achibhadhara mari yechikoro nekuvariritira.

“Mhosva yangu yekusabhadhara mari iyi ndinoibvuma asi ndine zvikonzero zviri kuita kuti ndiregedze. Chekutanga ndini ndiri kugara nevana vacho vandiri kunzi ndichengete. Chepiri ndiri kubhadhara mari dzavo dzechikoro nekuvariritira uye mudzimai uyu ndakamusiira imba yaari kugara kuZengeza inokosha US$15 000 inova yaari kurojesa achitora mari yaanoshandisa muupenyu hwake. Ini ndave nemumwe mudzimai ane mwana uye akazvitakura pari zvino,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti vana ava vakaramba kugara naamai vavo uyewo Pfundirwa akarambawo kugara navo zvakaita kuti vagare pasi semhuri vachibva vawirirana kuti ange achivatora.

Mutongi Lazarus Murendo akati Chakwizira aifanira kutanga akumbira kudare kuti ange achigara nevana ava zviri pamutemo kwete zvekutaurirana semhuri sezvo nyaya yakange iri yedare.

Akatiwo Pfundirwa akange apara mhosva mukuuya kudare aine mawoko akasviba sezvo aida mari yevana vaasiri kugara navo.

Chakwizira akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri iyo yakazosendeka parutivi yese paine chitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Mutongi Murendo akayambira Chakwizira kuti ange achinyorera kudare kuti agare nevana ava zviri pamutemo musi wa30 Ndira usati wadarika.

Akati kana achinge abudirira kuwaniswa gwaro iri nyaya yake yemendenenzi ine mukana wekukanzurwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey