Uncategorized

‘Ndinodzipwa nezvidhoma’

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
‘Ndinodzipwa nezvidhoma’ MARVELOUS DZEKA

Kwayedza

MARVELOUS DZEKA

MARVELOUS DZEKA

MUMWE musikana wechidiki wekuChitungwiza, svondo raopera akapotera kumahofisi eKwayedza achitsvaga rubatsiro apo aiti aoneswa pfumvu nezvidhoma izvo zvinomurova pamwe nekumudzipa nguva nenguva.

Marvelous Dzeka (21), uyo anogara panhamba 15 Dziva, kuZengeza 1, akaudza vatori venhau svondo rapera kuti ari kutsvaga rubatsiro kune vanokwanisa zvichitevera kuoneswa moto kwaari kuitwa nezvidhoma.

“Ndiri kurohwa nezvidhoma, ndapfidza veduwe. Kwatova nemwedzi zvichindirova nekundidzipa izvo zvazoita kuti ndiuye kuno kuzotsvaga rubatsiro.

“Zvinondirova nekundidzipa pahuro zvichitaura kuti, ‘tinoda kukukuvadza’. Dzimwe nguva ndinotoona zviso zvacho sezvo pamwe pacho zvichitanga zvandidongorera nepahwindo,” akadaro Marvelous.

Anoti zvidhoma izvi zvine mazwi echirume.

“Zvakambondirova zvikasiya zvandikuvadza matama neshaya zvekuti ndinotova nemavanga acho nanhasi. Dzimwe nguva zvinombonamirana neni chaizvo, zvichitaura nemazwi echirume. Asi hazvina kumbondiita mukadzi.

“Ndinogara nababa tiri vaviri, amai vangu vakashaya uye pandakaudza baba dambudziko iri, havana danho ravati vatora sekuenda neni kun’anga kana kumaporofita, tinongoendawo kuchechi yedu kuSpritual Revival Ministries. Vanongoti zvichapera zvega,” anodaro muzikana uyu.

Anoti izvi zvinowanzoitika ari oga, kunyanya panguva dzemasikati, musikana uyu paanenge akazorora pamba. Sekutaura kwake, zvidhoma izvi zvinouya zvotanga kurwisana zvichida kupinda mumba, kana nepahwindo, ozongoona zvava kundirova.

“Takatomboenda kuchipatara nababa vachiti ndinoongororwa dambudziko remaziso pakutanga nekuti ndaiita sendinonetseka kuona asi hazvina zvazvakabatsira. Ndinoona kuti dambudziko remaziso iri riri kukonzereswa nezvinhu zviri kundirova izvi.”

Musikana uyu, uyo anova gotwe anoti mumba mavo makaberekwa vakomana vaviri nevasikana vana. Vakomana vose vakashaya nenzira dzaanoti hadzinzwisisike.

“Tangosara vasikana chete, imwe hanzvadzi yangu yakazoshaika ava kungotaura zvisinganzwisisiki achiita seaikanganisika njere. Chero paakashaika ipapo, hapana kwatakambofamba kunobvunzira.”

Akati nekuda kwedambudziko iri, haana shungu nekuita mukomana. “Pari zvino handina kana hanya nekuda kuita mukomana, hameno mweya unenge wakandiputira. Ndinongonzwa kusvotwa kuti ndidanane nemukomana. Chero ndikanzwa kumuda zvinobva zvangopera pasina nguva asi ndinonzwa kuti pane zvinenge zvichiita kuti ndinzwe kudaro.

“Vana tete vangu variko asi hapana wandakamboudza kunze kwana sisi vangu vakaroorwa, ndivo vanombopota vachiuya kumba apo neapo vachitiona.”

Baba vaMarvelous, VaAugastine Dzeka, vakatsinhira kurohwa kwemwana wavo nezvidhoma vachiti anombopota achirasika njere iro rinova dambudziko ranetsa mumhuri yavo.

“Mashoko ekuti mwana wangu anorohwa nezvaasingaoni ndinobvumirana nawo nekuti nguva zhinji anonditaurira kana kuti ndinotombomunzwa achichema achiti ari kurohwa. Asi ini hapana zvandinoona paanenge achitaura pacho.

“Rimwe dambudziko rine mwana wangu nderekuti anomborasika njere zvekuti pane dzimwe nguva ndakatomboenda naye kuchipatara. Dambudziko randinoona kuti riri kukonzeresa zvese izvi ragara riri mumhuri medu, rekuti vana vanongorwara zvisinganzwisisiki zvekusvika pakurasika njere vobva vatofa,” vakadaro VaDzeka.

“Zviri kuitika pamusikana uyu zvakauya mushure mekunge amai vake nemukoma wake vashaika. Zvakazouya paari zvabva pamukoma wake ainzi Admire, uyo akafa achiti airohwa nezvaasingaoni.

Vakati kuchechi kwavo vanongoudzwa kuti iyi mweya yetsvina.

“Ini handina zvandichagona kuita nedambudziko iri, chero kuenda kumaporofita kana kun’anga, nekuti ndakapererwa nazvo. Ndiri munhu anofungisisa zvakanyanya, ndakatosvika pakubatwa BP.

“Nyaya dzose idzi dzinonzi dzakaunzwa nevamwe vasekuru vedu avo vakaita munhu wavaisaziva kumusha kwake nhapwa akazosvika pakufira mumusha mavo. Izvi zvakazoita kuti vamuvige vasingazivi hama dzake uye vasina kudzizivisa. Ndiwo mweya uri kutenderera mumhuri yangu, wandiparadzira vana kudai.”

VaDzeke vakati musikana uyu akasiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko iri.

Vakati kana pakaita vanogona kushandira mwana wavo, vanenge vavabatsira zvikuru.

“Kumusha ndava nenguva ndisingaendi kuti ndinoudzewo vamwe dambudziko rangu, ndinotaura navo nenguva iri kure,” vakadaro VaDzeka.

Mukoma waMarvelous, Winnet Dzeka (26), akatsinhirawo kurohwa kunoitwa munin’ina wake nezvinonzi zvidhoma izvi.

“Marve anongoti ari kurohwa asi ndinoshaya kuti zvinobva pai. Zvinongoita zvekuuya zvekuti dzimwe nguva muchitaura nyaya anongotanga kubvotomoka kana kuchema achiti ari kurohwa. Ndatoshamisika kuti akasvika sei kumahofisi kwenyu. Vanoenda kuchechi nababa asi panotoda rubatsiro rwakakura kuti zvipere,” akadaro.

 

Share This:

Sponsored Links