‘Ndinogona kutsvagira mwana vamwe baba’

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuchema-chema mudare achiti murombo zvekuti dai mweya wekufema waitengeswa angadai akafa kare, akabuda mudare umu achinyemwerera mushure mekunge chikumbiro chake chekuti mari yemendenenzi yaari kubhadhara idzikiswe chatambirwa.

Problem Makumba akazvuvira Tracy Shambo kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe sezvo achiti ari kurarama nezvikwereti.

“Ndiri kurarama muzvikwereti, ndiri kutoshandira mari dzevanhu dzandinadzo. Handina chandinokwanisa kumupa kuti achengete mwana, otoona zvekuita,” akadaro Makumba.

“Handina kana kobiri randinaro, dai mweya wekufema waitengeswa ndakafa kare. Mari yandaimbokupa yese ndichikuchengeta nemwana yaiva yezvikwereti, ndizvo zvandava kushandira uye kupera kwazvo kufa kwangu.

“Shamwari hadzichandida nekuti ndanyanya kukwereta, handina pekutangira ini. Kana zvikaramba zvichinetsa ndicheke-cheke hako.”

Shambo haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMakumba ndokuti:

“Iwe haungati kubva pa$150 woti hauchachengeta mwana. Kana usingade mwana ndingatotsvaga baba anoda kutichengeta wobva wasiyana neni.

“Zvikwereti zvei zvaunotaura? Murume chaiye haataure zvauri kutaura izvo, chengeta mwana. Kana usingade ibva wareva iye zvino, handidi zvekutambisirwa nguva ndichiri kutemwa dzinobva ropa ini. Usade kuita hutsotsi.

“Zvikwereti zvipi zvaunotaura, nekuti uri kunzi chengeta mwana? Kana ukasandipa mari variko vari kutokambena kuda kuita baba vemwana uyu, chimbwende chemurume.”

Mutongi Babra Masinire akapa mutongo wokuti Makumba abhadhare $70 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>