Uncategorized

NDINI UYO: Sharon Chipango

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
NDINI UYO: Sharon Chipango

Kwayedza

SHARON CHIPANGO

SHARON CHIPANGO

NDINE makore 32 okuberekwa uye ndinogara kuSoutherton, muHarare, kumusha ndichibva kuBuhera. Ndakazvarwa ndiri mumwe chete mumhuri medu. Ndiri mudzimai akaropafadzawa nevanasikana vana.
Ndinofarira kushumira shoko raMwari ndiri kuchechi yeAnglican uye ndiri munhu anoyemura vanhu vanoda kudya zveziya ravo. Handifariri vanhu vane husimbe pakufunga pamwe nekushanda sezvo simba uri mukaka. Yambiro yangu kune ruzhinji ndeyekuti munhu ngaasarase mbereko nekufirwa, kana uchinge wakundikana kubudirira pane zvaungade kuita unofanira kushingirira nekuda kwekuti misi hayifanani.

Pachikafu ndinofarira mutakura wemumhare nenzungu. Ndinoda kutenda vabereki vangu nekundibereka, kunyanya amai vangu – Mbuya Chipango – avo vanomira neni munhamo nemumatambudziko. Ndinoda kukwazisa vana vangu pamwe nevose vandinoshanda navo kuYoll Investments.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>