Uncategorized

‘. . . ndinofuma ndirere panze’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘. . . ndinofuma ndirere panze’

Kwayedza

MURUME wekuMberengwa anoti akadzingwa kumusha kwake nehama nevavakidzani vake nekuda kwekuti anongofuma arere panze asi asingazive kuti akabuda sei mumba.

VaSimon Zhou (71) — avo vanoti vanobva kwaMambo Negove — nemusi weChipiri svondo rino vakanopotera kuchirongwa Tilder Live Show kunhepfenyuro yeStar FM uko vaitsvaga rubatsiro.

Murume uyu — uyo akambopotera kumukuwasha wake anogara muHarare — anoti anofuma akarara panze, mumba maanenge amborara ari makakiiwa nemukati izvo zvava kuita kuti vanhu vamuti muroyi.

“Apo vanhu vakatanga kuziva dambudziko rangu, hama dzangu dzakandidzinga. Ndangosara ndoga pamusha, mudzimai nevana vatatu vakafa zvisina tsarukano.

“Ndangosara nemwana mumwe chete ane kumba kwandiri kugara kuno kuHarare. Ndiriko kumukuwasha ikoku, ndinongofuma ndiri panze, ndozodzokera mumba apo mukuwasha nemwana wangu vanondivhurira,” vanodaro VaZhou.

Murume uyu anoti izvi zvakatanga apo baba naamai vake vakafa iye ndokusiirwa nhaka yemombe 12, magejo maviri nemakaravheta maviri.

VaZhou vanoti vakoma vavo vaviri ndivo vakatanga kufa baba vavo vasati vashaika.

“Dzimwe nguva ndiri mumba, ndinofuma ndiine dova mumakumbo neguruva sezvinoita munhu afamba netsoka rwendo rwakareba.

“Kwandinofamba ndinonzi ndinoshandiswa nevaroyi, vamwe vachiti ndakapihwa mishonga yakaipa.”  Vanoti pavakadzingwa kumusha kwavo, vakasiya zvinhu zvavo zvose ikoko.

Pane fungidziro huru yekuti zvichida nhaka yakapihwa VaZhou nababa vavo yaiva nemhiko dzakaipa, sezvo vachiti pamombe 12 idzi, kwangosara shanu chete idzo dzinogara kumuzukuru wavo mwana watete.

“Mukuwasha nemwana wangu dzimwe nguva vanondiwana ndiri kunze kwegedhi ravo ndichingodzungaira, vozondipinza mumba. Iyi inyaya yave kuzivikanwa nevavakidzani vavo, uye zvave kuvatadzisa kugara zvakanaka nevamwe,” vanodaro.

Murume uyu anoti hama dzake dzinomuti ndiye apedza kuuraya vamwe.

“Ndikangorota baba vachiti, ‘Huya tibope mombe’, kunobva kwatofiwa nehama yepadyo. Ndava kutyira kuti mwanasikana wangu nemukuwasha vanogona kufawo ndikasara ndisina anondichengeta,” vanodaro VaZhou.

Mwanasikana wavo, Mildred Zhou (30), anoti maitiro ababa vake ava kumushaisa rugare kumba kwake.

Mildred Zhou

“Ndagara nemurume wangu kwemakore, uye tine dambudziko rekufirwa nevana. Ini wacho mimba dzinongobva. Tinongova nemwana mumwe chete, ini wacho ndine dambudziko rekugara ndichirova murume. Handizive kuti simba ndinoriwanepi, hanzi zviri kukonzerwa nababa ivava,” anodaro.

Murume wake — Donald Maruza (40) — anotsinhira kuti tezvara vake vanofuma vari panze nekuti iye anogara achizvambaradzwa kurohwa naMildred.

Donald Maruza

“Dambudziko rangu nderekurohwa nemukadzi. Ndinoroverwa kana zvinhu zvisina nebasa rose. Tine vana 3 vakafa, nhumbu dzakabva 7 asi mhuri yangu ndinoida,” anodaro.

VaZhou, mukuwasha wavo nemwanasikana vanoti vanotsvaga rubatsiro panyaya iyi.

Votaura nezviri kuitika kumhuri iyi, nyanzvi mune zvechivanhu, Sekuru Friday Chisanyu — avo vanovazve mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association — vanoti VaZhou vari kushandiswa mumabasa ekuroya asi ivo vasingazive.

“Murume uyu ave kutonzi muroyi sezvo zvaari kuita izvi zvichiitwa nevaroyi. Anotorwa asingazive vachinoroya saka anoda kubatsirwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>