Uncategorized

‘ndinogara nenyoka mudumbu’

20 Feb, 2018 - 12:02 0 Views
‘ndinogara nenyoka mudumbu’ Chipo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wechidiki anogara muHarare asi kumusha achibva kuMasvingo, anoti kwenguva inosvika makore 13, atambura nekuitwa mudzimai nemhuka dzinosanganisira zikatsi nenyoka kwozoti nemunhurume waasingazive.

Nekuda kwekuti anokumbira kuchengetedzwa kuruzhinji, mukadzi watichangodoma saChipo (31) uyu anoti ashaya zano rekuita nedambudziko raakatarisana naro.

Kunze kwaizvozvo, Chipo anoti sikarudzi yake yakavharika nekuda kwechinyama chakamerako icho chakafanana nenyama yeguru – asi anongoitwa mukadzi nezvinhu izvi zvakadaro.

Anotiwo dzimwe nguva anopepuka pakati pehusiku ari kumakuva uko anenge achidya nyama yaasingazive kuti ndeyei apo anenge aine vanhu vasina kupfeka.

Chipo anotizve nyoka inomuita mukadzi painopedza nezvake, inobva yapinda mudumbu make, yozobudamo mushure menguva refu apo inozonyangarika.

“Rangu dambudziko rakanyanya. Zvakatanga dziri mhuka mbiri – zikatsi nenyoka. Kwakazouya zverume refu, rinondivinga kunyangwe ndakasvinura kana kuti ndirere richishinha neni zvechisimba. Izvi zvinoitika kwenguva refu.

“Kana ari murume uyu, anotanga nekundibata-bata ndichitomuona. Asi haataure, anongondikumura hembe oitoita zvaanoda neni. Ndinosara ndichitorwadziwa, iro rume iri ratsakatika,” anodaro Chipo, uyo akazopotera kuKwayedza achiti anotsvaga rubatsiro. Anoti rume iri rinowanzomuinga rakapfeka mbatya chena kana nhema.

“Rinouya kaviri kana katatu pasvondo ndiri mumba mangu mekurara kana kuti ndinotanga ndichiita sekurota.

“Ndinotya kutaura naye sezvo achiuya akafinyamisa chiso chake, dzimwe nguva anotarisa kudivi kana ndikaedza kumucherechedza.

“Anopeny’a kumeso kwake, akangobuda mumba munosara muchiita maungira emazwi emadzimai nevarume vandisingaone izvo zvinozongonyarara,” anorondedzera nhamo yake Chipo.

Anotizve pane zikatsi hombe rinouya kwaari akasvinura kana akakotsira rosvikonanga pakati pemakumbo ake, apo rinoburitsa rurimi rwurefu urwo rwarinonanzvisa sikarudzi yake.

Chipo anoti mushure mezvo, katsi iyi inozoshereketa naye ichimuita mukadzi pamadiro ichimumara nemazinzara zvinomurwadza zvikuru.

“Katsi iyi inozondisiya uye apo painenge yandiregera ndinoona sekunge ndashinha nemunhu. Inozongobva ichiita zvekutiza ini ndozosara ndave kushushikana ndichirwadziwa.” Anoti katsi iyi inhema uye yakakura kunge zimbwa, iine maziso makuru zvikuru.

“Nyoka zvakare inongoerekana yapinda mumba mangu, yotananga kundinanzva mumakumbo nesikarudzi pashure yozopinda nemusoro.

“Mushure mechinguva, inozopinda yose mudumbu mangu umo inonogara kwenguva ingaite maaawa maviri kana matatu – ndichitoona. Dumbu rangu rinotanga kufutunuka.

“Inotozobuda zvayo yakanyorova ichiita seinobva mumvura apo inondinanzva zvakare,” anodaro mukadzi uyu, chiso chake chakaputirwa nekusuwa.

Panobuda nyoka iyi mudumbu make, Chipo anoti dumbu rake rinosara richikwata semvura iri pamoto, apa achinzwa seanodamburwa matumbu kana kuti seanorumwa nemuchenje.

“Ndinozonzwa kuda kuenda kuchimbuzi uko ndinonoburitsa tsvina neweti zvinenge zvichipisa. Ndinototarisa ndichityira kuburitsa hura pakuita tsvina.”

Chipo anotizve mhando yenyoka inomushandisa haaizive asi ine musoro mutsvuku, mutumbi wavo wakasviba kuti ndoo uye yakareba zvekuita mamita matatu.

Mhuka idzi nemurume anoti zvinogona kuuya zuva rimwe chete zvichisiyana nguva asi chinonyanya kutanga inyoka, kuchizotevera katsi, kozopedzisira nezirume refu.

“Ndanzwa nekutsvaga kubatsirwa, kumaporofita ndapedza. Vabereki vangu vanoti baba vanonamata kwavo, amai vachiendawo kwavo. Vanongonditi ‘namata zvinopera’.”

Kunze kwaizvozvo, Chipo anoti dzimwe nguva anongobengenuka husiku ari kumakuva aine varume nevakadzi uko vanenge vachidya nyama yaasingazive kuti ndeyei uye vasina kupfeka.

“Pane vamwe vanhu vandinoziva vekumusha kwedu avo vanonditora kuenda neni kumakuva vanosvikogara neni ikoko vachindipa nyama yandisingazive kuti ndeyei. Vanotaura kuti ndikaramba zvavanoda, vanondiuraya kana kundiremadza.

“Mumwe wacho anobva kumusha kwedu chaiko, panguva yavanonditora mazino angu anokura kuita seenguruve yemusango zvekuti handizogona kana kuvhara muromo wangu. Ndinozoerekana ndasvika kumba ndisingazive kuti ndafamba sei,” anodaro.

Mukadzi uyu anoti kwaanofamba kunobatwa hama yake yepedyo ichinzi ndiyo inokonzeresa zvose izvi.

“Asi kuzvipedza ndiro dambudziko – vaedza vaedzazve zvichiramba.

“Ndakaroorwa ndikarambana nemurume nekuda kwedambudziko irori. Izvozvi ndine mwana anoda kuchengetwa, baba vacho handizive kwavari.

“Ndakamerawo nyama nhema-nhema inenge susu kana kuti guru kusikarudzi iyo inondivhara.”

Chipo anoti akaburitswa basa kwaaimboshanda nekuda kwedambudziko iri achinzi ambonobatsirwa.

“Ndakamboenda kumachiremba echiRungu ndichiti zvimwe ndine zvirwere zvepabonde ndikawanikwa ndisina. Vanambuya vangu kumusha vakambondipawo mishonga yechivanhu vachiti ndine njovhera asi vakazvishairawo pazvo. Ukuwo amai vanonditi kubvira ndiri mudiki ndaigara ndichigwabvura kukwenya kunhengo dzangu zvinoreva kuti zvinhu izvi zvakabvira kune neni,” anodaro Chipo achikumbira kuti mufananidzo wake usaburitswe sezvauri sezvo achiti “zvinondimakisa nehama dzangu”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey